bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
2 Samuel 3
2 Samuel 3
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 4 →
1
Ɀino kwakaŋga kunokurwa ŋguʋa huru pakati peimba yaSauro neimba yaDavidi; Davidi akaramba aciwedzerwa simba, asi imba yaSauro yakaramba icitorerwa simba.
2
Davidi akaɓerekerwa ʋanakomana paHebroni; ɗaŋgwe rake raiʋa Amoni, mŋanakomana waAhinoami muJezreeri;
3
wecipiri waiʋa Kireabi, mŋanakomana waAbigairi, waiʋa mukadzi waNabari muKarmeri; wecitatu waiʋa Absaromi, mŋanakomana waMaaka, mukunda waTarmai, mambo weGeshuri;
4
wecinna waiʋa Adonia, mŋanakomana waHagiti; wecishanu waiʋa Shefatia, mŋanakomana waAbitari;
5
wecitanhatu waiʋa Itreami, mŋanakomana waEgra mukadzi waDavidi. Ndiʋo ʋakaɓerekerwa Davidi paHebroni.
6
Ɀino kurwa kwakati kuri’po pakati peimba yaSauro neimba yaDavidi, Abineri akaɀisimbisa paimba yaSauro.
7
Ɀino Sauro wakaŋga anomuroŋgo, wainzi Rizpa, mukunda waAya; Ishi‐bosheti akati kunaAbineri: Wapindireiko kumuroŋgo waɓaɓa ʋaŋgu?
8
Ipapo Abineri akatsamŋa kwaɀo namashoko aIshi‐bosheti, akati: Ndiri musoro wembga yokwaJuda here? Ikonhasi ndinoitira imba yaSauro, ɓaɓa ʋako, naʋanuŋuna ʋake, nehama dzake, ɀakanaka, newe handina‐kukuisa paruʋoko rwaDavidi; kunyaŋge ɀakaɗaro, unondipomera mhaka nhasi pamsoro pomukadzi uyu.
9
Mŋari ŋgaaroʋe Abineri, arambe aciɗaro, kana ndisiŋgaitiri Davidi seɀakapika Jehova kwaari;
10
aciti ucatamisa ʋushe paimba yaSauro, amutse cigaro coʋushe caDavidi pakati paIsraeri naJuda, kubva paDani kuȿikira paBeeri‐sheba.
11
Akasagona kupindura Abineri kunyaŋge neshoko rimŋe, nokuti wakaŋga acimutya.
12
Ɀino Abineri akatuma nhume kunaDavidi kwaakaŋga ari, akati: Nyika iyi ndeyaniko? Akati: Ita suŋgano neni, ruʋoko rwaŋgu ruʋe newe, ndiʋuyise ʋaIsraeri ʋose kwauri.
13
Akati: Ɀakanaka, ndicaita suŋgano newe, asi ndinokuʋudza cinhu cimŋe, kuti hauŋgaʋoni ciso caŋgu, kana usiŋgaʋuyi naMikari, mukunda waSauro, kana uciʋuya kuzoʋona ciso caŋgu.
14
Davidi akatuma nhume kunaIshi‐bosheti, mŋanakomana waSauro, akati: Ndipe Mikari mukadzi waŋgu, wandakanyeŋga neɀikanda ɀapamberi ɀaʋaFiristia ɀinezana.
15
Ipapo Ishi‐bosheti akatuma nhume kundomutora kumurume wake Partieri, mŋanakomana waRaishi.
16
Murume wake akamuteʋera aciŋgocema, kuȿikira paBahurimi. Ipapo Abineri akati kwaari: Enda, udzoke; iye akadzoka hake.
17
Abineri akaraŋgana naʋakuru ʋaIsraeri, akati: Kare makaŋga mucitȿaka Davidi kuti aʋe mambo wenyu.
18
Naiɀoɀo ɀino ciitai henyu kuɗaro, nokuti Jehova wakataura pamsoro paDavidi, akati: Noruʋoko rwomuranda waŋgu Davidi ndicaponesa ʋanhu ʋaŋgu ʋaIsraeri pamaʋoko aʋaFiristia, napamaʋoko aʋaʋeŋgi ʋaʋo ʋose.
19
Abineri akataura ʋo naʋaBenjamini, Abineri akaenda akataura ʋo naDavidi, ɀose ɀakaŋga ɀicifadza Israeri neimba yose yaBenjamini.
20
Naiɀoɀo Abineri akaȿika kunaDavidi paHebroni, anaʋarume ʋanamakumi maʋiri. Davidi akaitira Abineri naʋanhu ʋakaŋga ʋanaye mutambo.
