bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
2 Kings 3
2 Kings 3
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 4 →
1
Ɀino Jehorami mŋanakomana waAhabi wakataŋga kuɓata ʋushe bgaIsraeri paSamaria negore regumi namasere raJehoshafati mambo waJuda, akaɓata ʋushe makore anegumi namaʋiri.
2
Akaita ɀakaipa pamberi paJehova, asi haana‐kuita saɓaɓa ʋake kana samai ʋake; nokuti wakabvisa shoŋgwe yaBaari yakaŋga yaitwa naɓaɓa ʋake.
3
Kunyaŋge ɀakaɗaro, wakanamatira ɀiʋi ɀaJeroboami mŋanakomana waNebati, ɀaakatadzisa Israeri naɀo: haana‐kutsauka kwaɀiri.
4
Ɀino Mesha mambo waMoabi wakaŋga ari mŋene wamakwai, waipa mambo waIsraeri makushe amakwaiana aneɀuru ɀinezana, naamakondobge aneɀuru ɀinezana.
5
Asi Ahabi wakati afa, mambo waMoabi akamukira mambo waIsraeri.
6
Mambo Jehorami akaɓuɗa paSamaria neŋguʋa iyo, akaʋuŋganidza ʋaIsraeri ʋose.
7
Akatuma shoko kunaJehoshafati mambo waJuda, aciti: Mambo waMoabi wandimukira, ucaenda neni kundorwa naMoabi here? Iye akati: Ndicaenda; ini ndakaita sewe, naʋanhu ʋaŋgu saʋanhu ʋako, namabiza aŋgu samabiza ako.
8
Iye akati: Ticaenda nenzira ipiko? Akati: Nenzira yokurenje raEdomi.
9
Naiɀoɀo mambo waIsraeri akaenda, namambo waJuda, namambo waEdomi, ʋakapota ʋakafamba mazuʋa manomŋe, ʋakashaiwa mvura yokunwisa hondo neɀipfuwo ɀaʋakaŋga ʋanaɀo.
10
Ipapo mambo waIsraeri akati: Haiwa! Jehova wakaɗana madzimambo awa matatu, kuti aʋaise mumaʋoko aʋaMoabi.
11
Ɀino Jehoshafati akati: Hapanamuprofita waJehova pano, tibvunze Jehova naye here? Mumŋe waʋaranda ʋamambo waIsraeri akapindura, akati: Erisha mŋanakomana waShafati uri pano, iye wakaɗeya kusururidza mvura pamaʋoko aEria.
12
Jehoshafati akati: Shoko raJehova riri kwaari. Ɀino mambo waIsraeri, naJehoshafati, namambo waEdomi ʋakaenda kwaari.
13
Erisha akati kunamambo waIsraeri: Ndineiko nemi? Endai kuʋaprofita ʋaɓaɓa ʋenyu nokuʋaprofita ʋamai ʋenyu. Mambo waIsraeri akati kwaari: Kwete, nokuti Jehova ndiye wakaɗana madzimambo awa matatu, kuti aʋaise mumaʋoko aʋaMoabi.
14
Erisha akati: NaJehova wehondo mupenyu, iye wandimire pamberi pake, ɀirokwaɀo ɗai ndisaiʋa nehanya naJehoshafati mambo waJuda uri pano, handizaitarira kwamuri, kana kukuʋonai imi.
15
Asi ɀino ʋuyai kwandiri nomuridzi wembira. Ɀino muridzi wembira wakati aciridza, ruʋoko rwaJehova rukaʋuya pamsoro pake.
16
Akati: Ɀanzi naJehova: Cerai makoroŋga mazhinji pamupata uyu.
17
Nokuti ɀanzi naJehova: Hamuŋgaʋoni mhepo, hamuŋgaʋoni mvura; kunyaŋge ɀakaɗaro mupata uyu ucazadzwa nemvura; imi mucanwa, imi neɀipfuwo ɀenyu, neɀinotakura nhumbi dzenyu.
18
Cinhu ici ciɗuku haco pamberi paJehova; asi iye ucaisa ʋo ʋaMoabi mumaʋoko enyu.
19
Mucaparadza guta rimŋe nerimŋe rakasimbiswa, neguta rimŋe nerimŋe rakatsaurwa, mucatema muti mumŋe nomumŋe wakanaka, nokudziʋira matsime ose emvura, nokushatsa namabge munda mumŋe nomumŋe wakanaka.
20
Ɀino fume maŋgwana, neŋguʋa yokuɓayira cipo, mvura ikaʋonekwa icibva nenzira yaEdomi, nyika ikazadzwa nemvura.
21
Ɀino ʋaMoabi ʋose ʋakati ʋacinzwa kuti madzimambo akaŋga aȿika kuzorwa naʋo, ʋakaʋuŋgana, ʋose ʋakaŋga ʋacigona kupfeka nhumbi dzokurwa nadzo, naʋakaʋapfuʋura pamakore, ʋakandomira pamuganho.
22
Ʋakamuka maŋgwanani, ʋakaʋona zuʋa ricipenya pamvura, ʋaMoabi ʋakaʋona mvura ʋari kure yakatȿuka seropa.
23
Ʋakati: Iropa; ɀirokwaɀo madzimambo aparadzwa, ʋaʋurayana; naiɀoɀo ɀino, ʋaMoabi, endai mundopamba.
24
Ɀino ʋakati ʋaciȿika pamisasa yaʋaIsraeri, ʋaIsraeri ʋakasimuka, ʋakaparadza ʋaMoabi, ʋakatiza pamberi paʋo; ʋakapinda munyika yaʋo ʋaciparadza ʋaMoabi.
25
Ʋakaputsa maguta, mumŋe nomumŋe akakanda ibge rake pamunda mumŋe nomumŋe wakanaka, ikazara; ʋakadziʋira matsime ose emvura, ʋakatema miti yose yakanaka, kuȿikira ʋasiya mabge oga paKiri‐hareseti; ʋaposheri ʋamabge ʋakarikomba, ʋakariparadza.
26
Ɀino mambo waMoabi wakati aciʋona kuti wakundwa pakurwa, akatora ʋarume ʋanamazana manomŋe ʋaigona kurwa nomunondo, akaidza kupasanura kunamambo waEdomi; asi ʋakaŋga ʋasiŋgagoni.
27
Ipapo akatora mŋanakomana wake weɗaŋgwe, waifanira kumuteʋera paʋushe, akamuɓayira ciʋe cipiriso cinopiswa pamsoro poruȿiŋgo. Ipapo ʋaIsraeri ʋakatsamŋa kwaɀo, ʋakabva kwaari, ʋakadzokera kunyika yaʋo.
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 4 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25