bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
2 Kings 9
2 Kings 9
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 8
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 10 →
1
Ɀino muprofita Erisha wakaɗana mumŋe waʋanakomana ʋaʋaprofita, akati kwaari: Ciɀisuŋga ciʋuno cako, utore cinu ici camafuta muruʋoko rwako, uende Ramoti‐gireadi.
2
Ɀino kana waȿika’po, utȿake’po Jehu mŋanakomana waJehoshafati mŋanakomana waNimshi; upinde mumba, ugomuraira asimuke pakati pehama dzake, apinde muimba yomukati.
3
Ipapo utore cinu camafuta, ugoaɗira pamusoro wake, uciti: Ɀanzi naJehova: Ndakuzodza, kuti uʋe mambo waIsraeri. Ipapo uzarure mukoʋa, utize, usanonoka.
4
Naiɀoɀo jaya, iro jaya romuprofita, rakaenda Ramoti‐gireadi.
5
Wakati aȿika’po, akawana ʋakuru ʋehondo ʋagere pasi; akati: Ndineshoko nemi, imi mukuru. Jehu akati: Kunani, kwatiri tose? Iye akati: Kunemi, imi mukuru.
6
Ipapo akasimuka, akapinda mumba; akaɗira mafuta pamusoro wake, akati kwaari: Ɀanzi naJehova Mŋari waIsraeri: Ndakuzodza uʋe mambo waʋanhu ʋaJehova, iʋo ʋaIsraeri.
7
Ucaparadza imba yatenzi wako Ahabi, kuti nditsiʋe ropa raʋaranda ʋaŋgu ʋaprofita, neropa raʋaranda ʋose ʋaJehova kunaIzeberi.
8
Nokuti ʋose ʋeimba yaAhabi ʋacaparadzwa: ndicaparadza kunaAhabi ʋana ʋaʋakomana ʋose, ʋakuru naʋaɗuku pakati paIsraeri.
9
Ndicaita imba yaAhabi seimba yaJeroboami mŋanakomana waNebati, ʋuye seimba yaBaasha mŋanakomana waAhija.
10
Imbga dzicadya Izeberi panyika yeJezreeri, hakuna‐ucamuʋiga. Ipapo akazarura mukoʋa, ndokutiza.
11
Ɀino Jehu akaɓuɗa kuʋaranda ʋashe wake, mumŋe akati kwaari: Kunomufaro here? Ƃenzi iri rakaʋiŋgeiko kwauri? Iye akati kwaʋari: Munoziʋa henyu munhu uyu, nokutaura kwake.
12
Iʋo ʋakati: Inhema! Tiʋudze. Iye akati: Wandiʋudza ɀokuti neɀokuti, akati: Ɀanzi naJehova: Ndakakuzodza uʋe mambo waIsraeri.
13
Ipapo ʋakakurumidza, mumŋe nomumŋe akatora ŋguʋo yake, akaiisa pasi pake pamsoro peɀikwiriso, ʋakaridza hwamanda, ʋakati: Jehu ndimambo!
14
Naiɀoɀo Jehu mŋanakomana waJehoshafati, mŋanakomana waNimshi, akamukira Jorami. (Ɀino Jorami wakaŋga acidziʋirira Ramoti‐gireadi, iye naʋaIsraeri ʋose, nokuɗa kwaHazaeri mambo weSiria.
15
Asi mambo Jorami wakaŋga adzokera Jezreeri kuzorapxa maʋaŋga ake, aakaŋga atemŋa naʋaSiria, ŋguʋa yaakarwa naHazaeri mambo weSiria). Ipapo Jehu akati: Kana mucitenda naɀo, ŋgakurege kuʋa nomunhu unotiza muguta, kundoʋudza iɀoɀo paJezreeri.
16
Naiɀoɀo Jehu akafamba neŋgoro, akaenda Jezreeri, nokuti Jorami wakaŋga aʋete’po. Ɀino Ahazia mambo waJuda wakaŋga aenda’ko kuzoʋona Jorami.
17
Ɀino nharirire yakaŋga imire pamsoro peshoŋgwe yeJezreeri, ikaʋona ɓoka raJehu riciʋuya, ikati: Ndinoʋona ɓoka raʋanhu. Jorami akati: Ƌanai mutaȿi webiza, mumutume andosoŋgana naʋo, ati: Kunorugare here?
18
Naiɀoɀo mumŋe akakwira biza, akandosoŋgana naye, akati: Ɀanzi namambo: Kunorugare here? Jehu akati: Uneiko norugare? Enda shure kwaŋgu. Ipapo nharirire yakataura, ikati: Nhume yakaȿika kwaʋari, asi haidzoki ɀe.