21
Abineri akati kunaDavidi: Ndicasimuka, ndikaenda kundoʋuŋganidzira ishe waŋgu mambo ʋaIsraeri ʋose, kuti ʋaite suŋgano nemi, muɓate ʋushe pose pamunoɗa napo nomŋoyo wenyu. Davidi akaendisa Abineri, akaenda norugare.
22
Ɀino ʋaranda ʋaDavidi naJoabi ʋakadzoka pakundopambara, ʋakaʋuya neɀakapambga ɀizhinji; asi Abineri wakaŋga asi’po kunaDavidi paHebroni, nokuti wakaŋga amuendisa, akaenda hake norugare.
23
Ɀino Joabi nehondo yose yakaŋga inaye ʋakati ʋaȿika, Joabi akaʋudzwa, ɀicinzi: Abineri, mŋanakomana waNeri, wakaȿika kunamambo, akaendiswa hake norugare.
24
Ipapo Joabi akaenda kunamambo, akati: Maiteiko? Tarirai, Abineri wakaŋga aȿika kwamuri, mamuregereiko acienda, ɀino waenda cose?
25
Munoziʋa Abineri mŋanakomana waNeri, kuti wakaŋga aʋuya kuzokunyeŋgerai, aziʋe kuɓuɗa kwenyu nokupinda kwenyu, nokuziʋa ɀose ɀamunoita.
26
Joabi akati aɓuɗa kunaDavidi, akatuma nhume dziteʋere Abineri, idzo dzikamudzora patsime reSira; asi Davidi wakaŋga asiŋgaɀiziʋi.
27
Ɀino Abineri wakati adzoswa Hebroni, Joabi akaenda naye ʋari ʋoga pakati pesuʋo, kuti ataurirane naye ʋari ʋoga, akamuɓaya’po nomuɗumbu, akafa, nokuɗa kweropa romunuŋuna wake Asaheri.
28
Pashure Davidi wakati aciɀinzwa, akati: Ini noʋushe bgaŋgu hatinemhoȿa pamberi paJehova nokusiŋgaperi pamsoro peropa raAbineri mŋanakomana waNeri;
29
ŋgaɀiʋe pamusoro waJoabi napamsoro peimba yose yaɓaɓa ʋake; imba yaJoabi igare inaʋanhu ʋanehosha yokuyerera, kana ʋanamaperembudzi, kana ʋanoɗonɀa nomuɗonɀo, kana ʋanoʋurawa nomunondo, kana ʋanoshaiwa ɀokudya.
30
Naiɀoɀo Joabi naAbishai munuŋuna wake ʋakaʋuraya Abineri, nokuti wakaŋga aʋuraya munuŋuna waʋo Asaheri pakurwa paGibeoni.
31
Ɀino Davidi akati kunaJoabi, nokunaʋanhu ʋose ʋakaŋga ʋanaʋo: Bvarurai ŋguʋo dzenyu, musimire magumbu paɀiʋuno ɀenyu, muceme pamberi paAbineri. Mambo Davidi akateʋera bganyanza.
32
Ʋakaʋiga Abineri paHebroni, mambo akacema kwaɀo pabgiro bgaAbineri; naʋanhu ʋose ʋakacema.
33
Mambo akacema Abineri, akati: Abineri waifanira kufa nomufire weɓenzi here?
34
Maʋoko ako akaŋga asino‐kusuŋgwa, namakumbo ako akaŋga asino‐kupinzwa mumatare; Iwe wakafa sokufa kwomunhu pamberi paʋana ʋeɀakaipa. Ʋanhu ʋose ʋakamucema ɀe.
35
Ɀino ʋanhu ʋose ʋakaʋuya kuzokurudzira Davidi kudya ɀokudya aciri masikati; asi Davidi wakapika, akati: Mŋari ŋgaandiroʋe, arambe aciɗaro, kana ndikaraʋira ciŋgwa kana cimŋe cinhu zuʋa ricigere kuʋira.
36
Ʋanhu ʋose ʋakaɀiʋona, ʋakafara naɀo, nokuti ɀose ɀineŋge ɀakaŋga ɀiciitwa namambo ɀakafadza ʋanhu ʋose.
37
Naiɀoɀo ʋanhu ʋose naʋaIsraeri ʋose ʋakaziʋa kuti wakaŋga asi mambo wakaraira kuti Abineri mŋanakomana waNeri aʋurawe.
38
Ɀino mambo akati kuʋaranda ʋake: Hamuziʋi here kuti nhasi mucinda nomunhu mukuru wafa pakati paIsraeri?
39
Ini nhasi handinesimba, kunyaŋge ndiri mambo wakazodzwa; ʋarume aʋa ʋanakomana ʋaZeruya ʋanondikurira; Jehova ŋgaatsiʋe muiti weɀakaipa ɀakafanira kuipa kwake.
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 4 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24