bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
2 Kings 21
2 Kings 21
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 20
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 22 →
1
Manase wakataŋga kuɓata ʋushe aʋa namakore anegumi namaʋiri; akaɓata ʋushe makore anamakumi mashanu namashanu paJerusarema; zita ramai ʋake raiʋa Hefziba.
2
Akaita ɀakaipa pamberi paJehova, akateʋera ɀinonyaŋgadza ɀaʋahedeni ʋakaŋga ʋadziŋgwa naJehova pamberi paʋana ʋaIsraeri.
3
Nokuti wakaʋaka ɀe matunhu akakwirira, akaŋga aparadzwa naɓaɓa ʋake Hezekia; akamutsira Baari artari, akaisa’po ɗanda rokunamata naro, seɀakaita Ahabi mambo waIsraeri; akanamata hondo dzose dzokuɗeŋga, akadzishumira.
4
Akaʋaka artari mumba maJehova, kunyaŋge Jehova wakaŋga ati: PaJerusarema ndi’po pandicaisa zita raŋgu.
5
Akaʋakira hondo dzose dzokuɗeŋga artari muʋazhe mbiri dzeimba yaJehova.
6
Akapinza mŋanakomana wake mumŋoto, akatenda mashura, akaita mazaŋgo, akagadza maȿikiro naʋaʋuki; akaita ɀakaipa ɀizhinji pamberi paJehova, ndokumutsamŋisa naɀo.
7
Akaisa mufananidzo weɗanda rokunamata naro raakaʋeza mumba makanzi naJehova kunaDavidi nokunaSoromoni mŋanakomana wake: Ndicaisa zita raŋgu nokusiŋgaperi paimba ino napaJerusarema, randakaɀitsaurira pakati pamarudzi ose aIsraeri.
8
Handicazofamba‐fambisi tsoka dzaʋaIsraeri kunze kwenyika yandakapa madziɓaɓa aʋo; kana ʋacicenjera ɓedzi kuita ɀandakaʋaraira, nomurairo wose waʋakarairwa naMosesi muranda waŋgu.
9
Asi haʋana‐kuterera; Manase akaʋatsausa ʋakaita ɀakaipa kupfuʋura ɀakaitwa nendudzi dzakaparadzwa naJehova pamberi paʋana ʋaIsraeri.
10
Jehova akataura naʋo naʋaprofita ʋaranda ʋake, akati:
11
Manase mambo waJuda ɀaakaita ɀinonyaŋgadza iɀi, akaita ɀakaipa kupfuʋura ɀose ɀakaitwa naʋaAmori ʋakamutaŋgira, akatadzisa ʋo Juda neɀifananidzo ɀake.
12
Naiɀoɀo ɀanzi naJehova Mŋari waIsraeri: Tarirai, ndicaʋuyisira Jerusarema naJuda ɀakaipa ɀikaɗai, kuti ʋose ʋanoɀinzwa nzeʋe dzaʋo dzicawuŋga.
13
Ndicayera Jerusarema norwonzi rwandakayera Samaria narwo, ʋuye norwonzi rwandakaruramisa imba yaAhabi narwo; ndicapisika Jerusarema somunhu unopisika ndiro, unoipisika akaitsindikira.
14
Ndicarasha ʋakasara ʋenhaka yaŋgu, ndiʋaise mumaʋoko aʋaʋeŋgi ʋaʋo; ʋacapedzwa nokuparadzwa naʋaʋeŋgi ʋaʋo ʋose;
15
nokuti ʋakaita ɀakaipa pamberi paŋgu, ʋakanditsamŋisa, kubva pazuʋa rokuɓuɗa kwamadziɓaɓa aʋo paEgipita kuȿikira zuʋa ranhasi.
16
Manase akateʋura ʋo ropa rakawanda risinemhoȿa, kuȿikira azadza Jerusarema kubva kurutiʋi rumŋe kuȿikira kunorumŋe rutiʋi; ɀiʋi ɀake ɀaakatadzisa Juda naɀo, aciita ɀakaipa pamberi paJehova, ɀisiŋgaʋereŋgwi.
17
Ɀino mamŋe maɓasa aManase, neɀose ɀaakaita, neɀiʋi ɀake ɀaakaita, haɀina‐kunyorwa here mubuku yamakoronike amadzimambo aJuda?
18
Manase akaʋata namadziɓaɓa ake, akaʋigwa mumunda weimba yake, mumunda waUza; Amoni mŋanakomana wake akamuteʋera paʋushe.
19
Amoni wakataŋga kuɓata ʋushe aʋa namakore anamakumi maʋiri namaʋiri, akaɓata ʋushe paJerusarema makore maʋiri; zita ramai ʋake rakaŋga riri Meshuremeti, mukunda waHaruzi weJotiba.
20
Akaita ɀakaipa pamberi paJehova, seɀakaita Manase ɓaɓa ʋake.
21
Akafamba nenzira yose yakafambga naɓaɓa ʋake, akashumira ɀifananidzo ɀakashumirwa naɓaɓa ʋake, akaɀinamata;
22
akasiya Jehova Mŋari wamadziɓaɓa ake, akasafamba nenzira yaJehova.
23
Ɀino ʋaranda ʋaAmoni ʋakamuraŋgana ʋakamumukira, ʋakaʋuraya mambo mumba make.
24
Asi ʋanhu ʋenyika iyo ʋakazoʋuraya ʋose ʋakaraŋgana ʋakamukira mambo Amoni; ʋanhu ʋenyika iyo ʋakaita mŋanakomana wake Josia mambo panɀimbo yake.
25
Ɀino mamŋe maɓasa aAmoni aakaita, haɀina‐kunyorwa here mubuku yamakoronike amadzimambo aJuda?
26
Akaʋigwa mubgiro bgake mumunda waUza; Josia mŋanakomana wake akamuteʋera paʋushe.
← Chapter 20
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 22 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25