bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
2 Kings 25
2 Kings 25
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 24
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
1
Ɀino negore repfumbamŋe rokuɓata kwake ʋushe, nomŋedzi wegumi, nezuʋa regumi romŋedzi, Nebukadnezari mambo weBabironi akaȿika, iye nehondo yake yose, kuzorwa neJerusarema, ʋakadzika matente aʋo’po, ʋakarikomba nenhare.
2
Naiɀoɀo guta rakakombga kuȿikira pagore regumi nerimŋe ramambo Zedekia.
3
Ɀino negore repfumbamŋe romŋedzi wecinna nzara ikanyanya kwaɀo paguta, ʋanhu ʋenyika iyo ʋakashaiwa ɀokudya.
4
Ʋakaputsa ruȿiŋgo rweguta, ʋanhu ʋose ʋehondo ʋakatiza ʋusiku nenzira yesuʋo, pakati pamadziro maʋiri aiʋa pamunda wamambo; (ɀino ʋaKardea ʋakaŋga ʋakakomba guta;) mambo akaenda nenzira yerenje.
5
Asi hondo yaʋaKardea yakateʋera mambo, ʋakamuɓata pamapani eJeriko, hondo yake yose ikapararira ikabva kwaari.
6
Ɀino ʋakaɓata mambo, ʋakaenda naye kunamambo weBabironi paRibra, ʋakamutoŋgera’po.
7
Ʋakaʋuraya ʋana ʋaZedekia aciɀiʋona, ʋakatumbura meso aZedekia, ʋakamusuŋga namatare, ʋakamuisa Babironi.
8
Ɀino nomŋedzi wecishanu, nezuʋa ricinomŋe romŋedzi, negore regumi namapfumbamŋe ramambo Nebukadnezari mambo weBabironi, Nebuzaradani mukuru waʋarindi, muranda wamambo weBabironi akaȿika Jerusarema;
9
akapisa imba yaJehova, neimba yamambo; akapisa ʋo dzimba dzose dzeJerusarema, dzimba dzose huru, nomŋoto.
10
Hondo yose yaʋaKardea, yakaŋga inomukuru waʋarindi, ikaputsa maȿiŋgo eJerusarema kunhiʋi dzose.
11
Nebuzaradani mukuru waʋarindi, akatapa ʋanhu ʋakaŋga ʋasara muguta, naʋakaŋga ʋatiza, ʋakaenda kunamambo weBabironi, naʋakaŋga ʋasara kuʋazhinji.
12
Asi mukuru waʋarindi wakasiya ʋarombo ʋenyika, kuti ʋaʋe ʋarimi ʋeminda yemizambiriŋga nemimŋe minda.
13
ƲaKardea ʋakaputsanya mbiru dzendarira dzaiʋa mumba maJehova, neɀiŋgoro, nedziʋa rendarira, ɀaiʋa mumba maJehova, ʋakaenda nendarira yaɀo Babironi.
14
Ʋakatora ʋo hari nefoshoro, nembato dzemŋenje, neɀiroŋgo, nenhumbi dzose dzendarira dzaʋaiɓata nadzo.
15
neɀaeŋga ɀomŋoto, nembiya, neɀose ɀaiʋa ɀendarama neɀose ɀaiʋa ɀesirveri, mukuru waʋarindi akaɀitora.
16
Nembiru mbiri, nedziʋa rimŋe, neɀiŋgoro, ɀakaŋga ɀaitirwa imba yaJehova naSoromoni; kurema kwendarira yenhumbi idzi dzose kwakaŋga kusiŋgagoni kuyerwa.
17
Kureɓa kwembiru imŋe kwakaȿika makubiti anegumi namasere, yaiʋa nomusoro wendarira pamsoro payo; kureɓa kwomusoro kwakaȿika makubiti matatu; ʋuye kwakaŋga kuneɀakarukwa, namatamba, ɀaipoteredza musoro, ɀose ɀiri ɀendarira; mbiru yecipiri yakaŋga yakafanana neyiyi neɀakarukwa ʋo.
18
Mukuru waʋarindi akatora Saraya muprista mukuru, naZefania muprista wecipiri, naʋarindi ʋatatu ʋomukoʋa;
19
ʋuye paguta akatora mukuru waitarira ʋarume ʋehondo, naʋarume ʋashanu ʋaisiʋonana namambo, ʋaakawana muguta; nomunyori, nomukuru wehondo waiʋuŋganidza ʋanhu ʋenyika, naʋarume ʋanamakumi matanhatu ʋaʋanhu ʋenyika, ʋaakawana muguta.
20
Nebuzaradani mukuru waʋarindi akaʋatora, akaʋaisa kunamambo weBabironi paRibra.
21
Mambo weBabironi akaʋaɓaya, akaʋaʋuraya paRibra, panyika yeHamati. Naiɀoɀo ʋaJuda ʋakatapxa panyika yaʋo.
22
Kana ʋari ʋanhu ʋakasiyiwa panyika yaJuda, ʋakasiyiwa naNebukadnezari mambo weBabironi, wakaita Gedaria mŋanakomana waAhikami, mŋanakomana waShafani, muɓati waʋo.
23
Ɀino ʋakuru ʋose ʋehondo, iʋo naʋanhu ʋaʋo, ʋakati ʋanzwa kuti mambo weBabironi wakaŋga aita Gedari muɓati waʋo, ʋakaenda kunaGedaria paMizpa, ʋaiti: Ishmaeri mŋanakomana waNetania, naJohanani mŋanakomana waKarea, naSeraya mŋanakomana waTanhumeti muNetofati, naJaazania mŋanakomana womuMaakati, iʋo naʋanhu ʋaʋo.
24
Gedaria akapika kwaʋari, iʋo naʋanhu ʋaʋo, akati kwaʋari: Regai kutya nokuɗa kwaʋaranda ʋaʋaKardea; garai panyika, mushumire mambo weBabironi, mugofara henyu.
25
Asi nomŋedzi wecinomŋe Ishmaeri mŋanakomana waNetania, mŋanakomana waErishama, worudzi rwamambo, wakaȿika anaʋarume ʋanegumi, akaɓaya Gedaria, akafa iye pamŋe cete naʋaJuda naʋaKardea ʋaiʋa naye paMizpa.
26
Ipapo ʋanhu ʋose, ʋaɗuku naʋakuru, naʋakuru ʋehondo ʋakasimuka ʋakaenda Egipita, nokuti ʋakaŋga ʋacitya ʋaKardea.
27
Ɀino negore ramakumi matatu namanomŋe rokutapxa kwaJehoyakini mambo waJuda, nomŋedzi wegumi nemiʋiri, nezuʋa ramakumi maʋiri namanomŋe romŋedzi, Eviri‐merodaki mambo weBabironi, negore raakataŋga kuɓata ʋushe naro, wakasimudza musoro waJehoyakini mambo waJuda, akamubvisa mutoroŋgo;
28
akataura naye nomŋoyo munyoro, akakudza cigaro cake coʋushe kupfuʋura ɀigaro ɀoʋushe ɀamadzimambo aiʋa naye paBabironi.
29
Akashandura ŋguʋo dzake dzokusuŋgwa, akaramba acidya ɀokudya pamberi pake mazuʋa ose oʋupenyu bgake.
30
Kana ɀiri ɀokurarama naɀo, waisipiwa ɀokurarama naɀo namambo ŋguʋa dzose, zuʋa rimŋe nerimŋe mugoʋe waro, mazuʋa ose oʋupenyu bgake.
← Chapter 24
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25