bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
2 Samuel 21
2 Samuel 21
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 20
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 22 →
1
Ɀino pamazuʋa aDavidi kwakaŋga kunenzara makore matatu akateʋedzana; Davidi akabvunza Jehova. Jehova akati: Imhaka yaSauro neyeimba yake yeropa, nokuti ʋakaʋuraya ʋaGibeoni.
2
Mambo akaɗana ʋaGibeoni, akati kwaʋari; (ɀino ʋaGibeoni ʋakaŋga ʋasi ʋaʋana ʋaIsraeri, asi ndiʋo ʋakaŋga ʋasara kuʋaAmori; ndiʋo ʋakaŋga ʋapikirwa naʋaIsraeri; asi Sauro wakatȿaka kuʋaʋuraya nokushiŋgairira kwake ʋana ʋaIsraeri naʋaJuda;)
3
Davidi akati kuʋaGibeoni: Ndiŋgakuitirai inyi? Ndiŋgayananisa neiko, kuti muropafadze nhaka yaJehova?
4
ƲaGibeoni ʋakati kwaari: Haizi mhoȿa yesirveri kana yendarama pakati peɗu naSauro neimba yake, nesu hatiŋgafaniri kuʋuraya munhu pakati paIsraeri. Iye akati: Camunoreʋa ndicakuitirai ico.
5
Iʋo ʋakati kunamambo: Iye munhu, wakatipedza, wakatifuŋgira mano akaipa kuti tiparadzwe, tirege kugara panyika yose yaIsraeri,
6
ʋarume ʋanomŋe ʋaʋana ʋake ŋgaʋapiwe’su, tiʋasuŋgirire pamberi paJehova paGibea raSauro, mutsaurwa waJehova. Mambo akati: Ndicakupai iʋo.
7
Asi mambo wakarega Mefibosheti mŋanakomana waJonatani, mŋanakomana waSauro, nokuɗa kwokupika kwakaŋga kuri pakati paʋo pamberi paJehova, pakati paDavidi naJonatani mŋanakomana waSauro.
8
Asi mambo wakatora ʋana ʋaʋiri ʋaRizpa, mukunda waAya, ʋaakaŋga aɓerekera Sauro, Armoni naMefibosheti, naʋana ʋashanu ʋaMikari mukunda waSauro, ʋaakaŋga aɓerekera Adrieri mŋanakomana waBarzirai muMehorati;
9
akaʋaisa mumaʋoko aʋaGibeoni, iʋo ʋakaʋasuŋgirira pagomo pamberi paJehova, ʋakafa ʋari ʋanomŋe; ʋakaʋurawa pamazuʋa okukohwa, pamazuʋa okutaŋga, pakutaŋga kwokukohwa bari.
10
Ɀino Rizpa mukunda waAya wakatora makudza, akaɀiwarira iwo pamsoro peɗombo, kubva pakutaŋga kwokukohwa kuȿikira aniwa nemvura yakabva kuɗeŋga; haana‐kutendera shiri dzokuɗeŋga kumhara pamsoro pawo masikati, kana ɀikara ɀesaŋgo ʋusiku.
11
Ɀino Davidi akaʋudzwa ɀakaŋga ɀaitwa naRizpa mukunda waAya, muroŋgo waSauro;
12
Davidi akandotora mafupa aSauro namafupa aJonatani mŋanakomana wake kuʋarume ʋeJabeshi‐gireadi, ʋakaŋga ʋaaɓa panzira yeBeti‐shani, paʋakaŋga ʋaturikwa naʋaFiristia, pazuʋa rokuʋurawa kwaSauro naʋaFiristia paGirboa.
13
Akatora’po mafupa aSauro namafupa aJonatani mŋanakomana wake, ʋakaʋuŋganidza mafupa aʋakaŋga ʋaturikwa’po.
14
Ʋakaʋiga mafupa aSauro naaJonatani mŋanakomana wake panyika yaʋaBenjamini paZera, pabgiro bgaKishi ɓaɓa ʋake; ʋakaita ɀose ɀaʋakaŋga ʋarairwa namambo. Shure kwaiɀoɀo Mŋari akanzwira nyika tsitsi.
15
Ɀino ʋaFiristia ʋakarwa ɀe naʋaIsraeri; Davidi akaɓuruka naʋaranda ʋake kundorwa naʋaFiristia; Davidi akaneta.
16
Ɀino Ishbi‐benobi, mumŋe waʋanakomana ʋaRafa, waiʋa nepfumo rakaȿika pamashekeri anamazana matatu endarira pakurema kwaro, iye wakaŋga akashoŋga munondo mutȿa, akafuŋga kuʋuraya Davidi.
17
Asi Abishai mŋanakomana waZeruya wakamuɓatsira, akaɓaya muFiristia, akamuʋuraya. Ipapo ʋarume ʋaDavidi ʋakapika kwaari, ʋakati: Hamufaniri kuzoenda ɀe nesu kundorwa, kuti murege kuzodzima mŋenje waIsraeri.
18
Ɀino shure kwaiɀoɀo kurwa kwakazoʋa’po ɀe naʋaFiristia paGobi; Sibekai, muHushati, akaʋuraya Safi, mumŋe waʋanakomana ʋaRafa.
19
Ʋakarwa ɀe naʋaFiristia paGobi, Erhanani mŋanakomana waJaari‐oregimi weBeti‐rehemi akaʋuraya Goriati muGiti, rwiriko rwepfumo rake rwakaŋga rwakaita seɗanda romuruki.
20
Ʋakarwa ɀe paGati, paiʋa nomunhu murefu kwaɀo, waiʋa neminwe mitanhatu paruