bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
2 Kings 2
2 Kings 2
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 3 →
1
Ɀino ŋguʋa yakati yaȿika Jehova yaakaɗa kukwidza Eria nayo kuɗeŋga necinyampupuri, Eria akaenda naErisha ʋacibva Girgari.
2
Eria akati kunaErisha: Iwe cigara pano, nokuti Jehova wakandituma Beti‐eri. Erisha akati: NaJehova mupenyu, ʋuye nomŋeya wenyu mupenyu, handiŋgakusiyiyi. Naiɀoɀo ʋakaɓurukira Beti‐eri.
3
Ɀino ʋanakomana ʋaʋaprofita ʋaiʋa paBeti‐eri, ʋakaȿika kunaErisha, ʋakati kwaari: Munoziʋa here kuti Jehova ucakubvisirai tenzi wenyu nhasi? Iye akati: Hoŋo, ndinoziʋa; nyararai henyu.
4
Eria akati kwaari: Erisha, iwe cigara pano, nokuti Jehova wakandituma Jeriko. Iye akati: NaJehova mupenyu, ʋuye nomŋeya wenyu mupenyu, handiŋgakusiyiyi. Naiɀoɀo ʋakaȿika Jeriko.
5
Ɀino ʋanakomana ʋaʋaprofita, ʋaiʋa paJeriko, ʋakasweɗera kunaErisha, ʋakati kwaari: Munoziʋa here kuti Jehova ucakubvisirai tenzi wenyu nhasi? Iye akapindura, akati: Hoŋo, ndinoziʋa; nyararai henyu.
6
Eria akati kwaari: Iwe cigara pano, nokuti Jehova wakandituma kwaJoridani. Iye akati: NaJehova mupenyu, ʋuye nomŋeya wenyu mupenyu, handiŋgakusiyiyi. Iʋo ʋari ʋaʋiri ʋakapfuʋura haʋo.
7
Ɀino ʋarume ʋanamakumi mashanu ʋaʋanakomana ʋaʋaprofita ʋakaenda ʋakandomira pakatarisana naʋo ʋari kure; iʋo ʋari ʋaʋiri ʋakamira paJoridani.
8
Ipapo Eria akatora ŋguʋo yake, akaipeta, akaroʋa mvura, ikaparadzaniswa napakati, naiɀoɀo iʋo ʋaʋiri ʋakayambuka pakawoma.
9
Ɀino ʋakati ʋayambuka, Eria akati kunaErisha: Kumbira candiŋgakuitira, ndicigere kubviswa kwauri. Erisha akati: Ndipei migoʋe miʋiri yomŋeya wenyu.
10
Akati: Wakumbira cinhu cinogozha; asi kana ukandiʋona ndicibviswa kwauri, ucaitirwa iɀoɀo; asi kana usiŋgandiʋoni, hauŋgaitirwi iɀoɀo.
11
Ɀino ʋakati ʋacifamba, ʋaciŋgotaurirana haʋo, ŋgoro yomŋoto namabiza omŋoto ɀikaȿika, ɀikaʋaparadzanisa iʋo ʋaʋiri; Eria akakwira kuɗeŋga necinyampupuri.
12
Erisha akaɀiʋona, akaɗanidzira, aciti: Ƃaɓa ʋaŋgu, ɓaɓa ʋaŋgu, ŋgoro yaIsraeri naʋataȿi ʋayo ʋamabiza! Akasazomuʋona ɀe; akaɓata ŋguʋo dzake akadzibvarura napakati.
13
Akanoŋga jasi raEria rakaŋga rawa kwaari, akadzoka akamira pamhenderekedzo yaJoridani;
14
akatora jasi raEria rakaŋga rawa kwaari, akaroʋa mvura, akati: Jehova Mŋari waEria uripiko? Ɀino wakati aroʋa mvura, ikaparadzaniswa ʋo napakati, Erisha akayambuka.
15
Ɀino ʋanakomana ʋaʋaprofita ʋakaŋga ʋari paJeriko pakatarisana naye, ʋakati ʋacimuʋona, ʋakati: Mŋeya waEria wogara pamsoro paErisha. Ʋakandosoŋgana naye, ʋakakotamira pasi pamberi pake.
16
Ʋakati kwaari: Tarirai, isu ʋaranda ʋenyu, tinaʋarume ʋanamakumi mashanu ʋanesimba; iʋo ŋgaʋaende haʋo kundotȿaka tenzi wenyu, ɀimŋe Mŋeya waJehova wamukwidza, ukamukandira panerimŋe gomo, kana munomumŋe mupata. Iye akati: Regai henyu kuʋatuma.
17
Asi iʋo ʋakati ʋamugombedzera, kuȿikira anyara, akati: Tumai henyu. Naiɀoɀo ʋakatuma ʋarume ʋanamakumi mashanu, ʋakatȿaka mazuʋa matatu, asi haʋana‐kumuwana.
18
Ʋakadzokera ɀe kwaari aciri paJeriko, iye akati kwaʋari: Handina‐kukuʋudzai here, ndikati: Regai kuenda?
19
Ɀino ʋarume ʋeguta ʋakati kunaErisha: Tarirai henyu, nɀimbo yeguta yakanaka hayo, seɀamunoʋona, ishe weɗu, asi mvura yakaipa, nenyika haiɓereki ɀakanaka.
20
Iye akati: Ndiʋigire ndiro itȿa, mugoisa munyu’mo. Ʋakamuʋigira iyo.
21
Akaenda kucituɓu cemvura, akaɗira munyu imomo, akati: Ɀanzi naJehova: Ndarapa mvura iyi, hapacazobvi’po rufu, kana kusaɓereka.
22
Naiɀoɀo mvura ikarapxa kuȿikira nhasi, seɀaakataura, iye Erisha.
23
Ɀino wakabva’po, akaenda Beti‐eri; akati acikwira nenzira, ɀikomana ɀikaɓuɗa muguta, ɀikamuseka, ɀikati kwaari: Iwe nyamanza, kwira, iwe nyamanza, kwira!
24
Iye akaceuka, akaʋaʋona, akaʋatuka nezita raJehova. Ipapo maperekadzi maʋiri akaɓuɗa muɗondo, akaparadza ʋana ʋanamakumi manna naʋaʋiri ʋaʋo.
25
Akabva’po, akaenda kugomo reKarmeri, akabva’po, akadzokera Samaria.
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 3 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25