bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
2 Kings 15
2 Kings 15
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 14
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 16 →
1
Negore ramakumi maʋiri namanomŋe raJeroboami mambo waIsraeri, Azaria mŋanakomana waAmazia mambo waJuda wakataŋga kuɓata ʋushe.
2
Wakaŋga anamakore anegumi namatanhatu pakutaŋga kwake kuɓata ʋushe, akaɓata ʋushe paJerusarema makore anamakumi mashanu namaʋiri; zita ramai ʋake rakaŋga riri Jekoria weJerusarema.
3
Akaita ɀakarurama pamberi paJehova, seɀakaita ɓaɓa ʋake Amazia paɀose.
4
Kunyaŋge ɀakaɗaro, matunhu akakwirira haana‐kubviswa; ʋanhu ʋakaramba ʋaciɓayira nokupisa ɀinonhuwira pamatunhu akakwirira.
5
Jehova akaroʋa mambo, akaʋa namaperembudzi kuȿikira zuʋa rokufa kwake, akagara ari oga muimba. Jotami mŋanakomana wamambo akaʋa mutariri weimba, akatoŋga ʋo mhoȿa dzaʋanhu ʋenyika.
6
Ɀino mamŋe maɓasa aAzaria, neɀose ɀaakaita, haɀina‐kunyorwa here mubuku yamakoronike amadzimambo aJuda?
7
Azaria akaʋata namadziɓaɓa ake, ʋakamuʋiga kunamadziɓaɓa ake muguta raDavidi; Jotami mŋanakomana wake akamuteʋera paʋushe.
8
Negore ramakumi matatu namasere raAzaria mambo waJuda, Zekaria mŋanakomana waJeroboami wakaʋa mambo waIsraeri paSamaria mŋedzi mitanhatu.
9
Akaita ɀakaipa pamberi paJehova, seɀakaita madziɓaɓa ake; haana‐kutsauka paɀiʋi ɀaJeroboami mŋanakomana waNebati, ɀaakatadzisa Israeri naɀo.
10
Sharumi mŋanakomana waJabeshi akamumukira, akamuɓaya pamberi paʋanhu, akamuʋuraya, iye akamuteʋera paʋushe.
11
Ɀino mamŋe maɓasa aZekaria, tarirai akanyorwa mubuku yamakoronike amadzimambo aIsraeri.
12
Ndiro shoko raJehova raakataura kunaJehu, aciti: Ʋanakomana ʋako ʋacagara pacigaro coʋushe bgaIsraeri kuȿikira parudzi rwecinna. Ɀikaitwa saiɀoɀo.
13
Sharumi mŋanakomana waJabeshi wakataŋga kuɓata ʋushe negore ramakumi matatu namapfumbamŋe raUzia mambo waJuda; akaɓata ʋushe paSamaria mŋedzi mumŋe.
14
Ɀino Menahemi mŋanakomana waGadi akabva Tirza, akaȿika Samaria, akaɓaya Sharumi mŋanakomana waJabeshi paSamaria, akamuʋuraya, akamuteʋera paʋushe.
15
Ɀino mamŋe maɓasa aSharumi, nokumukira kwake, tarirai ɀakanyorwa mubuku yamakoronike amadziɓaɓa aIsraeri.
16
Ɀino Menahemi akaparadza Tifsa, naʋose ʋakaŋga ʋari mukati maro, nenyika yaro, kubva paTirza; akariparadza, nokuti ʋakaramba kumuzarurira; akatumbura ʋakadzi ʋose ʋakaŋga ʋanemimba, ʋaiʋa mukati maro.
17
Negore ramakumi matatu namapfumbamŋe raAzaria mambo waJuda, Menahemi mŋanakomana waGadi, wakataŋga kuɓata ʋushe bgaIsraeri, akaʋuɓata makore anegumi paSamaria.
18
Akaita ɀakaipa pamberi paJehova; mazuʋa ake ose haana‐kutsauka paɀiʋi ɀaJeroboami mŋanakomana waNebati, ɀaakatadzisa Israeri naɀo.
19
Ɀino Puri mambo weAsiria akaʋuya kuzorwa nenyika; Menahemi akapa Puri matarenta anecuru cimŋe cesirveri, kuti amuɓatsire kusimbisa ʋushe bgake.
