bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
2 Samuel 13
2 Samuel 13
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 12
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 14 →
1
Ɀino shure kwaiɀoɀo Absaromi mŋanakomana waDavidi wakaŋga anehanɀadzi yakanaka, wainzi Tamari; Amnoni mŋanakomana waDavidi akamuɗa.
2
Amnoni akatambudzika, akarwara pamsoro paTamari hanɀadzi yake; nokuti yakaŋga iri mhandara, Amnoni akaʋona kuti haaŋgamuiti cinhu.
3
Asi Amnoni wakaŋga aneshamŋari, yainzi Jonadabi mŋanakomana waShimea, mukoma waDavidi; ɀino Jonadabi wakaŋga ari munhu waiʋa namano.
4
Iye akati kwaari: Nhandi, mŋanakomana wamambo, wakawondereiko kuɗai mazuʋa ose? Hauŋgandiʋudzi here? Amnoni akati kwaari: Ndinoɗa Tamari, hanɀadzi yomunuŋuna waŋgu Absaromi.
5
Jonadabi akati kwaari: Ʋata panhoʋo dzako, uɀiite somunhu unorwara; ɀino kana ɓaɓa ʋako ʋakaȿika kuzokuʋona, uti kwaʋari: Ndinokumbira kuti hanɀadzi yaŋgu Tamari aʋuye, andipe ɀokudya, ndidye, agadzire ɀokudya pamberi paŋgu, ndiɀiʋone, ndiɀidye pamaʋoko ake.
6
Naiɀoɀo Amnoni akaʋata pasi, akaɀiita somunhu unorwara; ɀino mambo wakati aciȿika kuzomuʋona, Amnoni akati kunamambo: Ndinokumbira kuti Tamari, hanɀadzi yaŋgu aʋuye, andiɓikire ɀiŋgwa ɀiʋiri ndiciɀiʋona, kuti ndidye pamaʋoko ake.
7
Davidi akatuma shoko kumusha kunaTamari, akati: Enda ɀino kumba kwaAmnoni hanɀadzi yako, umugadzirire ɀokudya.
8
Naiɀoɀo Tamari akaenda kumba kwehanɀadzi yake Amnoni; iye akaŋga aʋete pasi. Akatora mukanyiwa, akaukanya, akaʋumba ɀiŋgwa aciɀiʋona, akaɓika ɀiŋgwa.
9
Akatora gaŋgo, akaɀiɗurura pamberi pake; asi iye wakaramba kudya. Amnoni akati: Ʋanhu ʋose ŋgaʋaɓuɗe kwandiri. Ʋanhu ʋose ʋakaɓuɗa kwaari.
10
Amnoni akati kunaTamari: Ʋuya neɀokudya muimba yokuʋata, kuti ndidye pamaʋoko ako. Tamari akatora ɀiŋgwa ɀaakaŋga aɓika, akaʋuya naɀo mumba mokuʋata maAmnoni hanɀadzi yake.
11
Ɀino wakati asweɗera pedyo kwaari naɀo, iye akamuɓata, akati kwaari: Ʋuya uʋate neni, hanɀadzi yaŋgu.
12
Iye akamupindura, akati: Kwete, hanɀadzi yaŋgu, usandicinya; nokuti cinhu cakaɗai hacifaniri kuitwa pakati paIsraeri; usaita cinhu ici cakaipa.
13
Neni ndicaendepiko nokunyara kwaŋgu? Kana uri’we, ucaʋa seɓenzi pakati paIsraeri. Naiɀoɀo ɀino, ɗotaura hako namambo; nokuti iʋo haʋaŋgandinyimi iwe.
14
Asi wakaramba kuterera inzwi rake, akaita simba naye, akamukurira, akaʋata naye.
15
Ipapo Amnoni akamuʋeŋga nokuʋeŋga kukuru kwaɀo; nokuti kuʋeŋga kwaakamuʋeŋga nako, kwakapfuʋura ruɗo rwaaimuɗa narwo. Amnoni akati kwaari: Muka, uende.
16
Iye akati kwaari: Kwete, nokuti cinhu ici cokundidziŋga cikuru kunececo cawandiitira. Asi wakaramba kumuterera.
17
Ɀino akaɗana muranda wake wakaŋga acimuɓatira, akati: Dziŋga mukadzi uyu abve kwandiri, ukiye mukoʋa kana abva.
18
Ɀino iye wakaŋga aneŋguʋo yakareɓa inamaʋoko, nokuti ʋakunda ʋamambo, ʋaiʋa mhandara, ʋaifuka ŋguʋo dzakaɗai. Muranda wake akamuɓuɗisa, akakiya mukoʋa abva.
19
Ɀino Tamari akaisa maɗota pamusoro wake, akabvarura ŋguʋo yake yakareɓa inamaʋoko, akaɓata ruʋoko rwake pamusoro wake, akaenda acicema.
