bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
2 Samuel 18
2 Samuel 18
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 17
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 19 →
1
Ɀino Davidi akaʋereŋga ʋanhu ʋaakaŋga anaʋo, akagadza ʋakuru ʋeɀuru naʋakuru ʋamazana pamsoro paʋo.
2
Davidi akatuma ʋanhu, cetatu caʋo ʋacirairwa naJoabi, necetatu caʋo ʋacirairwa naAbishai mŋanakomana waZeruya, munuŋuna waJoabi, necetatu caʋo ɀe ʋacirairwa naItai muGiti. Mambo akati kuʋanhu: Ɀirokwaɀo, neni ʋo ndimene ndicaenda nemi.
3
Asi ʋanhu ʋakati: Hamuŋgaendi, nokuti kana tikatiza isu, haʋaŋgaʋi nehanya nesu; kunyaŋge hafu yaʋanhu ʋeɗu ʋakaʋurawa, haʋaŋgaʋi nehanya nesu; asi imi makafanana naʋanhu ʋeɗu ʋaneɀuru ɀinegumi; naiɀoɀo ɀirinani kuti mugare makaɀigadzira kuzotiɓatsira muri muguta.
4
Mambo akati kwaʋari: Ndicaita seɀamunofuŋga. Mambo akandomira kurutiʋi rwesuʋo, ʋanhu ʋose ʋakaɓuɗa ʋaciita mazana‐mazana neɀuru‐ɀuru.
5
Ɀino mambo akaraira Joabi naAbishai naItai, akati: Nzwirai henyu jaya nyasha, iye Absaromi, nokuɗa kwaŋgu. Ʋanhu ʋose ʋakanzwa mambo aciraira ʋakuru ʋose pamsoro paAbsaromi.
6
Ɀino ʋanhu ʋakaɓuɗira kusaŋgo kundorwa naIsraeri, ʋakarwa muɗondo raEfraimi.
7
Ʋanhu ʋaIsraeri ʋakakundwa’po pamberi paʋaranda ʋaDavidi, ʋakaʋuraya ʋanhu ʋazhinji‐zhinji zuʋa iro ʋakaȿika ɀuru ɀinamazana maʋiri.
8
Nokuti kurwa kwakapararira panyika yose, ɗondo rikaparadza ʋanhu ʋazhinji kukunda ʋakaparadzwa nomunondo.
9
Ɀino Absaromi akasoŋgana naʋaranda ʋaDavidi. Absaromi wakaŋga akataȿa hesera rake, hesera rikapinda napasi pamataʋi makobvu omuouki mukuru, musoro wake ukaɓatwa pamuouki, iye ndokurembera pakati peɗeŋga napasi; hesera raakaŋga akataȿa rikaramba ricifamba.
10
Ɀino mumŋe murume akaɀiʋona, akandoʋudza Joabi, akati: Tarira, ndaʋona Absaromi akarembera mumuouki.
11
Joabi akati kumunhu wakamuʋudza: Wakaɀiʋona, ukaregereiko kumuɓaya ipapo? Ndiŋgaɗai ndakakupa masirveri anegumi nebanhire.
12
Murume akati kunaJoabi: Kunyaŋge ndikapiwa masirveri anecuru muruʋoko rwaŋgu, handiŋgatambanudziri ruʋoko rwaŋgu kumŋanakomana wamambo, nokuti mambo wakaraira imi naAbishai naItai, isu ticiɀinzwa, akati: Cenjerai kuti kusaʋa nomunhu unogunɀa jaya, iye Absaromi.
13
Ƌai ndakaŋga ndamuʋuraya pakaʋanda (hakuneshoko rinoʋanzirwa mambo), imi muŋgaɗai mandiregera.
14
Ipapo Joabi akati: Handigoni kunonoka kuɗai newe pano. Ɀino akatora mapfumo matatu muruʋoko rwake, akaɓaya Absaromi nawo pamŋoyo, aciri mupenyu mukati momuouki.
15
Ipapo majaya anegumi, aiɓata nhumbi dzokurwa nadzo dzaJoabi, akakomba Absaromi, akamuɓaya, akamuʋuraya.
16
Ɀino Joabi akaridza hwamanda, ʋanhu ʋakadzoka pakuteʋerera ʋaIsraeri, nokuti Joabi wakadziʋisa ʋanhu.
17
Ʋakatora Absaromi, ʋakamukanda mugomba muɗondo, ʋakatutira pamsoro pake murwi mukuru wamabge; ʋaIsraeri ʋose ʋakatizira mumŋe nomumŋe kutente rake.
