bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
2 Samuel 22
2 Samuel 22
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 21
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 23 →
1
Ɀino Davidi wakataura kunaJehova mashoko orwiyo urwu neŋguʋa yaakarwirwa naJehova pamaʋoko aʋaʋeŋgi ʋake ʋose, napamaʋoko aSauro;
2
akati: Jehova iɗombo raŋgu, nenhare yaŋgu, nomurwiri waŋgu, iye ndowaŋgu.
3
Mŋari iɗombo raŋgu, ndicaʋimba naye; Nhoʋo yaŋgu, norunyaŋga rwokuponeswa kwaŋgu, shoŋgwe yaŋgu yakakwirira, noʋutiziro bgaŋgu. Muponesi waŋgu, munondiponesa pakumanikidzwa.
4
Ndicaɗana kunaJehova, iye unofanirwa nokurumbidzwa; Naiɀoɀo ndicaponeswa kunaʋaʋeŋgi ʋaŋgu.
5
Nokuti mafuŋgu orufu akandikomba, Ʋuye nzizi dzeɀakaipa dzakandivundusa.
6
Maɓote aSheori akandisuŋga, Misuŋgo yorufu yakandiwira.
7
Pakutambudzika kwaŋgu ndakaɗana kunaJehova, Ndakaɗana kunaMŋari waŋgu, Akanzwa inzwi raŋgu ari mutembere yake; Kucema kwaŋgu kukaȿika munzeʋe dzake.
8
Ipapo nyika yakazunuŋguka, ikaɗeɗera; Nheyo dzokuɗeŋga dzakaɗeŋgenyeka, Dzikazunuŋguswa, nokuti iye wakaŋga atsamŋa.
9
Ʋutsi bgakakwira bgucibva mumhino dzake, Ʋuye mŋoto wakaɓuɗa mumuromo make, wakaparadza; Mazimbe akaɓatidzwa nawo.
10
Wakakotamisa ʋo kuɗeŋga‐ɗeŋga, akaɓuruka; Nerima guru rakaŋga riri pasi petsoka dzake.
11
Wakataȿa kerubi, akabururuka; Ɀirokwaɀo, wakaʋonekwa ari pamapapiro emhepo.
12
Wakaɀipoteredza nerima setente, Mvura yakaʋuŋganidzwa, nemvumi dzehore dzeɗeŋga.
13
Nokupenya, kwakaŋga kuri pamberi pake, Mazimbe omŋoto akaɓatidzwa.
14
Jehova wakatinhira kuɗeŋga, Wokumsoro‐soro wakataura nenzwi rake.
15
Wakatuma miseʋe, akaʋaparadza; Akatuma mheni, akaʋavundusa.
16
Ipapo pasi peguŋgwa pakaʋonekwa, Ʋuye nheyo dzenyika dzakaratidzwa pacena, Nokutuka kwaJehova, Nokufema kwomŋeya wemhino dzake.
17
Wakatambanudza ruʋoko rwake ari kumsoro, akanditora, Akandinyukura pamvura zhinji;
18
Akandirwira pamuʋeŋgi waŋgu unesimba, Nokunaʋanondiʋeŋga; nokuti ʋakaŋga ʋondikurira.
19
Ʋakandiʋiŋga nezuʋa renjodzi yaŋgu, Asi Jehova wakaŋga ari mutsigiro waŋgu.
20
Akandiɓuɗisira kunɀimbo yakafarikana, Akandirwira, nokuti wakaŋga acindifarira.
21
Jehova wakandiitira ɀakaenzana nokururama kwaŋgu, Akandipa muɓairo wakaenzana nokucena kwamaʋoko aŋgu.
22
Nokuti ndakaceŋgeta nzira dzaJehova, Handina‐kubva kunaMŋari waŋgu nokunyeŋgera.
23
Nokuti ɀose ɀaakatoŋga ɀakaŋga ɀiri pamberi paŋgu; Kana ɀiri ɀaakatema, handina‐kutsauka kwaɀiri.
24
Ndakaŋga ndakarurama kwaɀo pamberi pake, Ndakaɀiceŋgeta paɀakaipa ɀaŋgu.
