bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
2 Kings 19
2 Kings 19
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 18
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 20 →
1
Ɀino mambo Hezekia wakati aciɀinzwa, akabvarura ŋguʋo dzake, akafuka magumbu, akapinda mumba maJehova.
2
Akatuma Eriakimi waitarira imba, naShebna munyori, naʋakuru ʋaʋaprista, ʋakafuka magumbu, kunomuprofita Isaya mŋanakomana waAmozi.
3
Ʋakati kwaari: Ɀanzi naHezekia: Nhasi izuʋa rokutambudzika, nerokutukwa, nerokuɀidzwa; nokuti ʋana ʋakaȿika pakuɀarwa, asi hakunesimba rokuɀara naro.
4
Ɀimŋe Jehova Mŋari wenyu ucanzwa mashoko ose omukuru waʋatariri, wakatumŋa namambo weAsiria tenzi wake, kuɀidza Mŋari mupenyu, agoʋatuka pamsoro pamashoko akanzwa Jehova Mŋari wenyu; naiɀoɀo nyeŋgetererai ʋakasara.
5
Ipapo ʋaranda ʋamambo Hezekia ʋakaȿika kunaIsaya.
6
Isaya akati kwaʋari: Ʋudzai tenzi wenyu, muti: Ɀanzi naJehova: Usatya hako mashoko awakanzwa, andakamhurwa nawo naʋaranda ʋamambo weAsiria.
7
Tarira, ndicaisa mŋeya wokutya mukati make, ucanzwa guhu, ndokudzokera kunyika yake; ndicamuʋurayisa nomunondo munyika yake.
8
Naiɀoɀo mukuru waʋatariri wakadzoka, akawana mambo weAsiria acirwa neRibna, nokuti wakaŋga anzwa kuti wabva paRakishi.
9
Ɀino wakati acinzwa pamsoro paTirhaka mambo weEtiopia, ɀicinzi: Tarirai, woʋuya kuzorwa nemi, akatuma ɀe nhume kunaHezekia, aciti:
10
Endai mundoʋudza Hezekia mambo waJuda, muti: Mŋari wako, waunoʋimba naye, ŋgaarege kukunyeŋgera, aciti: Jerusarema hariŋgaiswi muruʋoko rwamambo weAsiria.
11
Tarira, wakanzwa ɀakaitirwa nyika dzose namadzimambo eAsiria, kuti ʋakadziparadza cose; ɀino iwe ucarwirwa here?
12
Ko ʋamŋari ʋedzimŋe ndudzi ʋakadzirwira here, idzo dzakaparadzwa namadziɓaɓa aŋgu, ʋanaGozani, naHarani, naRezefi, naʋana ʋaEdeni, ʋaiʋa paTerasari?
13
Mambo weHamati uripiko, namambo weArpadi, namambo weguta reSefarvaimi, neHena, neIva?
14
Hezekia akagamucira ŋwadi pamaʋoko enhume, akairaʋa; Hezekia akakwira kumba kwaJehova, akaipetenura pamberi paJehova.
15
Ipapo Hezekia akanyeŋgetera pamberi paJehova, akati: Haiwa! Jehova Mŋari waIsraeri, iye ugere pamsoro pamakerubi! Ndimi Mŋari, imi moga, woʋushe bgose bgenyika, ndimi makaita kuɗeŋga napasi.
16
Rerekerai nzeʋe yenyu, Jehova, munzwe; ȿinudzai meso enyu, Jehova, muʋone; inzwai mashoko aSanheribi, aakatuma kuzoɀidza Mŋari mupenyu.
17
Ɀirokwaɀo, Jehova, madzimambo eAsiria akaparadza ndudzi nenyika dzadzo,
18
akakandira ʋamŋari ʋadzo mumŋoto; nokuti ʋakaŋga ʋasi ʋamŋari, asi rakaŋga riri ɓasa ramaʋoko aʋanhu, ari matanda namabge; naiɀoɀo ʋakaʋaparadza.
19
Ɀino, Jehova Mŋari weɗu, citiponesai henyu paruʋoko rwake, kuti ʋushe bgose bgenyika ʋuziʋe kuti ndimi Jehova Mŋari, imi moga.