19
Ɀino akatuma wecipiri, wakaŋga akataȿa biza, iye akaȿika kwaari, akati: Ɀanzi namambo: Kunorugare here? Jehu akapindura, akati: Uneiko norugare? Enda shure kwaŋgu.
20
Ɀino nharirire yakataura, ikati: Wakaȿika hake kwaʋari, asi haadzoki ɀe; ʋuye kufambisa kwakafanana nokufambisa kwaJehu mŋanakomana waNimshi, nokuti unofambisa ɀinotyisa.
21
Ipapo Jorami akati: Suŋgai ŋgoro! Ʋakasuŋga ŋgoro yake. Ipapo Jorami mambo waIsraeri, naAhazia mambo waJuda ʋakaɓuɗa kundosoŋgana naJehu, mumŋe nomumŋe neŋgoro yake, ʋakamuwana paɓindu raNaboti muJezreeri.
22
Ɀino Jorami wakati aciʋona Jehu, akati: Kunorugare here, nhai Jehu? Iye akapindura, akati: Rugare rwei! kana ʋufeʋe bgamai ʋako Izeberi noʋuroyi bgaʋo ʋuciri’po ʋuzhinji bgakaɗai!
23
Ipapo Jorami akadzosa ŋgoro yake, akatiza, akati kunaAhazia: Tanyeŋgerwa Ahazia!
24
Ipapo Jehu akahwembura ʋuta bgake nesimba rose, akafura Jorami pakati pamafudzi ake, museʋe ndokuɓuɗa napamŋoyo wake, akawira muŋgoro yake.
25
Ɀino Jehu akati kunaBidikari, mukuru wake wehondo: Musimudze, umurashire paɓindu romunda waNaboti muJezreeri; nokuti uraŋgarire kuti Jehova wakataura iɀi pamsoro pake, musi watakataȿa mabiza isu ʋaʋiri ticiteʋera Ahabi ɓaɓa ʋake.
26
Ɀanzi naJehova: Ɀirokwaɀo, ndakaʋona zuro ropa raNaboti, neropa raʋanakomana ʋake; ini ndicakutsiʋa paɓindu iri romunda, ndiɀo ɀinotaura Jehova. Naiɀoɀo ɀino, mutore umukandire paɓindu romunda, seɀakataurwa naJehova.
27
Asi Ahazia mambo waJuda, wakati aciɀiʋona, akatiza nenzira yakapfuʋura napaimba yomunda, Jehu akamuteʋera, akati: Muʋuraye naiye ʋo muŋgoro. Ʋakamuɓaya pajiŋga pegomo reGuri riri paIbreami. Akatizira Megido, akafira’po.
28
Ʋaranda ʋake ʋakamutakurira Jerusarema neŋgoro, ʋakamuʋiga pabgiro bgake kunamadziɓaɓa ake muguta raDavidi.
29
Ahazia akataŋga kuɓata ʋushe bgaJuda pagore regumi nerimŋe raJorami mŋanakomana waAhabi.
30
Ɀino Jehu wakati aciȿika paJezreeri, Izeberi akaɀinzwa; akazodza kumeso kwake, nokushoŋgedza musoro wake, akatarira napawindi.
31
Ɀino Jehu wakati acipinda napasuʋo, akati: Kunorugare here, nhai iwe Zimri, muʋurayi watenzi wako?
32
Iye akatarira kumsoro kuwindi, akati: Ndianiko unonzwana neni? Ndianiko? Ipapo ʋaranda ʋaʋiri kana ʋatatu ʋakatarira kwaari napawindi.
33
Akati: Musundire pasi. Naiɀoɀo ʋakamusundira pasi, rimŋe ropa rake rikacambgadzira pamadziro napamabiza, akamutsika namakumbo ake.
34
Ɀino wakati apinda, akadya nokunwa, akati: Ɀino ciendai mundotarira mukadzi uyo wakatukwa, mumuʋige, nokuti mukunda wamambo.
35
Ʋakaenda kundomuʋiga, asi haʋana‐kuwana cinhu, asi ɗehenya rake, netsoka, neɀanza ɀamaʋoko ake.
36
Naiɀoɀo ʋakadzoka ʋakamuʋudza. Iye akati: Ndiro shoko raJehova, raakataura nomuranda wake Eria muTishbi, ɀaakati: Imbga dzicadya nyama yaIzeberi panyika yeJezreeri;
37
ʋuye citunha caIzeberi cicaʋa somupfudze pamsoro pomunda panyika yeJezreeri; naiɀoɀo haʋangati: Uyu ndiye Izeberi.
← Chapter 8
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 10 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25