bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
2 Samuel 15
2 Samuel 15
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 14
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 16 →
1
Ɀino shure kwaiɀoɀo Absaromi akaɀigadzirira ŋgoro namabiza naʋarume ʋanamakumi mashanu kuti ʋamhanye pamberi pake.
2
Absaromi waimuka maŋgwanani, akandomira parutiʋi rwenzira pasuʋo; ɀino kana kuciŋge kunomunhu wakaŋga oʋuya kunamambo kuzotambirwa mhoȿa yake, Absaromi ndokumuɗana, akati: Uri weguta ripiko? Kana akati: Muranda wenyu unobva kunorumŋe rwamarudzi aIsraeri,
3
Absaromi waiti kwaari: Tarira, mashoko ako akanaka, akarurama hawo, asi hakunomunhu wakatumŋa namambo kuzokunzwa.
4
Ʋuye Absaromi akati ʋo: Ƌai ini ndiciitwa mutoŋgi panyika, kuti aninani aneŋge anemhaka kana shoko aʋuye kwandiri, ini ndimururamisire.
5
Ɀino kana aninani akasweɗera kuzofugama pamberi pake, iye waitambanudza ruʋoko rwake, acimuɓata, acimuȿeta.
6
Ɀino Absaromi waiita nomutoʋo uyu naʋaIsraeri ʋose ʋaiʋuya kunamambo kuzotambirwa mhoȿa dzaʋo; naiɀoɀo Absaromi akanyeŋgera mŋoyo yaʋanhu ʋaIsraeri kuti imuɗe.
7
Ɀino makore manna akati apfuʋura, Absaromi akati kunamambo: Nditenderei henyu ndiende Hebroni, ndindoripira kupika kwaŋgu kwandakapikira Jehova.
8
Nokuti muranda wenyu wakapika mhiko ndicigere Geshuri paSiria, ndikati: Ɀirokwaɀo, kana Jehova akandidzosera Jerusarema, ndicanamata Jehova.
9
Mambo akati: Cienda hako norugare. Naiɀoɀo akasimuka, akaenda Hebroni.
10
Asi Absaromi wakatuma ʋashori pakati pamarudzi ose aIsraeri, akati: Kana mukanzwa kurira kwehwamanda, ipapo muti: Absaromi ndimambo paHebroni.
11
Ɀino Absaromi akaperekedzwa naʋarume ʋanamazana maʋiri ʋeJerusarema, ʋakaŋga ʋakokwa; iʋo ʋakaenda haʋo ʋakafara, ʋasiŋgaziʋi cinhu.
12
Absaromi akatuma munhu kundoɗana Ahitoferi muGironi, gurukota raDavidi, paguta rake Giro, paŋguʋa yaakaŋga aciɓayira ɀiɓayiro. Kuraŋgana uku kukaʋa nesimba, nokuti ʋanhu ʋakaramba ʋaciwanda kunaAbsaromi.
13
Ɀino nhume yakaȿika kunaDavidi, ikati: Mŋoyo yaʋarume ʋaIsraeri yoteʋera Absaromi.
14
Ipapo Davidi akati kuʋaranda ʋake ʋose ʋakaŋga ʋanaye paJerusarema: Simukai, titize, nokuti kana tikasaɗaro, hapanomumŋe weɗu uŋgapukunyuka kunaAbsaromi; kurumidzai tiende, arege kutiɓata pakarepo, atiitire ɀakaipa, nokuparadza guta nomunondo unopinza.
15
Ʋaranda ʋamambo ʋakati kunamambo: Tarirai, ʋaranda ʋenyu ʋakamirira kuita ɀose ɀinoɗikanwa naishe weɗu mambo.
16
Mambo akaɓuɗa, ʋose ʋeimba yake ʋakamuteʋera. Mambo akasiya ʋakadzi ʋanegumi, ʋaiʋa ʋaroŋgo, kuti ʋaceŋgete imba.
17
Mambo akaɓuɗa naʋanhu ʋose ʋakamuteʋera, ʋakandomira paBeti‐merhaki.
18
Ʋaranda ʋake ʋose ʋakapfuʋura kurutiʋi rwake, naʋaKereti ʋose, naʋaPereti ʋose, naʋaGiti ʋose, ʋarume ʋanamazana matanhatu ʋakaŋga ʋamuteʋera ʋacibva Gati, ʋakatuŋgamirira pamberi pamambo.
