bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
2 Kings 6
2 Kings 6
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 5
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 7 →
1
Ɀino ʋanakomana ʋaʋaprofita ʋakati kunaErisha: Tarirai ɀino, apa patigere pamberi penyu pakamanikana, hapatiriŋgani.
2
Titenderei henyu tiende kwaJoridani, mumŋe nomumŋe atore ɗanda’po, tiɀiʋakire’po patiŋgagara. Iye akapindura, akati: Endai henyu.
3
Ɀino mumŋe akati: Tinokumbira kuti imi mutende kuenda ʋo naʋaranda ʋenyu. Akapindura, akati: Ndicaenda.
4
Naiɀoɀo akaenda naʋo. Ʋakati ʋaȿika kwaJoridani, ʋakatema matanda.
5
Asi mumŋe wakati acitema ɗanda, cese ndokuwira mumvura; akaɗanidzira, aciti: Haiwa! tenzi waŋgu! nokuti rakaŋga rakumbirwa.
6
Munhu waMŋari akati: Yawirepiko? Akamuratidza payakaŋga yawira. Erisha akatema rutanda, akarukandira’ko, akapapamadza ɗare.
7
Akati: Ciritora hako. Iye akatambanudza ruʋoko rwake, akaritora.
8
Ɀino mambo weSiria wakarwa naʋaIsraeri; akaraŋgana naʋaranda ʋake, akati: Matente aŋgu anofanira kudzikwa pokuti nopokuti.
9
Ɀino munhu waMŋari ndokutuma shoko kunamambo waIsraeri, akati: Cenjerai, murege kupfuʋura nopokuti, nokuti ʋaSiria ʋoɓurukira ipapo.
10
Ipapo mambo waIsraeri akatuma ʋanhu ikoko kwaakaʋudzwa nokunyeʋerwa nomunhu waMŋari, akaɀiŋgwarira’po asiŋgaɗaro kamŋe nakaʋiri ɓedzi.
11
Naiɀoɀo mŋoyo wamambo weSiria ukadzianiswa kwaɀo pamsoro pecinhu ici; akaɗana ʋaranda ʋake, akati kwaʋari: Hamuŋgandiratidzi here, kuti ndianiko pakati patiri unonzwana namambo waIsraeri?
12
Mumŋe waʋaranda ʋake akati: Kwete, ishe waŋgu mambo, asi Erisha muprofita, uri pakati paIsraeri, ndiye unoʋudza mambo waIsraeri mashoko amunotaura muimba yenyu yomukati.
13
Akati: Endai mundotarira kwaari, nditume ʋanhu kuzomutora. Akaʋudzwa, ɀicinzi: Uri paDotani.
14
Naiɀoɀo akatumira’ko mabiza, neŋgoro, nehondo huru; ʋakafamba ʋusiku, ʋakakomba guta.
15
Ɀino muranda womunhu waMŋari wakati amuka maŋgwanani, akaɓuɗa, ndokuʋona hondo namabiza neŋgoro ɀakakomba guta. Muranda wake akati kwaari: Haiwa! tenzi waŋgu, ticaɗiniko?
16
Iye akapindura, akati: Usatya hako, nokuti ʋari kwatiri ʋanopfuʋura ʋari kwaʋari pakuwanda.
17
Ɀino Erisha akanyeŋgetera, akati: Jehova, ȿinudzai henyu meso ake, aʋone. Ipapo Jehova akaȿinudza meso ejaya, akaʋona gomo rizere namabiza, neŋgoro dzomŋoto ɀakaŋga ɀakakomba Erisha.
18
Ɀino ʋakati ʋaciɓurukira kwaari, Erisha akanyeŋgetera kunaJehova, akati: Ƌoroʋai ʋanhu aʋa noʋupofu. Jehova akaʋaroʋa noʋupofu, seɀakaŋga ɀarebga naErisha.
