bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
2 Kings 13
2 Kings 13
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 12
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 14 →
1
Ɀino negore ramakumi maʋiri namatatu raJoashi mŋanakomana waAhazia, mambo waJuda, Jehoahazi mŋanakomana waJehu wakataŋga kuɓata ʋushe bgaIsraeri paSamaria, akaʋuɓata makore anegumi namanomŋe.
2
Akaita ɀakaipa pamberi paJehova, akateʋera ɀiʋi ɀaJeroboami mŋanakomana waNebati, ɀaakatadzisa Israeri naɀo; haana‐kutsauka kwaɀiri.
3
Ɀino Jehova akatsamŋira Israeri, akaʋaisa muruʋoko rwaHazaeri mambo weSiria, nomuruʋoko rwaBeni‐hadadi mŋanakomana waHazaeri mazuʋa ose.
4
Ipapo Jehoahazi akanyeŋgetera kunaJehova, Jehova akamunzwa; nokuti wakaʋona kutambudzwa kwaIsraeri kwaʋakatambudzwa nako namambo weSiria.
5
(Asi Jehova wakapa Israeri muponesi, ʋakasunuŋguka pamaʋoko aʋaSiria; ʋana ʋaIsraeri ʋakagara mumatente aʋo sakare.
6
Kunyaŋge ɀakaɗaro haʋana‐kutsauka paɀiʋi ɀeimba yaJeroboami, ɀaakatadzisa Israeri naɀo, asi ʋakaramba ʋacifamba maɀiri; ʋuye matanda okunamata nawo akaramba ari’po paSamaria.)
7
Nokuti haana‐kusiyira Jehoahazi ʋanhu, asi ʋataȿi ʋamabiza ʋanamakumi mashanu, neŋgoro dzinegumi, naʋanhu ʋaifamba namakumbo ʋaneɀuru ɀinegumi; nokuti mambo weSiria wakaʋaparadza, akaʋaita seguruʋa rinotsikwa pasi.
8
Mamŋe maɓasa aJehoahazi, neɀose ɀaakaita, nesimba rake, haɀina‐kunyorwa here mubuku yamakoronike amadzimambo aIsraeri?
9
Jehoahazi akaʋata namadziɓaɓa ake, ʋakamuʋiga paSamaria; Joashi mŋanakomana wake akamuteʋera paʋushe.
10
Negore ramakumi matatu namanomŋe raJoashi mambo waJuda, Jehoashi mŋanakomana waJehoahazi wakataŋga kuɓata ʋushe bgaIsraeri paSamaria, akaʋuɓata makore anegumi namatanhatu.
11
Akaita ɀakaipa pamberi paJehova; haana‐kutsauka paɀiʋi ɀaJeroboami mŋanakomana waNebati, ɀaakatadzisa Israeri naɀo; asi wakaramba acifamba maɀiri.
12
Mamŋe maɓasa aJoashi, neɀose ɀaakaita, nesimba rake raakarwa naro naAmazia mambo waJuda, haɀina‐kunyorwa here mubuku yamakoronike amadzimambo aIsraeri?
13
Joashi akaʋata namadziɓaɓa ake, Jeroboami akagara pacigaro cake coʋushe; Joashi akaʋigwa paSamaria kunamadzimambo aIsraeri.
14
Ɀino Erisha wakarwara nokurwara kwaakazofa nako, Joashi mambo waIsraeri akaenda kwaari, akacema pamsoro pake, akati: Ƃaɓa ʋaŋgu, ɓaɓa ʋaŋgu, ŋgoro yaIsraeri naʋataȿi ʋamabiza ayo!
15
Erisha akati kwaari: Tora ʋuta nemiseʋe; akatora ʋuta nemiseʋe.
16
Akati kunamambo waIsraeri: Isa ruʋoko rwako paʋuta; iye akaisa ruʋoko rwake paʋuta. Erisha akaisa maʋoko ake pamsoro pamaʋoko ake.
17
Akati: Zarura windi rinotarira mabvazuʋa; iye akarizarura. Ɀino Erisha akati: Fura! Iye akafura. Akati: Ndiwo museʋe waJehova unokunda, ndiwo museʋe unokunda ʋaSiria; nokuti imi mucakunda ʋaSiria paAfeki, kuȿikira maʋaparadza.
18
Akati: Tora miseʋe; iye akaitora. Akati kunamambo waIsraeri: Roʋa pasi! Iye akaroʋa pasi katatu, akarega.
19
Ipapo munhu waMŋari akamutsamŋira, akati: Waifanira kuroʋa kashanu kana katanhatu, ipapo waikunda ʋaSiria kuȿikira waʋaparadza cose; asi ɀino ucakunda ʋaSiria katatu ɓedzi.
20
Erisha akafa, ʋakamuʋiga. Ɀino hondo dzaʋaMoabi dzikapinda munyika pakutaŋga kwegore.
21
Ɀino mumŋe musi ʋakati ʋaciʋiga munhu, ʋakaʋona hondo yaʋaMoabi, ʋakakandira munhu mubgiro bgaErisha; ɀino munhu uyo wakati acigunɀa mafupa aErisha, akararama ɀe, akamira namakumbo ake.
22
Ɀino Hazaeri mambo weSiria akatambudza ʋaIsraeri mazuʋa ose aJehoahazi.
23
Asi Jehova wakaʋanzwira tsitsi, akaʋa nenyasha naʋo, akaʋa ʋo nehanya naʋo, nokuɗa kwesuŋgano yake naAbrahama, naIsaka, naJakobo; akasaɗa kuʋaparadza, kana kuʋarashira kure naye paŋguʋa iyo.
24
Ɀino Hazaeri mambo weSiria akafa, Beni‐hadadi mŋanakomana wake akamuteʋera paʋushe.
25
Ipapo Jehoashi mŋanakomana waJehoahazi akatorera ɀe Beni‐hadadi mŋanakomana waHazaeri, maguta aakaŋga atorera ɓaɓa ʋake Jehoahazi pakurwa. Joashi akamukunda katatu, akatora ɀe maguta aIsraeri.
← Chapter 12
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 14 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25