bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
2 Samuel 1
2 Samuel 1
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 2 →
1
Ɀino Sauro wakati afa, Davidi akadzoka pakuʋuraya ʋaAmareki, Davidi akagara mazuʋa maʋiri paZikragi;
2
ɀino nezuʋa retatu mumŋe munhu wakaȿika acibva kumisasa kunaSauro, ŋguʋo dzake dzakabvaruka, ʋuye anevu pamusoro wake; akati aciȿika kunaDavidi, akaɀiwisira pasi, akanamata kwaari.
3
Davidi akati kwaari: Wabvepiko? Akati kwaari: Ndapukunyuka ndicibva kumisasa yaIsraeri.
4
Davidi akati kwaari: Kwakaitweiko? Ndiʋudze hako. Akapindura, akati: Ʋanhu ʋatiza pakurwa, ʋanhu ʋazhinji ʋawira pasi ʋafa, ʋuye Sauro nomŋanakomana wake Jonatani ʋafa ʋo.
5
Ipapo Davidi akati kujaya rakamuʋudza iɀoɀo: Unoziʋa sei kuti Sauro naJonatani mŋanakomana wake ʋafa ʋo.
6
Jaya rikamuʋudza, rikati: Ndakaŋga ndicifamba haŋgu pagomo reGirboa, ndikaʋona Sauro acisendamira papfumo rake, ndikaʋona ʋo ŋgoro naʋataȿi ʋacimuteʋerera kwaɀo.
7
Ɀino iye wakati aciceuka, akandiʋona, akandiɗana. Ndikapindura, ndikati: Ndiri pano haŋgu.
8
Akati kwandiri: Ndiwe aniko? Ndikamupindura, ndikati: Ndiri muAmareki.
9
Akati kwandiri: Mira ʋuno kwandiri, undiʋuraye, nokuti ndaɓatwa nedzuŋgu kwaɀo, nokuti ʋupenyu bgaŋgu bguciri mandiri cose.
10
Naiɀoɀo ndikamira kwaari, ndikamuʋuraya, nokuti ndakaŋga ndiciziʋa kwaɀo kuti haaŋgararami, kana aciŋge awira pasi; ndikatora korona yakaŋga iri pamusoro wake, norundarira rwaiʋa paruʋoko rwake, ndikaʋuya naɀo pano kunashe waŋgu.
11
Ipapo Davidi akaɓata ŋguʋo dzake, akadzibvarura, naʋarume ʋose ʋaiʋa naye ʋakaita ʋo saiɀoɀo.
12
Ʋakacema, nokuwuŋgudza, nokuɀinyima ɀokudya kuȿikira maɗeko pamsoro paSauro naJonatani mŋanakomana wake, napamsoro paʋanhu ʋaJehova, napamsoro peimba yaIsraeri, nokuti ʋakaŋga ʋaʋurawa nomunondo.
13
Davidi akati kujaya rakaŋga ramuʋudza iɀoɀo: Uri wepiko? Iye akapindura, akati: Ndiri mŋanakomana womutorwa, muAmareki.
14
Davidi akati kwaari: Hauna‐kutya neiko kutambanudza ruʋoko rwako kuti uparadze muzodzwa waJehova?
15
Ipapo Davidi akaɗana rimŋe jaya, akati: Sweɗera, umuʋuraye. Iye akamuɓaya, akafa.
16
Davidi akati kwaari: Ropa rako ŋgariʋe pamusoro wako, nokuti muromo wako wakupupurira, ɀawakati: Ndakaʋuraya muzodzwa waJehova.
17
Davidi akacema Sauro naJonatani mŋanakomana wake nokucema uku:
18
Akaʋaraira kuti ʋadzidzise ʋana ʋaJuda rwiyo urwu rwoʋuta; tarirai, rwakanyorwa mubuku yaJashari.
19
Haiwa Israeri! kubginya kwako kwaʋurawa pamatunhu ako akakwirira! Haiwa! ʋanesimba ʋakawira pasi sei!
20
Musaɀireʋa paGati, Musaɀiparidza panzira dzeAshkeroni; Kuti ʋakunda ʋaʋaFiristia ʋarege kufara, Kuti ʋakunda ʋaʋasina‐kudziŋgiswa ʋarege kupembera.
21
Imi makomo eGirboa, Ŋgakurege kuʋa neɗoʋa kana mvura pamsoro penyu, kana minda yeɀipo; Nokuti ndipo pakaŋgorashwa nhoʋo dzemhare, Nhoʋo yaSauro, seisina‐kuzodzwa mafuta.
22
Ʋuta bgaJonatani habguna‐kudzoka Bgusineropa raʋakaʋurawa, namafuta aʋanesimba. Nomunondo waSauro hauna‐kudzoka usina.
23
Sauro naJonatani ʋakaŋga ʋakaɗikanwa, ʋakanaka, paʋupenyu bgaʋo; Napakufa kwaʋo haʋana‐kuparadzaniswa; Ʋaikurumidza kupfuʋura makondo, Ʋaiʋa nesimba kupfuʋura shumba.
24
Imi ʋakunda ʋaIsraeri, cemai Sauro, Iye waikufukidzai no muceka mutȿuku neɀakanaka, Waiisa ɀishoŋgo ɀendarama paɀisimiro ɀenyu.
25
Haiwa! ʋanesimba ʋakawira pasi sei pakurwa! Jonatani wakaʋurawa pamatunhu akakwirira.
26
Ndinotambudzika kwaɀo pamsoro pako, munuŋuna waŋgu Jonatani; Wakaŋga ucindifadza kwaɀo; Ruɗo rwako kwandiri rwaishamisa, Rwaipfuʋura ruɗo rwaʋakadzi.
27
Haiwa! ʋanesimba ʋakawira pasi sei! Nhumbi dzokurwa nadzo dzakaparadzwa sei!
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 2 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24