20
Menahemi akateresa Israeri, mumŋe nomumŋe wakaŋga anesimba, akafuma, akaɓuɗisa mashekeri anamakumi mashanu esirveri, kuti ɀipiwe mambo weAsiria; naiɀoɀo mambo weAsiria akadzokera hake, akasagara panyika.
21
Ɀino mamŋe maɓasa aMenahemi, neɀose ɀaakaita, haɀina‐kunyorwa here mubuku yamakoronike amadzimambo aIsraeri?
22
Menahemi akaʋata namadziɓaɓa ake, Pekahia mŋanakomana wake akamuteʋera paʋushe.
23
Negore ramakumi mashanu raAzaria mambo waJuda, Pekahia mŋanakomana waMenahemi wakataŋga kuɓata ʋushe bgaIsraeri paSamaria, akaʋuɓata makore maʋiri.
24
Akaita ɀakaipa pamberi paJehova; haana‐kutsauka paɀiʋi ɀaJeroboami mŋanakomana waNebati, ɀaakatadzisa Israeri naɀo.
25
Ɀino Peka mŋanakomana waRemaria, mukuru wake wehondo akamumukira, akamuʋuraya paSamaria, munhare yeimba yamambo, iye naArgobi naArie naʋanhu ʋanamakumi mashanu ʋaGireadi ʋaakaŋga anaʋo; akamuʋuraya, akamuteʋera paʋushe.
26
Ɀino mamŋe maɓasa aPekahia, neɀose ɀaakaita, tarirai ɀakanyorwa mubuku yamakoronike amadzimambo aIsraeri.
27
Negore ramakumi mashanu namaʋiri raAzaria mambo waJuda, Peka, mŋanakomana waRemaria, akataŋga kuɓata ʋushe bgaIsraeri paSamaria, akaʋuɓata makore makumi maʋiri.
28
Akaita ɀakaipa pamberi paJehova; haana‐kutsauka paɀiʋi ɀaJeroboami mŋanakomana waNebati, ɀaakatadzisa Israeri naɀo.
29
Namazuʋa aPeka mambo waIsraeri, Tigrati‐pireseri mambo weAsiria akaȿika, akakunda Ijoni, neAberibeti‐maaka, neJanoa, neKadeshi, neHazori, neGireadi, neGariri, iyo nyika yose yeNaftari; akaʋatapa, akaenda naʋo Asiria.
30
Ɀino Hoshea mŋanakomana waEra akaita ndaŋga pamsoro paPeka mŋanakomana waRemaria, akamuɓaya, akamuʋuraya, ndokumuteʋera paʋushe, negore ramakumi maʋiri raJotami mŋanakomana waUzia.
31
Ɀino mamŋe maɓasa aPeka, neɀose ɀaakaita, tarirai ɀakanyorwa mubuku yamakoronike amadzimambo aIsraeri.
32
Negore recipiri raPeka mŋanakomana waRemaria mambo waIsraeri, Jotami mŋanakomana waUzia mambo waJuda, wakataŋga kuɓata ʋushe.
33
Wakaŋga aȿika makore anamakumi maʋiri namashanu pakutaŋga kwake kuɓata ʋushe; akaɓata ʋushe paJerusarema makore anegumi namatanhatu; zita ramai ʋake rakaŋga riri Jerusha mukunda waZadoki.
34
Akaita ɀakarurama pamberi paJehova, akaita ɀose ɀakaitwa naɓaɓa ʋake Uzia.
35
Kunyaŋge ɀakaɗaro matunhu akakwirira haana‐kubviswa; ʋanhu ʋakaramba ʋaciɓayira nokupisa ɀinonhuwira pamatunhu akakwirira. Ndiye wakaʋaka suʋo rokumsoro reimba yaJehova.
36
Ɀino mamŋe maɓasa aJotami, neɀose ɀaakaita, haɀina‐kunyorwa here mubuku yamakoronike amadzimambo aJuda?
37
Namazuʋa iwayo Jehova akataŋga kutuma Rezini mambo weSiria naPeka mŋanakomana waRemaria kuzorwa naJuda.
38
Jotami akaʋata namadziɓaɓa ake, akaʋigwa kunamadziɓaɓa ake muguta raɓaɓa ʋake Davidi; Ahazi mŋanakomana wake akamuteʋera paʋushe.
← Chapter 14
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 16 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25