bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
2 Kings 12
2 Kings 12
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 11
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 13 →
1
Ɀino negore recinomŋe raJehu, Jehoashi wakataŋga kuɓata ʋushe; akaɓata ʋushe paJerusarema makore makumi manna; zita ramai ʋake rakaŋga riri Zibia weBeeri‐sheba.
2
Jehoashi akaita ɀakanaka pamberi paJehova mazuʋa ake ose, aakadzidziswa nawo nomuprista Jehoyada.
3
Kunyaŋge ɀakaɗaro matunhu akakwirira haana‐kubviswa; ʋanhu ʋakaramba ʋaciɓayira ɀiɓayiro nokupisa ɀinonhuwira pamatunhu akakwirira.
4
Ɀino Jehoashi akati kuʋaprista: Mari yose yeɀinhu ɀakatsaurwa, inoiswa mumba maJehova, mari yaʋanhu ʋakaʋereŋgwa, nemari yaʋose seɀaʋakatarirwa mumŋe nomumŋe, nemari yose, inoiswa mumba maJehova nomumŋe nomumŋe nomŋoyo wake,
5
ʋaprista ŋgaʋatore mari iyo, mumŋe nomumŋe kumuzikanwi wake, ʋagadzire ɀakaputsika paimba, pose pose paʋanowana pakaputsika.
6
Asi negore ramakumi maʋiri namatatu ramambo Jehoashi ʋaprista ʋakaŋga ʋacigere kugadzira ɀakaputsika paimba.
7
Ɀino mambo Jehoashi akaɗana muprista Jehoyada naʋamŋe ʋaprista, akati kwaʋari: Munoregereiko kugadzira ɀakaputsika paimba? Naiɀoɀo ɀino ciregai kutora mari kuʋazikanwi ʋenyu, asi muiɓuɗisire ɀakaputsika paimba.
8
Ʋaprista ʋakatenda kusatora mari kuʋanhu, kunyaŋge kugadzira ɀakaputsika paimba.
9
Asi muprista Jehoyada wakatora bokisi, akabvoʋora ʋuri pacifunhiro caro, akarigadzika kurutiʋi rweartari, kurudyi rwomunhu, kana acipinda paimba yaJehova.
10
Ɀino ʋakati kana ʋoʋona kuti mari zhinji yaʋa’mo mubokisi, munyori wamambo nomuprista mukuru ndokuʋuya, ndokuiisa muhomo, ʋaciʋereŋga mari yakawanikwa mumba maJehova.
11
Ʋakaisa mari yakayerwa mumaʋoko aʋaiɓata ɓasa iro, ʋaitarira imba yaJehova; ɀino iʋo ʋairipira nayo ʋaʋezi naʋaʋaki ʋaiɓata paimba yeJehova,
12
naʋairoŋga naʋaiʋeza mabge, ʋakateŋga matanda namabge akaʋezwa okugadzirisa nawo ɀakaputsika paimba yaJehova, nokuripira ɀose ɀaiɗikanwa kuzogadzirisa naɀo imba.
13
Asi haʋana‐kuitira imba yaJehova mikombe yesirveri, nembato dzemŋenje, nembiya, nehwamanda, nemidziyo yendarama, nemidziyo yesirveri, nemari yakaiswa mumba maJehova,
14
nokuti ʋakaiisa kunaʋaiɓate‐ɓasa, kuti ʋagadzirise imba yaJehova nayo.
15
Ʋuye haʋana‐kuzobvunza ʋanhu aʋo, ʋaʋaipa mari mumaʋoko aʋo, kuzoripira ʋaiɓate‐ɓasa; nokuti iʋo ʋaiɓata ʋakatendeka.
16
Asi mari yeɀipiriso ɀemhoȿa, nemari yeɀipiriso ɀeɀiʋi, haɀina‐kuiswa mumba maJehova; yakapiwa ʋaprista.
17
Ɀino Hazaeri mambo weSiria wakaenda kundorwa neGati, akarikunda, Hazaeri akarinza ciso cake kuenda Jerusarema.
18
Asi Jehoashi mambo waJuda, wakatora ɀinhu ɀose ɀakatsaurwa, ɀakaŋga ɀatsaurwa namadziɓaɓa ake, Jehoshafati, naJehorami, naAhazia, madzimambo aJuda, neɀinhu ɀake ɀose ɀakatsaurwa, nendarama yose yakawanikwa pafuma yeimba yaJehova neimba yamambo, akaɀituma kunaHazaeri mambo weSiria; iye akabva Jerusarema.
19
Mamŋe maɓasa aJoashi, neɀose ɀaakaita, hazina‐kunyorwa here mubuku yamakoronike amadzimambo aJuda?
20
Ɀino ʋaranda ʋake ʋakasimuka, ʋakaraŋgana, ʋakaʋuraya Joashi paimba yaMiro, panzira inoɓurukira Sira.
21
Nokuti Jozakari mŋanakomana waShimeati, naJehozabadi mŋanakomana waShomeri, ʋaranda ʋake, ʋakamuɓaya, akafa; ʋakamuʋiga kumadziɓaɓa ake muguta raDavidi; Amazia mŋanakomana wake akamuteʋera paʋushe.
← Chapter 11
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 13 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25