bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
2 Kings 5
2 Kings 5
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 6 →
1
Ɀino Naamani, mukuru wehondo dzamambo weSiria, waiʋa munhu mukuru kunatenzi wake, nomunhu waikudzwa; nokuti Jehova wakaŋga akundisa ʋaSiria naye; ʋuye waiʋa munhu wesimba noʋumhare, asi wakaŋga anamaperembudzi.
2
Ɀino ʋaSiria ʋakaŋga ʋandorwa ʋakaita mapoka‐mapoka, ʋakadzoka nomusikana muɗuku waʋakaŋga ʋatapa panyika yaIsraeri; iye wakaŋga aciɓatira mukadzi waNaamani.
3
Akati kunatenzikadzi wake: Ƌai ishe waŋgu aiʋa kumuprofita uri paSamaria, uŋgaɗai akaʋaporesa maperembudzi ake.
4
Ɀino mumŋe akapinda, akandoʋudza ishe wake, akati: Musikana wenyika yaIsraeri wakataura cokuti necokuti.
5
Mambo weSiria akati: Enda, ndinoɗa kutuma ŋwadi kunamambo waIsraeri. Akabva, akaenda namatarenta anegumi esirveri, namashekeri aneɀuru ɀitanhatu ɀendarama, neŋguʋo dzakanaka dzinegumi.
6
Akaenda neŋwadi kunamambo waIsraeri, yakaŋga iciti: Ɀino kana ŋwadi iyi iciȿika kwamuri, muziʋe kuti ndatuma Naamani muranda waŋgu kwamuri, kuti mumuporese maperembudzi ake.
7
Ɀino mambo waIsraeri wakati araʋa ŋwadi iyo, akabvarura ŋguʋo dzake, akati: Asi ndini Mŋari kanhi? Ndinoziʋa kuʋuraya nokuraramisa kanhi, munhu uyu ɀaatuma shoko kwandiri, kuti ndiporese munhu maperembudzi ake? Asi fuŋgai, muʋone, kuti unotȿaka kurwa neni.
8
Ɀino Erisha munhu waMŋari, wakati acinzwa kuti mambo waIsraeri wabvarura ŋguʋo dzake, akatuma shoko kunamambo, akati: Mabvarurireiko ŋguʋo dzenyu? Ŋgaaʋuye hake ɀino kwandiri, aziʋe kuti muprofita uri’po pakati paIsraeri.
9
Naiɀoɀo Naamani akaenda namabiza ake neŋgoro dzake, akandomira pamukoʋa weimba yaErisha.
10
Erisha akatuma nhume kwaari, akati: Enda, undoshamba kanomŋe munaJoridani, nyama yako idzokere ɀe kwauri, uʋe wakanaka.
11
Asi Naamani wakatsamŋa, akabva, akati: Tarirai, ndaŋga ndiciti: Ɀirokwaɀo ucaɓuɗa kwandiri, akamira, akaɗana zita raJehova Mŋari wake, nokupuruzira’po noruʋoko rwake, agoporesa maperembudzi.
12
Ko Abana neFarpari, idzo nzizi dzeDamasko, hadzina‐kunaka kukunda mvura yose iri pakati paIsraeri here? Handiŋgashambi madziri, ndikaʋa wakanaka here? Naiɀoɀo akaenda, akabva atsamŋa kwaɀo.
13
Ɀino ʋaranda ʋake ʋakasweɗera, ʋakataura naye, ʋakati: Nhai, ɓaɓa ʋeɗu, Ƌai muprofita akakurairai kuita cinhu cikuru, hamuzaiciita here? Ndoɗa ɀaakati kwamuri: Shamba, uʋe wakanaka?
14
Ipapo akaɓuruka, akandonyura munaJoridani kanomŋe, seɀakaŋga ɀataura munhu waMŋari; nyama yake ikadzoka, ikafanana nenyama yomŋana muɗuku, akaʋa wakanaka.