20
Ipapo Isaya mŋanakomana waAmozi, wakatuma shoko kunaHezekia, akati: Ɀanzi naJehova Mŋari waIsraeri: Ɀawanyeŋgetera kwandiri pamsoro paSanheribi mambo weAsiria, ndakunzwa.
21
Heri shoko rakataurwa naJehova pamsoro pake: Mhandara, mukunda weZioni, wakakushoʋora nokukuseka; mukunda weJerusarema wakakudzuŋgudzira musoro wake.
22
Ndianiko wawakatuka nokumhura? Wakaɀikudza kunaniko nenzwi rako, meso ako akatarira aniko kuɗeŋga? NdiMutȿene waIsraeri!
23
Wakatuka Jehova nenhume dzako, ukati: Ndakwira kumakomo marefu neŋgoro dzaŋgu zhinji, kunɀimbo dzomukati dzeRebanoni; ndicatema misidari mirefu iri’po, nemisipresi yakatsaurwa iri’po, ndicapinda kuȿikira paimba yake yomukati, kuɗondo rake rinoɓereka ɀakanaka.
24
Ndakateka ndikanwa mvura yedzimŋe nyika, ndicapxisa nzizi dzose dzeEgipita nokutsika kwetsoka dzaŋgu.
25
Hauna‐kunzwa here kuti ndakaɀiita kare, kuti ndakaɀiraira neŋguʋa dzokutaŋga‐taŋga? Ɀino ndaraira ɀiitike, kuti iwe uʋe muparadzi wamaguta akakombga namaȿiŋgo, aʋe matoŋgo.
26
Naiɀoɀo ʋagere’mo ʋakaŋga ʋanesimba ɗuku, ʋakavunduswa nokunyadzwa; ʋakafanana noʋuswa bgesaŋgo, nomuriʋo mutema, noʋuswa bguri pamsoro peimba, neɀiyo ɀakatȿa ɀicigere kukura.
27
Asi ndinoziʋa kugara kwako pasi, nokuɓuɗa kwako, nokupinda kwako, ʋuye hasha dzako kwandiri.
28
Nokuɗa kwehasha dzako kwandiri, ʋuye nokuti ndakanzwa kuɀikudza kwako, ndicaisa rwauro rwaŋgu mumhino dzako, netomu raŋgu mumiromo yako, ndikudzosere nenzira yawakaʋuya nayo.
29
Ici ndico cicaʋa ciratidzo kwauri: Nhaka mucadya ɀinoŋgomera ɀoga, negore recipiri mucadya ɀinomera ɀe kwaɀiri; asi negore recitatu munofanira kudɀara, nokuceka, nokusima minda yemizambiriŋga, mudye micero yayo.
30
Ɀino ʋakasara, ʋakapukunyuka ʋeimba yaJuda, ʋacaita ɀe midzi pasi, nokuɓereka micero kumsoro.
31
Nokuti ʋakasara ʋacaɓuɗa paJerusarema, naʋakapukunyuka pagomo reZioni; kushiŋgaira kwaJehova kucaɀiita.
32
Naiɀoɀo ɀanzi naJehova pamsoro pamambo weAsiria: Haaŋgapindi muguta rino, kana kuposhera museʋe imomo, kana kuȿika pamberi paro nenhoʋo, kana kututira gomo revu pariri.
33
Ɀanzi naJehova: Nenzira yaakaʋuya nayo, ucadzoka ɀe nayo; haaŋgapindi muguta rino.
34
Nokuti ndicadzitira guta rino, ndirirwire nokuɗa kwaŋgu, ʋuye nokuɗa kwomuranda waŋgu Davidi.
35
Ɀino noʋusiku ubgo mutumŋa waJehova wakaɓuɗa, akaʋuraya ʋanhu ʋaneɀuru ɀinezana namakumi masere neɀishanu pamisasa yaʋaAsiria; ɀino ʋanhu ʋakati ʋacimuka maŋgwanani, ʋakawana ɀaʋa ɀitunha ɀose.
36
Naiɀoɀo Sanheribi mambo weAsiria akabva, akaenda, akadzokera kwakare, akandogara Nineve.
37
Ɀino wakati acinamata mumba maNisroki mŋari wake, Adramereki naSharezeri ʋakamuʋuraya nomunondo, iʋo ʋakatizira kunyika yeArarati. Esari‐hadoni akamuteʋera paʋushe.
← Chapter 18
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 20 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25