bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
2 Samuel 20
2 Samuel 20
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 19
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 21 →
1
Ɀino kwakaŋga kuri’po munhu wakaipa, wainzi Sheba, mŋanakomana waBikri, muBenjamini; iye akaridza hwamanda, akati: Isu hatinomugoʋe kunaDavidi, ʋuye hatinenhaka kumŋanakomana waJese; ʋaIsraeri, mumŋe nomumŋe ŋgaaende kutente rake.
2
Naiɀoɀo ʋarume ʋose ʋaIsraeri ʋakarega kuteʋera Davidi, ʋakateʋera Sheba mŋanakomana waBikri; asi ʋarume ʋaJuda ʋakanamatira mambo waʋo, kubva paJoridani kuȿikira paJerusarema.
3
Davidi akaȿika kumba kwake Jerusarema, mambo akatora ʋakadzi ʋanegumi, iʋo ʋaroŋgo ʋake ʋaakaŋga asiya kuti ʋarinde imba, akaʋaisa panɀimbo paʋaŋgaceŋgetwa, akaʋatumira ɀokudya, asi haana‐kupinda kwaʋari. Naiɀoɀo ʋakapfigirwa kuȿikira pazuʋa rokufa kwaʋo, ʋakagara secirikadzi.
4
Ɀino mambo akati kunaAmasa: Ndikokere ʋarume ʋaJuda ʋaʋuŋgane namazuʋa matatu; newe uʋe pano ʋo.
5
Naiɀoɀo Amasa akaenda akakokera ʋarume ʋaJuda, asi wakanonoka akaɗarika ŋguʋa yaakaŋga atarirwa naye.
6
Davidi akati kunaAbishai: Ɀino Sheba mŋanakomana waBikri ucatitadzira kupfuʋura Absaromi. Tora ʋaranda ʋashe wako, umuteʋerere, arege kuɀiwanira maguta akakombga namaȿiŋgo, akatipukunyukira.
7
Ipapo ʋarume ʋaJoabi, naʋaKereti naʋaPereti, naʋarume ʋose ʋemhare ʋakamuteʋera, ʋakaɓuɗa Jerusarema kuzoteʋerera Sheba mŋanakomana waBikri.
8
Ʋakati ʋaciȿika pabge guru raiʋa paGibeoni, Amasa akasoŋgana naʋo. Ɀino Joabi wakaŋga akaɀisuŋga ŋguʋo yake yokurwa nayo yaakaŋga afuka; iyo yakaŋga yakasuŋgwa nebanhire rakaŋga rinomunondo wakasuŋgirwa paciʋuno cake, uri mumuhara mawo; ɀino wakati acifamba, ukawira pasi.
9
Joabi akati kunaAmasa: Wakaɗiniko, munuŋuna waŋgu? Joabi akaɓata ndebvu dzaAmasa noruʋoko rwake rworudyi, kuti amuȿete.
10
Asi Amasa haana‐kucenjera munondo wakaŋga uri muruʋoko rwaJoabi; naiɀoɀo akamuɓaya nawo nomuɗumbu, akatumburira ʋura bgake pasi, akasamuɓaya rwecipiri, akafira’po. Joabi nomunuŋuna wake Abishai ʋakateʋerera Sheba mŋanakomana waBikri.
11
Ɀino rimŋe jaya raJoabi rakaŋga rimire’po naye, rikati: Aninani unoɗa Joabi, nouri kurutiʋi rwaDavidi, ŋgaateʋere Joabi.
12
Asi Amasa wakaŋga aciʋumburuka muropa rake pakati penzira. Ɀino murume uyu wakati aciʋona kuti ʋanhu ʋose ʋakaramba ʋamire, akabvisa Amasa panzira, akamutakurira kusaŋgo, akamufukidza neŋguʋo, nokuti wakaʋona kuti ʋanhu ʋose, ʋakaȿika kwaari, ʋakaramba ʋamire.
13
Iye wakati abviswa panzira, ʋanhu ʋose ʋakateʋera Joabi, kuzoteʋerera Sheba mŋanakomana waBikri.
14
Akafamba namarudzi ose aIsraeri kuȿikira paAberi, neBeti‐maaka, naʋaBeri ʋose; ʋanhu ʋose ʋakaʋuŋgana, ʋakamuteʋera ʋo.
15
Ʋakandomukomba paAberi reBeti‐maaka, ʋakatutira gomo reʋu paguta, rikaenzana noruȿingo; ʋanhu ʋose ʋaiʋa naJoabi ʋakarwa noruȿiŋgo kuti ʋaruputse.
16
Ipapo mumŋe mukadzi, wakaŋga akacenjera, akaɗanidzira ari muguta, akati: Inzwai, inzwai, ɗoʋudzai Joabi, muti: Sweɗera pano, nditaure newe.
17
Iye akasweɗera kwaari. Mukadzi akati: Ndiwe Joabi here? Iye akapindura, akati: Ndini. Ipapo akati kwaari: Inzwai mashoko omurandakadzi wenyu. Iye akapindura, akati: Ndinonzwa.
18
Ɀino akataura, akati: Kare ʋanhu ʋaiti: Ɀirokwaɀo, ʋacabvunza mano paAberi, mhoȿa ndokuperera’po.
19
Ini ndiri mumŋe waʋanotȿaka rugare nowaʋakarurama pakati paIsraeri, asi imi munotȿaka kuparadza guta, rakaita samai pakati paIsraeri; munotȿakireiko kumedza nhaka yaJehova?
20
Joabi akapindura, akati: Haiȿa, haiȿa, handiŋgatoŋgomedzi kana kuparadza;
21
haɀizi iɀo; asi munhu wenyika yamakomo yaEfraimi, unonzi Sheba mŋanakomana waBikri, ndiye wakasimudzira mambo Davidi ruʋoko rwake kuti arwe naye; mumuisei pano iye oga, ipapo ini ndicabva paguta. Mukadzi akati kunaJoabi: Tarirai, musoro wake ucakandirwa kwamuri napamsoro poruȿiŋgo.
22
Ipapo mukadzi akaenda kuʋanhu ʋose nokucenjera kwake. Iʋo ʋakagura musoro waSheba mŋanakomana waBikri, ʋakaukandira kunaJoabi. Iye akaridza hwamanda, ʋanhu ʋakapararira ʋakabva paguta, mumŋe nomumŋe akaenda kutente rake. Joabi akadzokera Jerusarema kunamambo.
23
Ɀino Joabi ndiye wairaira hondo yose yaIsraeri, naBenaya mŋanakomana waJehoyada ndiye wairaira ʋaKereti naʋaPereti;
24
Adorami ndiye wairaira cibaro, naJehoshafati mŋanakomana waAhirudi waiʋa sahwira;
25
Sheva waiʋa munyori; naZadoki naAbiatari ʋaiʋa ʋaprista;
26
Ira muJairi waiʋa muprista ʋo waDavidi.
← Chapter 19
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 21 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24