19
Erisha akati kwaʋari: Haizi iyo nzira, ʋuye guta iri harizi iro; nditeʋerei ini, ndikuisei kumunhu wamunotȿaka. Akaenda naʋo Samaria.
20
Ʋakati ʋaȿika Samaria, Erisha akati: Jehova, ȿinudzai meso aʋanhu aʋa, ʋaʋone. Jehova akaȿinudza meso aʋo, ʋakaʋona kuti ʋaʋa mukati meSamaria.
21
Ɀino mambo waIsraeri wakati aciʋaʋona, akati kunaErisha: Ƃaɓa ʋaŋgu, ndoʋaʋuraya here? Ndoʋaʋuraya here?
22
Iye akapindura, akati: Usaʋaʋuraya; ko uŋgaʋuraya ʋawakatapa nomunondo wako noʋuta bgako here? Gadzika ciŋgwa nemvura pamberi paʋo, ʋadye, ʋanwe, ʋaende kunatenzi waʋo.
23
Iye akaʋagadzirira ɀokudya ɀizhinji; ɀino ʋakati ʋadya nokunwa, akaʋaendisa, ʋakadzokera kunatenzi waʋo. Ɀino hondo dzaʋaSiria hadzina‐kuzopinda ɀe munyika yaIsraeri.
24
Shure kwaiɀoɀo, Beni‐hadadi mambo weSiria akaʋuŋganidza hondo yake yose, akandokomba Samaria.
25
Nzara huru ikaʋa’po paSamaria; nokuti ʋakarikomba kuȿikira musoro wemboŋgoro uciteŋgeswa namashekeri esirveri anamakumi masere, necitswanda ciɗuku camatoto enjiʋa ciciteŋgeswa namashekeri esirveri mashanu.
26
Ɀino mambo waIsraeri wakati acipfuʋura napamsoro poruȿiŋgo, mumŋe mukadzi akaɗanidzira kwaari, akati: Ndiɓatsirei ʋo ishe waŋgu mambo!
27
Iye akati: Kana Jehova asiŋgakuɓatsiri, ini ndiŋgakuɓatsira neiko? Neɀinobva paɓuriro kana paciȿiniro cewaini kanhi?
28
Mambo akati kwaari: Unoreʋeiko? Akapindura, akati: Mukadzi uyu wakati kwandiri: Ʋuya nomŋanakomana wako, timudye nhasi, maŋgwana tigodya mŋanakomana waŋgu.
29
Naiɀoɀo takaɓika mŋanakomana waŋgu, tikamudya; fume maŋgwana ndikati kwaari: Ʋuya nomŋanakomana wako, timudye, iye ndokuʋanza mŋanakomana wake.
30
Ipapo mambo wakati acinzwa mashoko omukadzi, akabvarura ŋguʋo dzake; (ɀino wakaŋga acipfuʋura naparuȿiŋgo;) ʋanhu ʋakatarira, ʋakaʋona kuti wakafuka magumbu mukati pamuʋiri wake.
31
Ipapo akati: Mŋari ŋgaandiroʋe, arambe aciɗaro, kana musoro waErisha mŋanakomana waShafati ukaramba uri pamsoro pake nhasi.
32
Asi Erisha wakaŋga agere mumba make, ʋakuru ʋagere ʋo naye; mambo akatuma munhu kuzomutuŋgamirira; asi nhume icigere kuȿika kwaari, akati kuʋakuru: Munoʋona here kuti mŋana uyu womuʋurayi watuma munhu kuzobvisa musoro waŋgu? Tarirai, kana nhume iciȿika, mupfige mukoʋa, mumutsigirire mukoʋa; kutsika kwetsoka dzatenzi wake hakunzwiki shure kwake here?
33
Ɀino wakati acataurirana naʋo, nhume ikaɓurukira kwaari; iye akati: Tarirai, cakaipa ici cinobva kunaJehova; ndicamirireiko Jehova?
← Chapter 5
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 7 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25