bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
2 Samuel 12
2 Samuel 12
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 11
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 13 →
1
Ɀino Jehova akatuma Natani kunaDavidi. Akaȿika kwaari, akati kwaari: Kwakaŋga kunaʋarume ʋaʋiri muguta rimŋe; mumŋe wakaŋga akafuma, asi mumŋe wakaŋga ari murombo.
2
Mufumi wakaŋga anamakwai neŋombe zhinji kwaɀo;
3
asi murombo wakaŋga asinecinhu, asi gwaiana rimŋe ɗuku reshece, raakaŋga ateŋga, akarirera; rikakura kwaari pamŋe cete naʋana ʋake, rikadya ɀokudya ɀake, nokunwira pamukombe wake, nokuʋata pacifuʋa cake, rikafanana nomukunda wake.
4
Ɀino mufambi wakati aciȿika kumufumi, iye akaramba kutora cipfuwo kumakwai ake kana kuŋombe dzake, kuti acigadzirire mufambi wakaŋga aȿika kwaari, asi wakatora gwaiana romurombo, akarigadzirira munhu wakaŋga aȿika kwaari.
5
Ipapo kutsamŋa kwaDavidi kwakamukira munhu uyu kwaɀo, akati kunaNatani: NaJehova mupenyu, munhu wakaita kuɗai, unofanira kufa.
6
Ʋuye unofanira kuripira gwaiana iro namanna, ɀaakaita iɀoɀo, ʋuye ɀaakaŋga asinenyasha.
7
Natani akati kunaDavidi: Ndiwe munhu uyo! Ɀanzi naJehova Mŋari waIsraeri: Ndakakuzodza iwe kuti uʋe mambo waIsraeri, ndikakurwira paruʋoko rwaSauro,
8
ndikakupa imba yatenzi ʋako, naʋakadzi ʋatenzi ʋako pacifuʋa cako, ndikakupa imba yaIsraeri neyaJuda; ʋuye ɗai iɀo ɀisino‐kuriŋgana, ndaikuwedzera ɀokuti neɀokuti.
9
Waɀidzireiko shoko raJehova, ukaita ɀakaipa pamberi pake? Waʋuraya Uria muHiti nomunondo, ukatora mukadzi wake kuti aʋe mukadzi wako, ukamuʋurayisa nomunondo waʋaAmoni.
10
Naiɀoɀo ɀino munondo hauŋgabvi paimba yako nokusiŋgaperi; nokuti wakandiɀidza, ukatora mukadzi waUria muHiti kuti aʋe mukadzi wako.
11
Ɀanzi naJehova: Ndicakumutsira ɀakaipa ɀicabva mumba mako, ndicatora ʋakadzi ʋako pamberi pako ndiciʋapa waugere naye, iye ucaʋata naʋakadzi ʋako masikati macena.
12
Nokuti iwe wakaɀiita pakaʋanda, asi ini ndicaɀiita pamberi paʋaIsraeri ʋose, ari masikati macena.
13
Ipapo Davidi akati kunaNatani: Ndatadzira Jehova. Natani akati kunaDavidi: Jehova wakaŋganwira ʋo ɀiʋi ɀako; hauŋgafi.
14
Kunyaŋge ɀakaɗaro, ɀawakaɓatsira kwaɀo ʋaʋeŋgi ʋaJehova kumumhura necinhu ici cawaita, uyo mŋana wawaɓerekerwa, ɀirokwaɀo ucafa.
15
Natani akabva, akaenda kumba kwake. Jehova akaroʋa mŋana wakaŋga aɓerekerwa Davidi nomukadzi waUria, akarwara kwaɀo.
16
Naiɀoɀo Davidi akanyeŋgeterera mŋana kunaJehova, akaɀinyima ɀokudya, akapinda, akaʋata pasi ʋusiku bgose.
17
Ʋakuru ʋeimba yake ʋakasimuka, ʋakaenda kwaari, ʋakaɗa kumumutsa pasi; asi iye wakaramba, akasadya ʋo ɀokudya naʋo.
18
Ɀino nezuʋa recinomŋe mŋana akafa. Ʋaranda ʋaDavidi ʋakatya kumuʋudza kuti mŋana wafa, nokuti ʋakati: Tarirai, mŋana aciri mupenyu, takataura naye, akasaterera manzwi eɗu; ɀino ucatambudzika seiko, kana tikamuʋudza kuti mŋana wafa.
19
Asi Davidi wakati aciʋona kuti ʋaranda ʋake ʋanoita zeʋe‐zeʋe, Davidi akaziʋa kuti mŋana wafa; Davidi akati kuʋaranda ʋake: Mŋana wafa here? Iʋo ʋakati: Wafa.
20
Ipapo Davidi akasimuka pasi, akashamba, akazora mafuta, akafuka dzimŋe ŋguʋo, akapinda mumba maJehova, akanamata; ipapo akaenda kumba kwake, akakumbira ɀokudya, ʋakamupa, akadya.
21
Ipapo ʋaranda ʋake ʋakati kwaari: Ndokuɗiniko? Aciri mupenyu makaɀinyima ɀokudya, mukacema mŋana, asi ɀino mŋana wakati afa, mukasimuka mukadya ɀokudya.
22
Iye akati: Mŋana aciri mupenyu ndakaɀinyima ɀokudya, ndikacema, nokuti ndakati: Ndianiko uŋgaziʋa, ɀimŋe Mŋari uŋgandinzwira tsitsi, mŋana akararama hake?
23
Asi ɀino wafa hake, ndicaɀinyimireiko ɀokudya? Ndiŋgamudzosa ɀe here? Ini ndicaenda kwaari, asi iye haaŋgadzokeri kwandiri.
24
Davidi akanyaradza mukadzi wake Bati‐sheba, akapinda kwaari, akaʋata naye, iye akaɓereka mŋanakomana, akamutumidza zita rinonzi Soromoni. Iye akaɗikanwa naJehova.
25
Jehova akatuma shoko nomuromo waNatani muprofita, akamutumidza zita rinonzi Jedidia, nokuɗa kwaJehova.
26
Ɀino Joabi akandorwa neRaba, guta raʋana ʋaAmoni, akakunda muzinda.
27
Joabi akatuma nhume kunaDavidi, akati: Ndandorwa neRaba, ndikakunda guta remvura.
28
Naiɀoɀo ɀino, ʋuŋganidzai ʋanhu ʋakasara, mudzike matente enyu paguta, murikunde, ini ndirege kuzokunda guta, rikatumidzwa zita raŋgu.
29
Davidi akaʋuŋganidza ʋanhu ʋose, ʋakaenda Raba, ʋakarwa naro, ʋakarikunda.
30
Akabvisa korona yamambo waʋo pamusoro wake; iyo yakaȿika tarenta rimŋe rendarama pakurema kwayo, ʋuye yakaŋga inamabge anokosha, ikaiswa pamusoro waDavidi. Akapamba ɀizhinji kwaɀo paguta iro.
31
Akaɓuɗisa ʋo ʋanhu ʋakaŋga ʋari’mo, akaʋaɓatisa namajeko, nembambo dzamatare, namasanhu amatare, akaʋaseʋenzesa pakuita ɀitina; akaita saiɀoɀo namaguta ose aʋana ʋaAmoni. Davidi naʋanhu ʋose ʋakadzokera Jerusarema.
← Chapter 11
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 13 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24