bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
2 Kings 24
2 Kings 24
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 23
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 25 →
1
Ɀino pamazuʋa ake Nebukadnezari mambo weBabironi akaȿika, Jehoyakimi akaitwa muranda wake makore matatu; ipapo akamuramba akamumukira.
2
Jehova akatuma kwaari hondo dzaʋaKardea, nehondo dzaʋaSiria, nehondo dzaʋaMoabi, nehondo dzaʋana ʋaAmoni, kuzorwa naye; akadzituma kuzoparadza Juda, seɀakarebga neshoko raJehova, raakataura nemiromo yaʋaranda ʋake ʋaprofita.
3
Ɀirokwaɀo iɀi ɀakaitirwa Juda nokuraira kwaJehova, kuti aʋabvise pamberi pake, nokuɗa kweɀiʋi ɀaManase ɀose ɀaakaita;
4
ʋuye nokuɗa kweropa risinemhoȿa raakateʋura; nokuti wakazadza Jerusarema neropa risinemhoȿa; Jehova akaramba kuʋakaŋganwira.
5
Ɀino mamŋe maɓasa aJehoyakimi, neɀose ɀaakaita, haɀina‐kunyorwa here mubuku yamakoronike amadzimambo aJuda?
6
Jehoyakimi akaʋata namadziɓaɓa ake, mŋanakomana wake Jehoyakini akamuteʋera paʋushe.
7
Mambo weEgipita haana‐kuzoɓuɗa ɀe munyika yake, nokuti mambo weBabironi wakaŋga akunda ɀose ɀaiʋa ɀamambo weEgipita, kubva parukoʋa rweEgipita kuȿikira parwizi Yufratesi.
8
Jehoyakini wakataŋga kuɓata ʋushe aʋa namakore anegumi namasere, akaɓata ʋushe paJerusarema mŋedzi mitatu. Zita ramai ʋake rakaŋga riri Nehushta mukunda waErnatani weJerusarema.
9
Akaita ɀakaipa pamberi paJehova, seɀakaita madziɓaɓa ake paɀose.
10
Neŋguʋa iyo ʋaranda ʋaNebukadnezari mambo weBabironi, ʋakaȿika Jerusarema, ʋakakomba guta.
11
Nebukadnezari mambo weBabironi, akaȿika paguta, ʋaranda ʋake ʋakarikomba.
12
Ɀino Jehoyakini mambo waJuda akaɓuɗira kunamambo weBabironi, iye namai ʋake, naʋaranda ʋake, namacinda ake, naʋatariri ʋake; mambo weBabironi akamuɓata negore rorusere rokuɓata kwake ʋushe.
13
Akaenda nefuma yose yeimba yaJehova, nefuma yeimba yamambo, akatema‐tema nhumbi dzose dzendarama dzakaŋga dzaitwa naSoromoni mambo waIsraeri mutembere yaJehova, seɀakaŋga ɀataurwa naJehova.
14
Akatapa ʋose ʋeJerusarema, namacinda ose, nemhare dzose, ʋatapxa ʋaneɀuru ɀinegumi, nemhizha dzose, naʋapfuri ʋose; hakuna‐ʋakasara, asi ʋanhu ʋarombo ʋenyika.
15
Akatapa ʋo Jehoyakini, akamuisa Babironi; namai ʋamambo, naʋakadzi ʋamambo, naʋatariri ʋake, naʋakuru ʋenyika, akaʋatapa paJerusarema akaʋaisa Babironi.
16
Ʋarume ʋose ʋaiʋa nesimba ʋaneɀuru ɀinomŋe, nemhizha, naʋapfuri ʋanegumi ramazana, aʋa ʋose ʋaiʋa nesimba ʋaigona kurwa, mambo weBabironi wakaʋatapa, akaʋaisa Babironi.
17
Mambo weBabironi akaita Matania ɓaɓamunini ʋaJehoyakini, mambo panɀimbo yake, akashandura zita rake, akamutumidza Zedekia.
18
Zedekia wakataŋga kuɓata ʋushe aʋa namakore makumi maʋiri nerimŋe; akaɓata ʋushe paJerusarema makore anegumi nerimŋe. Zita ramai ʋake rakaŋga riri Hamitari mukunda waJeremia weRibna.
19
Akaita ɀakaipa pamberi paJehova seɀakaita Jehoyakini paɀose.
20
Nokuti iɀoɀo ɀakaitirwa Jerusarema naJuda nokuɗa kwokutsamŋa kwaJehova, kuȿikira aʋarashira kure kwaari; Zedekia akamukira mambo weBabironi.
← Chapter 23
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 25 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25