bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
2 Samuel 7
2 Samuel 7
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 6
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 8 →
1
Ɀino mambo wakati agere mumba make, Jehova amuzorodza paʋaʋeŋgi ʋake ʋose ʋakaŋga ʋakamupoteredza,
2
mambo akati kumuprofita Natani: Ɀino tarira, ini ndigere muimba yomusidari, asi areka yaMŋari igere pakati pemiceka.
3
Natani akati kunamambo: Endai, muite henyu ɀose ɀiri mumŋoyo menyu, nokuti Jehova unemi.
4
Ɀino noʋusiku ubgo shoko raJehova rakaȿika kunaNatani, riciti:
5
Enda undoʋudza muranda waŋgu Davidi, uti: Ɀanzi naJehova: Iwe ucandiʋakira imba mandiŋgagara here?
6
Nokuti handina‐kugara mumba kubva pazuʋa randakandotora ʋana ʋaIsraeri Egipita kuȿikira zuʋa ranhasi, asi ndaifamba mutente nomutabernakeri.
7
Pose pandakafamba naʋana ʋaIsraeri ʋose, ndakatoŋgotaura here shoko rimŋe kunomumŋe waʋatoŋgi ʋaIsraeri, ʋandakaraira kufudza ʋanhu ʋaŋgu ʋaIsraeri, ndiciti: Makaregereiko kundiʋakira imba yomusidari?
8
Naiɀoɀo ɀino, unofanira kuti kumuranda waŋgu Davidi: Ɀanzi naJehova wehondo: Ndakakutora kumafuro, kwawakaŋga ucifudza makwai, kuti uʋe muɓati waʋanhu ʋaŋgu ʋaIsraeri;
9
ndikaʋa newe pose pawakafamba, ndikaparadza ʋaʋeŋgi ʋako ʋose pamberi pako; ndicakuitira zita guru, riŋgafanana namazita aʋakuru ʋari panyika.
10
Ndicatarira ʋanhu ʋaŋgu ʋaIsraeri nɀimbo, ndicaʋasima, ʋagare panɀimbo yaʋo, ʋarege kubviswa ɀe; naʋakaipa haʋaŋgaʋatambudzi ɀe sapakutaŋga,
11
nokubva pazuʋa randakaraira ʋatoŋgi kuti ʋaɓate ʋanhu ʋaŋgu ʋaIsraeri. Asi iwe ndicakuzorodza paʋaʋeŋgi ʋako ʋose. Ʋuye ɀe Jehova unokuʋudza kuti Jehova ucakumisira imba.
12
Kana ŋguʋa yako yaȿika, iwe ukaʋata namadziɓaɓa ako, ndicamutsa mumŋe worudzi rwako ucakuteʋera, ucaɓuɗa muʋura mako, ndikasimbisa ʋushe bgake.
13
Iye ucaʋakira zita raŋgu imba, neni ndicasimbisa cigaro cake coʋushe nokusiŋgaperi.
14
Ini ndicaʋa ɓaɓa ʋake, naiye ucaʋa mŋanakomana waŋgu; kana akazoita ɀakaipa, ndicamuraŋga neshamhu yaʋanhu, ʋuye nokurobga kwaʋana ʋaʋanhu;
15
asi nyasha dzaŋgu hadziŋgabvi kwaari, seɀandakadzibvisa kunaSauro, wandakabvisa pamberi pako.
16
Imba yako noʋushe bgako ɀicasimbiswa pamberi pako nokusiŋgaperi; necigaro cako coʋushe cicasimbiswa nokusiŋgaperi.
17
Natani akaʋudza Davidi mashoko awa ose, neɀose ɀaakaŋga aratidzwa.
18
Ipapo mambo Davidi akapinda, akagara pamberi paJehova, akati: Jehova Mŋari, ndini aniko, neimba yaŋgu cinyiko, ɀamakandiȿitsa kuȿikira pano?
19
Asi cinhu ici cakaŋga cici ciɗuku pamberi penyu, Jehova Mŋari, asi makataura ʋo pamsoro peimba yomuranda wenyu kuȿikira paŋguʋa huru inozoʋuya; asi iyi ndiyo tsika yaʋanhu, Jehova Mŋari!
20
Ko Davidi uŋgareʋei ɀe kwamuri? Nokuti munoziʋa henyu muranda wenyu, Jehova Mŋari.
21
Nokuɗa kweshoko renyu, ʋuye seɀamakafuŋga mumŋoyo menyu, makaita ɀinhu iɀi ɀikuru ɀose, kuɀiziʋisa muranda wenyu.
22
Naiɀoɀo muri mukuru, Jehova Mŋari, nokuti hakunomumŋe wakafanana nemi, hakunomumŋe Mŋari kunze kwenyu, seɀatakanzwa ɀose nenzeʋe dzeɗu.
23
Rumŋe rudzi ruripiko panyika rwakafanana naʋanhu ʋenyu ʋaIsraeri, ʋakandodzikinurwa naMŋari, ʋaʋe ʋanhu ʋake, kuti iye akurumbire, ʋuye akuitirei imi ɀinhu ɀikuru, nenyika yenyu ɀinhu ɀinotyisa, pamberi paʋanhu ʋenyu, ʋamakaɀidzikinurira paEgipita, ʋabve pakati paʋahedeni naʋamŋari ʋaʋo?
24
Mukaɀisimbisira ʋanhu ʋenyu ʋaIsraeri, kuti ʋaʋe ʋanhu ʋenyu nokusiŋgaperi; imi Jehova mukaʋa Mŋari waʋo.
25
Ɀino Jehova Mŋari, shoko ramakataura pamsoro pomuranda wenyu napamsoro peimba yake, murisimbisei henyu nokusiŋgaperi, muite seɀamakataura.
26
Zita renyu ŋgarikudzwe nokusiŋgaperi, ɀicinzi: Jehova wehondo ndiMŋari waIsraeri; imba yomuranda wenyu Davidi icasimbiswa pamberi penyu.
27
Nokuti imi Jehova wehondo, Mŋari waIsraeri, makaziʋisa muranda wenyu, muciti: Ndicakuʋakira imba; naiɀoɀo muranda wenyu wakatsuŋga kunyeŋgetera munyeŋgetero uyu kwamuri.
28
Ɀino Jehova Mŋari, ndimi Mŋari, ʋuye mashoko enyu ndeeɀokwaɗi, makapikira muranda wenyu cinhu ici cakanaka;
29
naiɀoɀo ɀino ciropafadzai henyu imba yomuranda wenyu, kuti irambe iri’po pamberi penyu nokusiŋgaperi, nokuti imi Jehova Mŋari makataura saiɀoɀo; imba yomuranda wenyu ŋgairopafadzwe nokuropafadza kwenyu nokusiŋgaperi.
← Chapter 6
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 8 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24