25
Naiɀoɀo Jehova wakandiitira ɀakaenzana nokururama kwaŋgu, Ɀakaenzana nokucena kwaŋgu pamberi pake.
26
Uneŋgoni, munomuitira ʋo ŋgoni; Munhu, wakarurama kwaɀo, munomuitira ʋo ɀakarurama;
27
Wakanaka, munomuitira ʋo ɀakanaka; Wakatsauka, munomuitira ʋo hasha.
28
Mucaponesa ʋanhu ʋanotambudzika, Asi meso enyu anoʋona ʋanoɀikudza, kuti muʋaɗeredze.
29
Nokuti muri mŋenje waŋgu, Jehova; Jehova ucavenekera rima raŋgu.
30
Nokuti nemi ndicaʋamba hondo, Kana ndinaMŋari waŋgu ndicaɗarika ruȿiŋgo.
31
Kana ari Mŋari, nzira yake yakarurama kwaɀo; Shoko raJehova rakaidzwa; Ndiye nhoʋo yaʋose ʋanotenda kwaari.
32
Nokuti ndianiko Mŋari, asi iye Jehova? Ndianiko ɗombo, asi iye Mŋari weɗu?
33
Mŋari ndiye nhare yaŋgu inesimba; Iye unondifambisa nenzira yakarurama.
34
Unoita tsoka dzaŋgu setsoka dzenondokadzi, Unondiisa pakakwirira.
35
Unodzidzisa maʋoko aŋgu kurwa; Naiɀoɀo maʋoko aŋgu anowembura ʋuta bgendarira.
36
Makandipa ʋo nhoʋo yokuponesa kwenyu, Ʋunyoro bgenyu bgakandikurisa.
37
Makandiitira nɀimbo yakafarikana pasi paŋgu pandiŋgatsika; Tsoka dzaŋgu hadzina‐kutedzemuka.
38
Ndakateʋerera ʋaʋeŋgi ʋaŋgu, ndikaʋaparadza; Handina‐kudzoka ɀe kuȿikira ʋapedzwa.
39
Ndakaʋapedza, ndakaʋaɓaya, haʋagoni kumuka; Ʋakawira pasi petsoka dzaŋgu.
40
Nokuti makandisuŋga ciʋuno nesimba rokurwa naro; Makandikundisa ʋaindimukira.
41
Makatizisa ʋaʋeŋgi ʋaŋgu, Kuti ndiparadze ʋanondiʋeŋga.
42
Ʋakatarira, asi kwakaŋga kusinomuponesi, KunaJehova, asi haana‐kuʋapindura.
43
Ipapo ndakaʋapxanya‐pxanya seguruʋa renyika; Ndikaʋaswa samatope enzira dzomumusha, ndikaʋaparadzira kure.
44
Makandirwira ʋo pakukakaʋadzana kwaʋanhu ʋaŋgu, Makandiceŋgeta kuti ndiʋe mukuru wendudzi; Ʋanhu ʋandakaŋga ndisiŋgaziʋi, ʋacandishumira.
45
Ʋatorwa ʋacanamata kwandiri; Ʋacaterera pakarepo kana ʋacindinzwa.
46
Ʋatorwa ʋacatorerwa simba, Ʋacaɓuɗa paʋaiʋanda ʋaciɗeɗera.
47
Jehova mupenyu; ɗombo raŋgu ŋgarikudzwe; Mŋari, ɗombo rokuponeswa kwaŋgu, ŋgaarumbidzwe.
48
Ndiye Mŋari unonditsiʋira, Unondikundisa ʋanhu.
49
Unondibvisa kuʋaʋeŋgi ʋaŋgu; Ɀirokwaɀo, munondisimudzira kumsoro kwaʋanondimukira; Munondirwira pamunhu unondimanikidza.
50
Naiɀoɀo ndicakuʋoŋgai Jehova, pakati pendudzi, Ndicakudza zita renyu nenziyo;
51
Unopa mambo wake kuponeswa kukuru, Unoitira muzodzwa wake ʋunyoro, KunaDavidi naʋana ʋake nokusiŋgaperi.
← Chapter 21
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 23 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24