bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
2 Kings 18
2 Kings 18
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 17
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 19 →
1
Ɀino negore recitatu raHoshea mŋanakomana waEra mambo waIsraeri, Hezekia mŋanakomana waAhazi mambo waJuda wakataŋga kuɓata ʋushe.
2
Akataŋga kuɓata ʋushe aʋa namakore anamakumi maʋiri namashanu; akaɓata ʋushe paJerusarema makore makumi maʋiri namapfumbamŋe; zita ramai ʋake rakaŋga riri Abi mukunda waZekaria.
3
Akaita ɀakarurama pamberi paJehova, seɀakaita ɓaɓa ʋake Davidi.
4
Akabvisa matunhu akakwirira, akaputsa shoŋgwe, akaparadza matanda okunamata nawo; akaputsa‐putsa nyoka yendarira yakaŋga yakaitwa naMosesi; nokuti kuȿikira pamazuʋa iwayo ʋana ʋaIsraeri ʋaiipisira ɀinonhuwira; akaitumidza Nehustani.
5
Akatenda kunaJehova Mŋari waIsraeri; naiɀoɀo hakuna‐wakaŋga akafanana naye pakati pamadzimambo ose aJuda, kunaʋakamuteʋera, kana ʋakamutaŋgira.
6
Nokuti wakanamatira Jehova, haana‐kutsauka pakumuteʋera; asi wakaceŋgeta mirairo yake, yakarairwa Mosesi naJehova.
7
Jehova akaʋa naye; kwose kwaakaenda wakafambiswa ɀakanaka; akamukira mambo weAsiria, akasamushumira.
8
Akakunda ʋaFiristia kuȿikira paGaza nenyika yaro, kubva pacirindo comurindi kuȿikira pamaguta akakombga noruȿiŋgo.
9
Ɀino negore recinna ramambo Hezekia, riri gore recinomŋe raHoshea mŋanakomana waEra mambo waIsraeri, Sharmaneseri mambo weAsiria akandorwa neSamaria, akarikomba.
10
Pakupera kwamakore matatu ʋakarikunda; Samaria rikakundwa negore retanhatu raHezekia, riri gore repfumbamŋe raHoshea mambo waIsraeri.
11
Mambo weAsiria akatapa ʋaIsraeri, akaenda naʋo Asiria, akaʋaisa paHara, napaHabori, parwizi Gozani, nomumaguta aʋaMedi;
12
nokuti haʋana‐kuterera inzwi raJehova Mŋari waʋo, asi ʋakaɗarika suŋgano yake, iɀo ɀose ɀaʋakaŋga ʋarairwa naMosesi muranda waJehova, ʋakaramba kunzwa, kana kuɀiita.
13
Ɀino negore regumi namanna ramambo Hezekia, Sanheribi mambo weAsiria akandorwa namaguta ose aJuda akakombga namaȿiŋgo, akaakunda.
14
Ɀino Hezekia mambo waJuda akatuma shoko kunamambo weAsiria paRakishi, akati: Ndatadza, dzokai henyu mubve kwandiri; ɀose ɀamunoreʋa kwandiri ndicaɀiripa. Ipapo mambo weAsiria akaripisa Hezekia mambo waJuda matarenta anamazana matatu esirveri namatarenta anamakumi matatu endarama.
15
Hezekia akamupa sirveri yose yakaŋga iri mumba maJehova, napafuma yeimba yamambo.
16
Neŋguʋa iyo Hezekia wakabvisa ndarama pamikoʋa yeimba yaJehova, napambiru dzakaŋga dzafukidzwa nayo naHezekia mambo waJuda, akaipa mambo weAsiria.
17
Ɀino mambo weAsiria akatuma mukuru wehondo, nomukuru wamacinda, nomukuru waʋatariri ʋabve Rakishi nehondo huru ʋaende kunaHezekia paJerusarema. Iʋo ʋakaenda, ʋakaȿika Jerusarema. Ɀino ʋakati ʋaȿika, ʋakamira pamugero wedziʋa rokumsoro, riri panzira huru inoenda kumunda womusuki.
18
Ɀino ʋakati ʋaɗana mambo, Eriakimi mŋanakomana waHirkia, waiceŋgeta imba, naShebna munyori, naJoa mŋanakomana waAsafi sahwira, ʋakaɓuɗira kwaʋari.
19
Ɀino mukuru waʋatariri akati kwaʋari: Ɀino imi muti kunaHezekia: Ɀanzi namambo mukuru, mambo weAsiria: Caunoʋimba naco cinyi?
20
Iwe unoti (asi mashoko omuromo hawo): Mano nesimba ɀokurwa naɀo ɀiri’po haɀo. Ɀino unoʋimba naniko, ɀawandimukira ini?
