bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
2 Samuel 5
2 Samuel 5
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 6 →
1
Ɀino marudzi ose aʋaIsraeri akaʋuya kunaDavidi paHebroni, akataura, akati: Tarirai tiri mafupa enyu nenyama yenyu.
2
Kare Sauro aciri mambo weɗu, ndimi maituŋgamirira ʋaIsraeri muciɓuɗa naʋo nokupinda naʋo; Jehova akati kwamuri: Iwe ucafudza ʋanhu ʋaŋgu ʋaIsraeri, nokuʋa mutuŋgamiriri waʋaIsraeri.
3
Naiɀoɀo ʋakuru ʋose ʋaIsraeri ʋakaʋuya kunamambo paHebroni, mambo Davidi akaita suŋgano paHebroni pamberi paJehova; iʋo ʋakazodza Davidi, kuti aʋe mambo waIsraeri.
4
Davidi wakaŋga anamakore anamakumi matatu pakutaŋga kwake kuɓata ʋushe, akaɓata ʋushe makore anamakumi manna.
5
Akaɓata ʋushe paHebroni paʋaJuda makore manomŋe nemŋedzi mitanhatu; akaɓata ʋo ʋushe paJerusarema makore makumi matatu namatatu paʋaIsraeri naʋaJuda ʋose.
6
Iye mambo naʋanhu ʋake ʋakaenda Jerusarema kundorwa naʋaJebusi ʋakaŋga ʋagere panyika iyo; iʋo ʋakataura naDavidi, ʋakati: Hauŋgapindi pano, mapofu neɀirema ʋaŋgakudziŋga, nokuti ʋakati, Davidi haaŋgapindi pano.
7
Kunyaŋge ɀakaɗaro Davidi wakakunda nhare yeZioni; ndiro guta raDavidi.
8
Davidi akati nezuʋa iro: Aninani unoparadza ʋaJebusi, ŋgaakwire kumugero wemvura, aʋuraye ɀirema namapofu, ʋanoʋeŋgwa nomŋeya waDavidi. Naiɀoɀo ʋanoti: Mapofu neɀirema haʋaŋgapindi mumba.
9
Davidi akagara munhare, akaitumidza guta raDavidi. Davidi akaʋaka kunhiʋi dzose, kubva paMiro, ɀicipinda mukati.
10
Davidi akaramba acikura, nokuti Jehova, Mŋari wehondo, wakaŋga anaye.
11
Hirami mambo weTire akatuma nhume kunaDavidi namatanda emisidari, naʋaʋezi, naʋaʋaki, ʋakaʋakira Davidi imba.
12
Ɀino Davidi akaziʋa kuti Jehova wakaŋga amusimbisa kuti aʋe mambo waIsraeri, ʋuye kuti wakaŋga akudza ʋushe bgake nokuɗa kwaʋanhu ʋake Israeri.
13
Davidi wakati abva Hebroni, akaɀitorera ʋamŋe ʋaroŋgo naʋakadzi paJerusarema, Davidi akaɓerekerwa ʋanakomana naʋanasikana.
14
Ndiwo mazita aʋaakaɓerekerwa Jerusarema: Shamua, naShobai, naNatani, naSoromoni,
15
naIbhari, naErishua, naNefegi, naJafia,
16
naErishama, naEriada, naErifereti.
17
Ɀino ʋaFiristia ʋakati ʋacinzwa kuti Davidi wakaŋga azodzwa kuti aʋe mambo waʋaIsraeri, ʋaFiristia ʋose ʋakakwira kundotȿaka Davidi; Davidi akaɀinzwa, akaɓurukira kunhare.
18
ƲaFiristia ʋakaŋga ʋaȿika, ʋakapararira pamupata weRefaimi.
19
Davidi akabvunza Jehova, akati: Ndokwira kundorwa naʋaFiristia here? Mucaʋaisa mumaʋoko aŋgu here? Jehova akati kunaDavidi: Kwira, nokuti ɀirokwaɀo ndicaisa ʋaFiristia mumaʋoko ako.
20
Davidi akaȿika paBaari‐perazimi, Davidi akaʋaparadza’po. Akati: Jehova wakapxanya ʋaʋeŋgi ʋaŋgu pamberi paŋgu, sokupxanya kwemvura. Naiɀoɀo akatumidza nɀimbo iyo Baari‐perazimi.
21
Ʋakasiya ɀifananidzo ɀaʋo ipapo, Davidi naʋanhu ʋake ʋakaɀitora.
22
ƲaFiristia ʋakaʋuya ɀe, ʋakapararira pamupata weRefaimi.
23
Ɀino Davidi wakati acibvunza Jehova, iye akati: Usakwira, asi upote shure kwaʋo, ugoʋaʋamba pakatarisana nemiti yemibarsami.
24
Ɀino kana ucinzwa kutinhira kwokufamba paŋgara dzemiti yemibarsami, unofanira kukurumidza, nokuti ndiJehova wakutuŋgamirira kundoparadza hondo yaʋaFiristia.
25
Davidi akaita seɀaakarairwa naJehova; akaparadza ʋaFiristia kubva paGeba kuȿikira paGezeri.
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 6 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24