bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
2 Kings 17
2 Kings 17
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 16
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 18 →
1
Ɀino negore regumi namaʋiri raAhazi mambo waJuda, Hoshea mŋanakomana waEra wakataŋga kuɓata ʋushe bgaIsraeri paSamaria, akabguɓata makore mapfumbamŋe.
2
Akaita ɀakaipa pamberi paJehova; asi haana‐kufanana namadzimambo aIsraeri akamutaŋgira.
3
Ɀino Sharmaneseri mambo weAsiria akaȿika kuzorwa naye, Hoshea akaʋa muranda wake, akamuterera mutero.
4
Asi mambo weAsiria wakati aciʋona kuti Hoshea woraŋgana naʋamŋe kumumukira, nokuti wakaŋga atuma nhume kunaSo mambo weEgipita, akarega kuterera mambo weAsiria mutero seɀaaiita gore rimŋe nerimŋe, mambo weAsiria akamupfigira mutoroŋgo akamusuŋga.
5
Ipapo mambo weAsiria akafamba nenyika yose, akaenda Samaria, akarikomba makore matatu.
6
Negore repfumbamŋe raHoshea, mambo weAsiria akakunda Samaria, akatapa ʋaIsraeri, akaenda naʋo Asiria, akaʋaisa paHara, napaHabori, parwizi Gozani, napamaguta aʋaMedi.
7
Iɀoɀo ɀakaitwa, nokuti ʋana ʋaIsraeri ʋakatadzira Jehova Mŋari waʋo, iye wakaŋga aʋaɓuɗisa panyika yeEgipita kwaʋakaŋga ʋakaɓatwa naFarao mambo weEgipita, ʋakatya ʋamŋe ʋamŋari,
8
ʋakafamba nemitemo yendudzi dzakaŋga dzadziŋgwa naJehova pamberi paʋana ʋaIsraeri, neyamadzimambo aIsraeri yaʋakatema iʋo.
9
Ʋana ʋaIsraeri ʋakaita pakaʋanda ɀisina‐kururama pamberi paJehova Mŋari waʋo, ʋakaɀiʋakira matunhu akakwirira mumaguta aʋo ose, kubva pacirindo caʋarindi kuȿikira pamaguta akakombga.
10
Ʋakaɀimutsira shoŋgwe namatanda okunamata nawo pamatunhu ose akakwirira, napasi pemiti yose mitema.
11
Ʋakapisira’po ɀinonhuwira pamatunhu ose akakwirira, seɀaiita ndudzi dzakaŋga dzabviswa pamberi paʋo naJehova; ʋakaita ɀakashata ɀakatsamŋisa Jehova;
12
ʋakashumira ɀifananidzo, ɀaʋakaŋga ʋanzi naJehova: Regai kuita cinhu ici.
13
Kunyaŋge ɀakaɗaro Jehova wakapupurira Israeri naJuda nemiromo yaʋaprofita ʋose naʋaʋoni ʋose, akati: Dzokai panzira dzenyu dzakaipa, muceŋgete mirairo yaŋgu neɀandakatema, seɀakarebga nomurairo waŋgu wose wandakaraira madziɓaɓa enyu, wandakatuma nemiromo yaʋaprofita ʋaranda ʋaŋgu.
14
Kunyaŋge ɀakaɗaro, ʋakaramba kuterera, ʋakawomesa mitsipa yaʋo, semitsipa yamadziɓaɓa aʋo, ʋakaŋga ʋasiŋgatendi Jehova Mŋari waʋo.
15
Ʋakaramba mitemo yake nesuŋgano yake yaakaita namadziɓaɓa aʋo, neɀipupuriro ɀake ɀaakaʋapupurira, ʋakateʋera ɀisinamaturo, iʋo ʋakaʋa ʋasinamaturo, ʋakateʋera ndudzi dzakaʋapoteredza, iʋo ʋaʋakaŋga ʋarairwa naJehova kuti ʋarege kuita saiʋo.
16
Ʋakasiya mirairo yose yaJehova Mŋari waʋo, ʋakaɀiitira ɀifananidzo ɀakaʋumbga, ɀemhuru mbiri; ʋakaita ʋo matanda okunamata nawo, ʋakanamata hondo yose yokuɗeŋga, ʋakashumira Baari.
17
Ʋakapinza ʋanakomana naʋakunda ʋaʋo mumŋoto, ʋakaʋuka nokuita ʋuroyi bgaʋo, ʋakaɀiteŋgesa kuti ʋaite ɀakaipa pamberi paJehova, ʋakamutsamŋisa.
18
Naiɀoɀo Jehova wakatsamŋira ʋaIsraeri kwaɀo, akaʋabvisa paciso cake; hakuna‐ʋakasiyiwa, asi rudzi rwaJuda ɓedzi.
19
Kunyaŋge naʋaJuda ʋo haʋana‐kuceŋgeta mirairo yaJehova Mŋari waʋo, asi ʋakafamba nemitoʋo yaʋaIsraeri, yaʋakatema.
20
Jehova akarasha ʋana ʋaIsraeri ʋose, akaʋatambudza, akaʋapa mumaʋoko aʋaparadzi, kuȿikira aʋarashira kure neciso cake.