15
Ɀino akadzokera kumunhu waMŋari, iye neɓoka rake rose, akaȿika, akamira pamberi pake, akati: Tarirai, ɀino ndoziʋa kuti hapanaMŋari pasi pose, asi pakati paIsraeri; naiɀoɀo ɀino, gamucirai henyu cipo kumuranda wenyu.
16
Asi iye akati: NaJehova mupenyu, iye wandimire pamberi pake, handiŋgagamuciri cinhu. Akamugombedzera, kuti agamucire, asi wakaramba.
17
Ɀino Naamani akati: Kana musiŋgaɗi henyu, muranda wenyu ŋgaapiwe hake mitoro yevu iŋgatakurwa namahesera maʋiri; nokuti kubva ɀino muranda wenyu haaŋgaɓayiri ʋamŋe ʋamŋari cipiriso cinopiswa kana cimŋe ciɓayiro asi Jehova oga.
18
Asi Jehova ŋgaakaŋganwire hake muranda wake pacinhu ici: Kana tenzi waŋgu acipinda mumba maRimoni kuzonamata’po, akasendamira paruʋoko rwaŋgu, ini ndikafugama mumba maRimoni; kana ndikafugama mumba maRimoni Jehova ŋgaakaŋganwire muranda wake pacinhu ici.
19
Akati kwaari: Enda hako nomufaro. Naiɀoɀo akabva kwaari, akafamba cinhambo ciɗuku.
20
Asi Gehazi muranda waErisha, munhu waMŋari, akati: Tarirai, tenzi waŋgu wakarega Naamani uyu muSiria, ɀaasina‐kugamucira kwaari caakaŋga aʋuya naco; asi naJehova mupenyu, ndicamhanya, ndikamuteʋera, nditore cinhu kwaari.
21
Naiɀoɀo Gehazi akateʋera Naamani. Ɀino Naamani wakati aciʋona munhu acimhanya acimuteʋera, akaɓuruka paŋgoro kuti asoŋgane naye, akati: Makafara henyu mose here?
22
Iye akati: Takafara heɗu tose. Tenzi waŋgu wakandituma, aciti: Tarirai, ɀino‐ɀino majaya maʋiri, ʋanakomana ʋaʋaprofita, ʋakaȿika kwandiri, ʋacibva kunyika yamakomo yaEfraimi; dondipai ʋo tarenta rimŋe resirveri, neŋguʋo mbiri dzakanaka.
23
Naamani akati: Ndinokumbira kuti utore hako matarenta maʋiri. Akamugombedzera, akasuŋgira matarenta maʋiri esirveri muhomo mbiri, pamŋe cete neŋguʋo mbiri dzakanaka, akaɀitakudza ʋaranda ʋake ʋaʋiri, ʋakaɀitakurira pamberi pake.
24
Ɀino wakati aȿika pacikomo, akaɀitora pamaʋoko aʋo, akaɀiʋiga mumba, akadzosa ʋanhu, ʋakaenda haʋo.
25
Ipapo akapinda, akamira pamberi patenzi wake. Erisha akati kwaari: Wabvepiko, Gehazi? Iye akati: Muranda wenyu wakaŋga aciŋgoʋa pano hake.
26
Iye akati kwaari: Mŋoyo waŋgu hauna‐kuenda newe here ŋguʋa iya murume acidzoka paŋgoro kuzosoŋgana newe? Ko ndiyo ŋguʋa yokugamucira mari, nokugamucira ŋguʋo, neminda yemiorivi, neminda yemizambiriŋga, namakwai nenzombe, naʋaranda naʋarandakadzi here?
27
Naiɀoɀo maperembudzi aNaamani acakunamatira iwe naʋana ʋako nokusiŋgaperi. Ipapo akaɓuɗa pamberi pake aʋa namaperembudzi, akati mbembe secando.
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 6 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25