20
Absaromi hanɀadzi yake, akati kwaari: Amnoni hanɀadzi yako wakaŋga ari kwauri here? Cinyarara hako, hanɀadzi yaŋgu; iye ihanɀadzi yako, usaɀidya mŋoyo nemhaka yecinhu ici. Naiɀoɀo Tamari akagara ari oga mumba maAbsaromi hanɀadzi yake.
21
Asi mambo Davidi wakati acinzwa iɀi ɀose, akatsamŋa kwaɀo.
22
Asi Absaromi haana‐kutaura cinhu cakanaka kana cakaipa kunaAmnoni; nokuti Absaromi wakaʋeŋga Amnoni, nokuti wakaŋga acinya hanɀadzi yake Tamari.
23
Ɀino makore maʋiri akati apfuʋura, Absaromi wakaŋga anaʋaʋeʋuri ʋamakwai paBaari‐hazori pedyo naEfraimi; Absaromi akakoka ʋana ʋose ʋamambo.
24
Absaromi akaenda kunamambo, akati: Tarirai ɀino, muranda wenyu unaʋaʋeʋuri ʋamakwai; ndinokumbira kuti mambo naʋaranda ʋake ʋaende nomuranda wenyu.
25
Mambo akati kunaAbsaromi: Kwete, mŋana waŋgu, ŋgatirege kuenda isu tose, tirege kuzokutambudza. Akamukurudzira, asi wakaramba kuenda, akamuropafadza hake.
26
Ɀino Absaromi akati: Kana musiŋgaɗi henyu, ndinokumbira kuti mukoma waŋgu Amnoni aende nesu. Mambo akati kwaari: Iye unofanira kuendireiko newe?
27
Asi Absaromi akamukurudzira, akatendera Amnoni naʋamŋe ʋana ʋose ʋamambo kuenda naye.
28
Ɀino Absaromi akaraira ʋaranda ʋake, akati: Tarirai ɀakanaka ɀino, kana mŋoyo waAmnoni wofara newaini, ini ndikati kwamuri: Ʋurayai Amnoni! imi munofanira kumuʋuraya, musatya henyu; handizi’ni ndakakurairai here? Tsuŋgai, muʋe noʋumhare.
29
Ɀino ʋaranda ʋaAbsaromi ʋakaitira Amnoni seɀaʋakaŋga ʋarairwa naAbsaromi. Ipapo ʋanakomana ʋose ʋamambo ʋakasimuka, mumŋe nomumŋe akakwira mboŋgoro yake, ʋakatiza.
30
Ɀino ʋakati ʋaciri munzira, shoko rikaȿika kunaDavidi rokuti: Absaromi waʋuraya ʋanakomana ʋose ʋamambo, hakuna‐wakasara kwaʋari kunyaŋge nomumŋe.
31
Ipapo mambo akasimuka, akabvarura ŋguʋo dzake, akaʋata pasi; naʋaranda ʋake ʋose ʋakamira’po neŋguʋo dzakabvarurwa.
32
Asi Jonadabi, mŋanakomana waShimea, mukoma waDavidi, akapindura, akati: Ishe waŋgu ŋgaarege kuti ʋaʋuraya majaya ose, iʋo ʋana ʋamambo; nokuti Amnoni woga ndiye wafa, nokuti Absaromi wakaʋaʋarira iɀoɀo kubva pazuʋa rakaacinya hanɀadzi yake Tamari.
33
Ɀino ishe waŋgu mambo ŋgaarege kuɀidya mŋoyo pamsoro pecinhu ici, aciti ʋanakomana ʋose ʋamambo ʋafa, nokuti Amnoni woga ndiye wafa.
34
Asi Absaromi wakatiza. Ɀino jaya rakaŋga rakarindira rakatarira, rikaʋona ʋanhu ʋazhinji ʋaciʋuya nenzira yegomo mushure make.
35
Jonadabi akati kunamambo: Tarirai, ʋana ʋamambo ʋaȿika; ɀaitika seɀakataura muranda wenyu.
36
Wakati apedza kutaura, ʋana ʋamambo ʋakaȿika, ʋakacema kwaɀo; namambo ʋo naʋaranda ʋake ʋose ʋakacema ʋo kwaɀo.
37
Asi Absaromi wakatiza, akaenda kunaTarmai mŋanakomana waAmihuri mambo weGeshuri. Davidi akacema mŋanakomana wake mazuʋa ose.
38
Naiɀoɀo Absaromi akatiza, akaenda Geshuri, akagara’po makore matatu.
39
Mŋoyo wamambo Davidi ukaɗa kwaɀo kuenda kunaAbsaromi, nokuti wakaŋga anyaradzwa pamsoro paAmnoni, aciti wafa hake.
← Chapter 12
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 14 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24