bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
2 Samuel 17
2 Samuel 17
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 16
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 18 →
1
Ɀino Ahitoferi wakati kunaAbsaromi: Nditenderei ɀino nditsaure ʋarume ʋaneɀuru ɀinegumi neɀiʋiri, ndisimuke, nditeʋerere Davidi ʋusiku bguno;
2
ndimuʋambe akaneta, asinesimba, ndimutyise, ʋanhu ʋose ʋaanaʋo ʋatize; ini ndicaʋuraya mambo oga.
3
Ipapo ndicadzosera ʋanhu ʋose kwamuri; kana mawana munhu mumŋe wamunotȿaka, ʋanhu ʋose ʋacadzoka; naiɀoɀo ʋanhu ʋose ʋacaʋa norugare.
4
Shoko iro rikafadza Absaromi naʋakuru ʋose ʋaIsraeri.
5
Ipapo Absaromi akati: Ƌanai Hushai muArki ʋo, tinzwe ɀaanotaura.
6
Hushai wakati aȿika kunaAbsaromi, Absaromi akataura naye akati: Ahitoferi wataura ɀokuti neɀokuti; ɀino toita seɀaakataura here? Kana tisiŋgafaniri kuɗaro, taura iwe.
7
Hushai akati kunaAbsaromi: Zano ramapiwa ŋguʋa ino naAhitoferi harina‐kunaka.
8
Hushai akawedzera, akati: Munoziʋa ɓaɓa ʋenyu naʋanhu ʋaʋo, kuti ʋanhu ʋoʋumhare, ɀino ʋaneshuŋgu pamŋoyo paʋo, seɓere ratorerwa ʋana ʋaro kusaŋgo; ɓaɓa ʋenyu munhu wokurwa, haʋaŋgaʋati naʋanhu.
9
Tarirai, ɀino ʋandoʋanda paɓako, kana pamŋe; ɀino kana ʋamŋe ʋakataŋga kuʋurawa, aninani unoɀinzwa ucati: Ʋanhu, ʋanoteʋera Absaromi, ʋoʋurawa.
10
Ipapo kunyaŋge munhu wemhare, unomŋoyo wakafanana noweshumba, ucaʋora mŋoyo, nokuti ʋaIsraeri ʋose ʋanoziʋa kuti ɓaɓa ʋenyu imhare, naiʋo ʋaʋanaʋo ʋanhu ʋoʋumhare ʋo.
11
Ɀino zano raŋgu ndiro, kuti ʋaIsraeri ʋose ʋaʋuŋganidzwe kwamuri, kubva paDani kuȿikira paBeeri‐sheba, ʋawande sejeca riri paguŋgwa; nemi ʋo muende mumene kuhondo.
12
Naiɀoɀo ticamuʋamba paaneŋge aciwanikwa, tigomhara pamsoro pake somumharire weʋeta pasi; hatiŋgasiyi kunyaŋge mumŋe waʋo, kunyaŋge iʋo kunyaŋge ʋanhu ʋaʋanaʋo.
13
Ʋuye, kana ʋakapinda muguta, ʋaIsraeri ʋose ʋaŋgaʋuya namaɓote kuguta iro, tirikweʋere murwizi, kuȿikira pacishaikwa kunyaŋge ibge rimŋe ɗuku.
14
Ipapo Absaromi naʋarume ʋose ʋaIsraeri ʋakati: Zano raHushai muArki rakanaka kukunda zano raAhitoferi. Nokuti Jehova wakaŋga atema kuti zano rakanaka raAhitoferi rikoneswe, kuti Jehova apinze Absaromi panjodzi.
15
Ɀino Hushai akati kunaZadoki nokunaAbiatari ʋaprista: Ahitoferi wakapa Absaromi naʋakuru ʋaIsraeri zano rokuti nerokuti, asi ini ndakaʋapa zano rokuti nerokuti.
16
Naiɀoɀo ɀino, tumai munhu pakarepo, aʋudze Davidi, ati: Regai kuʋata ʋusiku bguno kumazambuko erenje, asi munofanira kuyambuka, kuti mambo arege kumedzwa naʋanhu ʋose ʋaanaʋo.
17
Ɀino Jonatani naAhimazi ʋakaŋga ʋari paEni‐rogeri, murandakadzi akaenda kundoʋaʋudza; iʋo ʋakandoʋudza mambo Davidi, nokuti haʋazaifanira kuʋonekwa ʋacipinda paguta.
18
Asi mumŋe mukomana wakaʋaʋona, akandoʋudza Absaromi; iʋo ʋaʋiri ʋakakurumidza kuenda, ʋakaȿika paimba yomumŋe munhu paBahurimi; iye wakaŋga anetsime paruʋazhe rwake, iʋo ʋakaɓurukira’mo.
19
Mukadzi akatora cokufukidzira naco, akaciwarira pamsoro pomuromo wetsime, akanika ɀiyo ɀakaswiwa pamsoro paco; hakunecinhu cakazozikanwa.
20
Ɀino ʋaranda ʋaAbsaromi ʋakaȿika kumukadzi kumba, ʋakati: Ahimaazi naJonatani ʋaripiko? Mukadzi akati kwaʋari: Ʋayambuka rukoʋa. Iʋo ʋakaʋatȿaka, ʋakaʋashaiwa, ʋakadzokera Jerusarema.
21
Ɀino ʋakati ʋabva, iʋo ʋakaɓuɗa mutsime, ʋakandoʋudza mambo Davidi; ʋakati kunaDavidi: Simukai, mukurumidze kuyambuka mvura, nokuti Ahitoferi wakapa zano rokuti nerokuti pamsoro penyu.
22
Davidi akasimuka, naʋanhu ʋose ʋaakaŋga anaʋo, ʋakayambuka Joridani; kwakati kwoedza maŋgwanani, kwakaŋga kusinomumŋe waʋo wakaŋga acigere kuyambuka Joridani.
23
Ɀino Ahitoferi wakati aciʋona kuti ʋakaŋga ʋasinehanya nezano rake, akaisa cigaro pamsoro pemboŋgoro yake, akasimuka, akaenda kumba kwake kuguta rake, akaraira ʋose ʋeimba yake, akaɀisuŋgirira, akafa, akaʋigwa mubgiro bgaɓaɓa ʋake.
24
Ɀino Davidi akaȿika Mahanaimi. Absaromi akayambuka Joridani, iye naʋarume ʋose ʋaIsraeri, ʋaakaŋga anaʋo.
25
Absaromi akagadza Amasa aʋe mutuŋgamiriri wehondo panɀimbo yaJoabi. Amasa wakaŋga ari mŋanakomana womunhu wainzi Jitra muIsraeri, wakaŋga apinda kunaAbigairi, mukunda waNahasi, munuŋuna waZeruya, mai ʋaJoabi.
26
ƲaIsraeri naAbsaromi ʋakadzika matente aʋo panyika yeGireadi.
27
Ɀino Davidi wakati aciȿika paMahanaimi, Shobi mŋanakomana waNahashi weRaba, waʋana ʋaAmoni, naMakiri mŋanakomana waAmieri weRo‐debari, naBarzirai muGireadi weRogerimi,
28
ʋakaʋuya nenhoʋo, nehari, nemidziyo yevu, neɀiyo, nebari, noʋupfu, neɀiyo ɀakakaŋgwa, nenyimo, nenyemba, neɀakakaŋgwa,
29
noʋuci, namafuta, namakwai, namapundu omukaka, kuti Davidi naʋanhu ʋose ʋaakaŋga anaʋo ʋadye; nokuti ʋakati: Ʋanhu ʋanenzara, ʋaneta, ʋanenyota murenje.
← Chapter 16
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 18 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24