bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
2 Samuel 10
2 Samuel 10
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 9
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 11 →
1
Shure kwaiɀoɀo mambo waʋana ʋaAmoni wakafa, Hanuni mŋanakomana wake akaɓata ʋushe panɀimbo yake.
2
Ɀino Davidi akati: Ndicaitira Hanuni mŋanakomana waNahashi ɀakanaka, seɀandakaitirwa ɀakanaka naɓaɓa ʋake. Naiɀoɀo Davidi akatuma ʋaranda ʋake kumuɓata ruʋoko pamsoro paɓaɓa ʋake. Ʋaranda ʋaDavidi ʋakaȿika kunyika yaʋana ʋaAmoni.
3
Asi macinda aʋana ʋaAmoni akati kunaHanuni ishe waʋo: Munofuŋga kuti Davidi unoɗa kukudza ɓaɓa ʋenyu ɀaatuma ʋaɓati ʋoruʋoko kwamuri here? Davidi haana‐kutuma ʋaranda ʋake kwamuri kuti anɀere guta nokurishora, nokuriputsa here?
4
Naiɀoɀo Hanuni akaɓata ʋaranda ʋaDavidi, akaʋeʋura rumŋe rutiʋi rwendebvu dzaʋo, akagura ŋguʋo dzaʋo napakati kuȿikira pamagaro aʋo, akaʋadziŋga.
5
Ɀino ʋakati ʋaʋudza Davidi iɀoɀo, akatuma ʋanhu kundosoŋgana naʋo; nokuti ʋarume ʋakaŋga ʋacinyara kwaɀo. Mambo akati: Garai henyu Jeriko kuȿikira ndebvu dzenyu dzamera ɀe, mugodzoka henyu.
6
Ɀino ʋana ʋaAmoni ʋakati ʋaciʋona kuti ʋoʋeŋgwa naDavidi, ʋana ʋaAmoni ʋakatuma nhume ʋakaripira ʋaSiria ʋeBeti‐rehobi, naʋaSiria ʋeZoba, ʋaifamba namakumbo ʋaneɀuru ɀinamakumi maʋiri, namambo weMaaka anaʋarume ʋanecuru cimŋe, naʋarume ʋeTobi ʋaneɀuru ɀinegumi neɀiʋiri.
7
Davidi wakati aɀinzwa, akatuma Joabi nehondo yose yaʋarume ʋanesimba.
8
Ʋana ʋaAmoni ʋakaɓuɗa, ʋakagadzira hondo paʋanopinda napo pasuʋo; ʋaSiria ʋeZoba, naʋeRehobi, naʋarume ʋeTobi neMaaka ʋakaŋga ʋari pacaʋo ʋoga pasaŋgo.
9
Ɀino Joabi wakati aciʋona kuti woʋaʋarirwa mberi neshure, akatsaura ʋamŋe kunaʋakatsaurwa ʋose ʋaIsraeri, akaʋagadzira kuti ʋarwe naʋaSiria.
10
Ʋamŋe ʋanhu, ʋakaŋga ʋasara, akaʋaisa kunaAbishai, munuŋuna wake, akaʋagadzira kuti ʋarwe naʋana ʋaAmoni.
11
Akati: Kana ʋaSiria ʋakandikurira, iwe unofanira kundiɓatsira; asi kana ʋana ʋaAmoni ʋakakukurira iwe, ini ndicaʋuya kukuɓatsira.
12
Tsuŋga mŋoyo, tirwire ʋanhu ʋeɗu namaguta aMŋari weɗu saʋarume; naJehova ŋgaaite seɀaanoɗa.
13
Naiɀoɀo Joabi naʋanhu ʋaakaŋga anaʋo ʋakasweɗera kuzorwa naʋaSiria, iʋo ʋakatiza pamberi pake.
14
Ɀino ʋana ʋaAmoni ʋakati ʋaciʋona kuti ʋaSiria ʋatiza, naiʋo ʋakatiza ʋo saiɀoɀo pamberi paAbishai, ʋakapinda muguta. Ipapo Joabi akadzoka kuʋana ʋaAmoni, akaȿika Jerusarema.
15
Ɀino ʋaSiria ʋakati ʋaciʋona kuti ʋakundwa naʋaIsraeri ʋakaʋuŋgana,
16
Hadarezeri akatuma ʋanhu kundotora ʋaSiria ʋakaŋga ʋari mhiri kwoRwizi, ʋakaȿika paHerami, ʋakatuŋgamirirwa naShobaki mukuru wehondo yaHadarezeri.
17
Davidi akaʋudzwa iɀoɀo; akaʋuŋganidza ʋaIsraeri ʋose, ʋakayambuka Joridani, ʋakaȿika paHerami. ƲaSiria ʋakaɀigadzira, ʋakarwa naDavidi.
18
ƲaSiria ʋakatiza pamberi paʋaIsraeri; Davidi akaʋuraya kuʋaSiria ʋarume ʋeŋgoro dzinamazana manomŋe, naʋataȿi ʋamabiza ʋaneɀuru ɀinamakumi manna, akaʋuraya ʋo Shobaki mukuru wehondo yaʋo, akafira’po.
19
Ɀino madzimambo ose, akaŋga ari ʋaranda ʋaHadarezeri, ʋakati ʋaciʋona kuti ʋakundwa naʋaIsraeri, ʋakayanana naʋaIsraeri, ʋakaʋashumira. Naiɀoɀo ʋaSiria ʋakatya kuzoɓatsira ʋana ʋaAmoni.
← Chapter 9
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 11 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24