21
Tarira ɀino, unoʋimba nomuɗonɀo worutsaŋga urwu rwakapxanyika, Egipita, runoti kana munhu akasendama kwaruri, rucapinda muruʋoko rwake, rukamuɓaya; ndiɀo ɀakaita Farao mambo weEgipita kunaʋose ʋanoʋimba naye.
22
Asi kana ukati kwandiri: Tinoʋimba naJehova Mŋari weɗu, ko haazi iye wakabvisirwa matunhu akakwirira neartari dzake naHezekia, akati kunaJuda naJerusarema: Munofanira kunamata pamberi peartari iri paJerusarema, here?
23
Naiɀoɀo ɀino, cipikiranai henyu natenzi waŋgu mambo weAsiria, ndikupe mabiza aneɀuru ɀiʋiri, kana iwe ukagona kuisa ʋataȿi pamsoro pawo.
24
Uŋgagona seiko kukunda mukuru mumŋe kunaʋaɗuku ʋaʋaranda ʋatenzi ʋaŋgu, kana ukaʋimba neEgipita kuti upiwe ŋgoro namabiza naʋo?
25
Ini ndaʋuya kuzorwa nenɀimbo iyi kuti ndiiparadze ndisinaJehova here? Ndiye Jehova wakati kwandiri: Enda undorwa nenyika iyo, uiparadze.
26
Ipapo Eriakimi mŋanakomana waHirkia, naShebna, naJoa ʋakati kumukuru waʋatariri: Tinokumbira kuti mutaure henyu naʋaranda ʋenyu norurimi rweciAramia, nokuti tinocinzwisisa; murege henyu kutaura nesu norurimi rwaʋaJuda, ʋanhu ʋose ʋari paruȿiŋgo ʋaɀinzwe.
27
Asi mukuru waʋatariri wakati kwaari: Tenzi waŋgu wakandituma kunatenzi wako nokwauri here, kuti nditaure mashoko awa? Haana‐kundituma here kuʋanhu ʋagere pamsoro poruȿiŋgo, kuti ʋadye ndoʋe yaʋo nemvura yaʋo pamŋe cete nemi?
28
Ipapo mukuru waʋatariri akamira, akaɗanidzira nenzwi guru norurimi rwaʋaJuda, akataura, aciti: Inzwai shoko ramambo mukuru, iye mambo weAsiria.
29
Ɀanzi namambo: Hezekia ŋgaarege kukunyeŋgerai; nokuti haagoni kukurwirai pamaʋoko ake;
30
Hezekia ŋgaarege kukuʋimbisai naJehova, aciti: Jehova ucatirwira ɀirokwaɀo, ʋuye kuti guta iri hariŋgaiswi mumaʋoko amambo weAsiria.
31
Musaterera Hezekia, nokuti ɀanzi namambo weAsiria: Yananai neni, muɓuɗirei kwandiri, mudye mumŋe nomumŋe muzambiriŋga wake, mumŋe nomumŋe muʋonde wake, munwe mumŋe nomumŋe mvura yetsime rake;
32
kuȿikira ini ndaʋuya ndikutorei, ndikuisei kunyika yakafanana neyenyu, nyika ineɀiyo newaini, nyika ineciŋgwa neminda yemizambiriŋga, nyika inamafuta emiorivi noʋuci, murarame, murege kufa; regai kuterera Hezekia, kana acikugombedzerai, aciti: Jehova ucatirwira.
33
Ko mumŋe waʋamŋari ʋendudzi wakatomborwira nyika yake paruʋoko rwamambo weAsiria here?
34
Ʋamŋari ʋeHamati neArpadi ʋaripi? Ʋamŋari ʋeSefarvaimi, neHena, neIva ʋaripi? Ʋakarwira Samaria paruʋoko rwaŋgu here?
35
Ndaʋapiko pakati paʋamŋari ʋose ʋenyika ʋakarwira nyika yaʋo paruʋoko rwaŋgu, ɀamunoti Jehova ucarwira Jerusarema paruʋoko rwaŋgu?
36
Asi ʋanhu ʋakaramba ʋanyerere, haʋana‐kumupindura shoko rimŋe, nokuti murairo wamambo wakaŋga uciti: Regai kumupindura.
37
Ɀino Eriakimi mŋanakomana waHirkia, waitarira imba, naShebna munyori, naJoa, mŋanakomana waAsafi sahwira, ʋakaenda kunaHezekia, ŋguʋo dzaʋo dzabvarurwa, ʋakamuʋudza mashoko omukuru waʋatariri.
← Chapter 17
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 19 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25