21
Nokuti wakabvarura ʋaIsraeri paimba yaDavidi; ʋakaita Jeroboami mŋanakomana waNebati, mambo waʋo, Jeroboami akatsausa ʋaIsraeri, ʋakarega kuteʋera Jehova, akaʋatadzisa neciʋi cikuru.
22
Ʋana ʋaIsraeri ʋakafamba paɀiʋi ɀose ɀaJeroboami, ɀaakaita; haʋana‐kutsauka kwaɀiri;
23
kuȿikira Jehova abvisa Israeri kure neciso cake, seɀaakataura nemiromo yaʋaprofita, ʋaranda ʋake ʋose. Naiɀoɀo ʋaIsraeri ʋakatapxa panyika yaʋo, ʋakaiswa Asiria kuȿikira nhasi.
24
Ɀino mambo weAsiria wakatora ʋanhu paBabironi, napaKuta, napaAva, napaHamati, napaSefarvaimi, akaʋaisa mumaguta eSamaria panɀimbo yaʋana ʋaIsraeri; Samaria rikaʋa raʋo, ʋakagara mumaguta aro.
25
Ɀino pakutaŋga kwokugara’po kwaʋo haʋana‐kutya Jehova, Jehova akatuma shumba pakati paʋo, dzikaʋuraya ʋamŋe ʋaʋo.
26
Naiɀoɀo ʋakaʋudza mambo weAsiria, ʋakati: Ndudzi dzaʋanhu dzamakatapa, mukaʋaisa mumaguta eSamaria, hadziziʋi tsika dzaMŋari wenyika iyo; naiɀoɀo wakatuma shumba pakati paʋo, dzinoʋaʋuraya, nokuti haʋaziʋi tsika dzaMŋari wenyika iyo.
27
Ipapo mambo weAsiria akaraira, akati: Isai’ko mumŋe waʋaprista ʋamakatapa’po; ŋgaʋaende kundogara’ko, aʋadzidzise tsika dzaMŋari wenyika iyo.
28
Naiɀoɀo mumŋe waʋaprista ʋaʋakatapa paSamaria, wakandogara paBeti‐eri, akaʋadzidzisa seɀaʋaifanira kutya Jehova.
29
Kunyaŋge ɀakaɗaro rudzi rumŋe norumŋe rwakaɀiitira ʋamŋari ʋarwo, ʋakaʋaisa mudzimba dzamatunhu akakwirira, dzakaʋakwa naʋaSamaria, rudzi rumŋe norumŋe pamaguta arwo, kwaʋaigara.
30
Ʋanhu ʋeBabironi ʋakaʋaka Sukoti‐benoti, ʋanhu ʋeKuti ʋakaʋaka Nergari, ʋanhu ʋeHamati ʋakaʋaka Ashima,
31
ʋaAvi ʋakaʋaka Nibhazi neTartaki, ʋaSefarvaimi ʋakapisa ʋana ʋaʋo mumŋoto kunaAdramereki naAnamereki, ʋamŋari ʋeSefarvaimi.
32
Naiɀoɀo ʋakatya Jehova, ʋakaɀitsaurira pakati paʋo ʋaprista ʋamatunhu akakwirira, ʋaiʋaɓayirira mudzimba dzamatunhu akakwirira.
33
Ʋakatya Jehova, ʋakashumira ʋamŋari ʋaʋo, ʋaciteʋera tsika dzendudzi kwaʋakaŋga ʋatapxa’ko.
34
Kuȿikira zuʋa ranhasi ʋanoteʋera tsika dzakare; haʋatyi Jehova, kana kuita seɀaʋanorairwa nemitemo yaʋo, kana ɀireʋo ɀaʋo, kana murairo waʋo, kana mirau yaʋo, yakaŋga yarairwa ʋana ʋaJakobo naJehova, iye waakatumidza zita rinonzi Israeri;
35
Jehova akaita suŋgano naʋo, akaʋaraira, akati: Regai kutya ʋamŋe ʋamŋari, kana kuʋafugamira, kana kuʋashumira, kana kuʋaɓayira;
36
asi Jehova, wakakuɓuɗisai paEgipita nesimba guru, noruʋoko rwakatambanudzwa, ndiye wamunofanira kutya, ndiye wamunofanira kufugamira, ndiye wamunofanira kuɓayira.
37
Mitemo, neɀireʋo, nomurairo, nomurau, ɀaakakunyorerai, munofanira kuɀiceŋgeta nokusiŋgaperi; hamufaniri kutya ʋamŋe ʋamŋari;
38
ʋuye hamufaniri kukaŋganwa suŋgano yandakaita nemi; ʋuye hamufaniri kutya ʋamŋe ʋamŋari;
39
asi munofanira kutya Jehova Mŋari wenyu; iye ucakusunuŋgurai pamaʋoko aʋaʋeŋgi ʋenyu ʋose.
40
Kunyaŋge ɀakaɗaro haʋana‐kuterera, asi ʋakateʋera tsika dzakare.
41
Naiɀoɀo ndudzi idzi dzakatya Jehova, dzikashumira ʋo ɀifananidzo ɀadzo ɀakaʋezwa; naʋana ʋaʋo, naʋana ʋaʋana ʋaʋo, ʋanoita saiɀoɀo kuȿikira nhasi, seɀakaita madziɓaɓa aʋo.
← Chapter 16
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 18 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25