19
Mambo akati kunaItai muGiti: Iwe unoendireiko nesu? Dzoka hako, ugare namambo, nokuti iwe uri mutorwa wakadziŋgwa; dzokera kunyika yako.
20
Iwe ucaŋgoȿika zuro, ɀino ini ndicakufambisa‐fambisa seiko nesu, ɀandisiŋgaziʋi ini kwandinoenda? Dzoka hako, udzoke ʋo nehama dzako; nenyasha neɀokwaɗi ŋgaɀiʋe newe.
21
Itai akapindura mambo, akati: NaJehova mupenyu, naishe waŋgu mambo mupenyu, ɀirokwaɀo, panondogara ishe waŋgu mambo, kana kufira’po kana kuraramira’po, ndi’po pacaʋa muranda wenyu ʋo.
22
Davidi akati kunaItai: Cienda hako, uyambuke. Itai muGiti akayambuka, naʋanhu ʋake ʋose, naʋana ʋaɗuku ʋose ʋakaŋga ʋanaye.
23
Ʋanhu ʋenyika yose ʋakacema nenzwi guru, ʋanhu ʋose ʋakayambuka; naiye mambo amene akayambuka ʋo rukoʋa Kidroni, naʋanhu ʋose ʋakayambuka ʋo ʋakaenda nenzira yokurenje.
24
Ɀino Zadoki akaȿika ʋo naʋaRevi ʋose ʋanaye, ʋakatakura areka yesuŋgano; ʋakagadzika areka yaMŋari pasi, Abiatari akakwira ʋo, kuȿikira ʋanhu ʋose ʋapedza kuɓuɗa paguta.
25
Ipapo mambo akati kunaZadoki: Dzoserai areka yaMŋari muguta; kana Jehova akandinzwira nyasha, ucandidzosa ɀe, akandiʋonesa iyo nenɀimbo yayo ɀe.
26
Asi kana akati: Handifari newe; tarirai, ndiri pano haŋgu, ŋgaandiitire seɀaanoɗa.
27
Mambo akati kunaZadoki muprista: Iwe hauzi muʋoni here? Dzokera muguta norugare, iwe naʋanakomana ʋako ʋaʋiri ʋaunaʋo, mŋanakomana wako Ahimaazi, naJonatani mŋanakomana waAbiatari.
28
Tarira, ini ndicandomira pamazambuko erenje, kuȿikira shoko rinobva kwauri raȿika, kundiziʋisa.
29
Naiɀoɀo Zadoki naAbiatari ʋakadzosera areka yaMŋari ɀe Jerusarema; iʋo ʋakagara’po.
30
Davidi akakwira nokumukwidza wegomo reMiorivi, akafamba aciŋgocema; akafukidza musoro wake, akafamba asineshaŋgu, naʋanhu ʋose ʋakaŋga ʋanaye ʋakafukidza misoro yaʋo, ʋakakwira, ʋakaŋgocema pakukwira kwaʋo.
31
Ɀino mumŋe akaʋudza Davidi, akati: Ahitoferi unoraŋgana ʋo naʋamŋe naAbsaromi. Davidi akati: Haiwa Jehova, shandurai henyu mashoko aAhitoferi, aʋe mashoko oʋupenzi.
32
Ɀino Davidi wakati aȿika kumsoro kwainamatwa Mŋari, akaʋona Hushai muArki osoŋgana naye, ŋguʋo dzake dzakabvarurwa nevu pamusoro wake.
33
Davidi akati kwaari: Kana iwe ukapfuʋura neni, ucandiremedza;
34
asi kana ukadzokera kuguta, ukandoti kunaAbsaromi: Ndicaʋa muranda wenyu, mambo; seɀandaiʋa muranda waɓaɓa ʋenyu kare, saiɀoɀo ndicaʋa muranda wenyu ɀino; ipapo uŋgandikundira mano aAhitoferi.
35
Zadoki naAbiatari ʋaprista, haʋazi’po newe here? Naiɀoɀo ɀose ɀaunonzwa mumba mamambo, uʋudze Zadoki naAbiatari ʋaprista iɀoɀo.
36
Tarira, ʋanaʋanakomana ʋaʋo ʋaʋiri’po, Ahimaazi mŋanakomana waZadoki, naJonatani mŋanakomana waAbiatari; ɀino unditumire naʋo ɀose ɀaucanzwa.
37
Naiɀoɀo Husai, shamŋari yaDavidi, akaenda kuguta; naAbsaromi akapinda Jerusarema.
← Chapter 14
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 16 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24