18
Ɀino Absaromi aciri mupenyu wakaŋga atora shoŋgwe akaɀimutsira iyo pamupata wamambo, nokuti wakati: Handinomŋanakomana uŋgayeudza ʋanhu zita raŋgu; akatumidza shoŋgwe iyo zita rake, rikanzi shoŋgwe yokuyeudzira Absaromi kuȿikira nhasi.
19
Ɀino Ahimaazi mŋanakomana waZadoki, akati: Regai ndimhanye ɀino ndindoʋudza mambo shoko iri, kuti Jehova wakamutsiʋa kuʋaʋeŋgi ʋake.
20
Joabi akati kwaari: Iwe hauŋgaendi neshoko nhasi, asi uŋgaenda neshoko rimŋe zuʋa; asi nhasi hauŋgaendi neshoko, nokuti mŋanakomana wamambo wafa.
21
Ɀino Joabi akati kumuKushi: Enda iwe undoʋudza mambo ɀawaʋona. MuKushi akakotamira pasi pamberi paJoabi, akamhanya.
22
Ahimaazi mŋanakomana waZadoki akati ɀe kunaJoabi: Kunyaŋge ɀakaɗaro haɀo, nditendere ndimhanye neni ʋo, nditeʋere muKushi. Joabi akati: Unoɗa kumhanyireiko, mŋana waŋgu, nokuti hauŋgapiwi muɓairo pamsoro peshoko?
23
Iye akati: Kunyaŋge ɀakaɗaro haɀo, ndicamhanya haŋgu. Akati kwaari: Mhanya hako. Ipapo Ahimaazi akamhanya nenzira yomuɓani, akapfuʋura muKushi.
24
Ɀino Davidi wakaŋga agere pakati pamasuʋo maʋiri, nharirire ikakwira paɗeŋga resuʋo paruȿiŋgo rweguta, akatarira, akaʋona murume acimhanya ari oga.
25
Nharirire ikaɗanidzira, ikaʋudza mambo. Mambo akati: Kana ari oga, uneshoko mumuromo make. Akaramba acifamba, akasweɗera.
26
Nharirire ikaʋona mumŋe munhu ɀe acimhanya; nharirire ikaɗanidzira kumutariri wesuʋo, ikati: Tarira, kunomumŋe munhu ɀe unomhanya ari oga. Mambo akati: Naiye unoʋuya neshoko.
27
Nharirire ikati: Ndinofuŋga kuti kumhanya kwowokutaŋga kwakafanana nokumhanya kwaAhimaazi mŋanakomana waZadoki. Mambo akati: Iye munhu wakanaka, unoʋuya neshoko rakanaka.
28
Ahimaazi akaɗanidzira akati kunamambo: Rugare! Akakotamira pasi neciso cake pamberi pamambo, akati: Jehova Mŋari wenyu ŋgaakudzwe, wakaisa kwamuri ʋanhu ʋakaŋga ʋatambanudzira maʋoko aʋo kunashe waŋgu mambo.
29
Mambo akati: Ko jaya, iye Absaromi, wakafara here? Ahimaazi akapindura, akati: Pakutumŋa kwomuranda wenyu, iyeni muranda wenyu, naJoabi, ndakaʋona nyoŋgano huru, asi ndakaŋga ndisiŋgaziʋi kuti cinyiko.
30
Mambo akati: Tseɗuka, umire pano. Akatseɗuka, akaramba amire’po.
31
Ɀino muKushi akaȿika. MuKushi akati: Ndineshoko kunashe waŋgu mambo; nokuti Jehova wakakutsiʋai nhasi kunaʋose ʋakaŋga ʋakumukirai.
32
Mambo akati kumuKushi: Ko jaya, iye Absaromi, wakafara here? MuKushi akapindura, akati: Ʋaʋeŋgi ʋashe waŋgu mambo, naʋose ʋanokumukirai, ŋgaʋaʋe sejaya iro.
33
Mambo akavunduka kwaɀo, akakwira kukamuri yakaŋga iri pamsoro pesuʋo, akacema; akaramba acifamba, aciti: Haiwa, mŋana waŋgu Absaromi, mŋana waŋgu, mŋana waŋgu Absaromi! Ndiŋgaɗai ndakafa haŋgu panɀimbo yako, haiwa Absaromi, mŋana waŋgu, mŋana waŋgu!
← Chapter 17
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 19 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24