bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
2 Samuel 16
2 Samuel 16
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 15
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 17 →
1
Ɀino Davidi wakati apfuʋura musoro wegomo ɀishoma, akaʋona Ziba, muranda waMefibosheti osoŋgana naye, anemboŋgoro mbiri dzakaŋga dzatakudzwa ɀiŋgwa ɀinamazana maʋiri, namasumbu amazambiriŋga akawomeswa anezana, nemicero yezhezha inezana, nehomo yewaini.
2
Mambo akati kunaZiba: Unoɗiniko neɀiɀi? Ziba akati: Mboŋgoro ndinopa ʋeimba yamambo kuti ʋataȿe; ɀiŋgwa nemicero yezhezha ndiɀo ɀokudya ɀamajaya, newaini kuti ʋanoziya murenje ʋanwe.
3
Mambo akati: Mŋanakomana washe wako uripiko? Ziba akati kunamambo: Tarirai, wakasara Jerusarema, nokuti wakati: Nhasi imba yaIsraeri ʋacandidzosera ʋushe bgaɓaɓa ʋaŋgu.
4
Ipapo mambo akati kunaZiba: Tarira, ɀose ɀaMefibosheti ndeɀako. Ziba akati: Ndinokotamira pasi; ndinzwirei nyasha, ishe waŋgu mambo.
5
Ɀino mambo Davidi wakati aȿika paBahurimi, mumŋe munhu weimba yaSauro, wainzi Shimei, mŋanakomana waGera, akaɓuɗa’po;
6
akaɓuɗa, akafamba aciŋgotuka, akaposhera Davidi namabge, naʋaranda ʋose ʋamambo Davidi; ɀino ʋanhu ʋose naʋarume ʋose ʋesimba ʋakaŋga ʋari kurudyi rwake nokuruɓoshwe rwake.
7
Shimei akatuka, akati: Cibva, cibva, iwe munhu weropa, iwe munhu wakaiȿo‐ipa;
8
Jehova wakadzosera pamsoro pako ropa rose reimba yaSauro, wawakaŋga wakaɓata ʋushe panɀimbo yake. Jehova wakapa ʋushe muruʋoko rwaAbsaromi mŋanakomana wako; tarira, waɓatwa neɀakaipa ɀako, nokuti uri munhu weropa.
9
Ipapo Abishai mŋanakomana waZeruya akati kunamambo: Imbga iyi yakafa iŋgatuka seiko ishe waŋgu mambo? Nditenderei henyu ndiyambukire mhiri, ndimugure musoro.
10
Mambo akati: Ndinemhoȿa yeiko nemi, imi ʋana ʋaZeruya; ŋgaatuke hake, kana Jehova aciŋge ati kwaari: Tuka Davidi, ndianiko uŋgati: Waitireiko kuɗai?
11
Davidi akati kunaAbishai, nokuʋaranda ʋake ʋose: Tarirai, iye mŋanakomana waŋgu wandakaɓereka, unotȿaka kundiʋuraya; ndoɗa ɀino muBenjamini uyu! Muregei, ŋgaatuke hake, nokuti Jehova wakamuraira.
12
Ɀimŋe Jehova ucaʋona ɀakaipa ɀandakaitirwa, ɀimŋe Jehova ucandiitira ɀakanaka pamsoro pokundituka kwake nhasi.
13
Naiɀoɀo Davidi naʋanhu ʋake ʋakaramba ʋacifamba haʋo nenzira, Shimei akaramba acifamba nomujiŋga megomo pakatarisana naDavidi, akafamba aciŋgotuka nokumuposhera namabge, nokumupfumburira guruʋa.
14
Mambo naʋanhu ʋose ʋakaŋga ʋanaye ʋakaȿika ʋaneta, ʋakazorora’po.
15
Absaromi naʋanhu ʋose, iʋo ʋarume ʋaIsraeri, ʋakaȿika Jerusarema, Ahitoferi anaye ʋo.
16
Ɀino Hushai muArki, shamŋari yaDavidi, wakati aȿika kunaAbsaromi, Hushai akati kunaAbsaromi: Mambo ŋgaararame, mambo ŋgaararame!
17
Absaromi akati kunaHushai: Ndiɀo ɀakanaka ɀaunoitira shamŋari yako? Wakaregereiko kuenda neshamŋari yako?
18
Hushai akati kunaAbsaromi: Kwete, asi iye wakatsaurwa naJehova ʋuye naʋanhu aʋa, ʋuye naʋarume ʋose ʋaIsraeri, ndiye wandicaʋa wake, ndiye wandicagara naye.
19
Ʋuye ndiŋgafanira kushumiraniko? Handifaniri kushumira mŋanakomana wake here? Seɀandakashumira ɓaɓa ʋenyu, ndicakushumirai ʋo imi saiɀoɀo.
20
Ipapo Absaromi akati kunaAhitoferi: Tipei zano rako, tinofanira kuiteiko?
21
Ahitoferi akati kunaAbsaromi: Pindai kuʋaroŋgo ʋaɓaɓa ʋenyu ʋaʋakasiya, kuti ʋaceŋgete imba; ipapo ʋaIsraeri ʋose ʋacanzwa kuti mosemŋa naɓaɓa ʋenyu; ipapo maʋoko aʋose ʋamunaʋo acasimbiswa.
22
Naiɀoɀo ʋakadzikira Absaromi tente pamsoro peimba, Absaromi akapinda kuʋaroŋgo ʋaɓaɓa ʋake ʋaIsraeri ʋose ʋaciɀiʋona.
23
Ɀino mano aAhitoferi aakapa mazuʋa iwayo, akaŋga akaita samashoko akabvunzwa kunaMŋari; ndiɀo ɀakaŋga ɀakaita mano aAhitoferi aakapa Davidi naAbsaromi ʋose.
← Chapter 15
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 17 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24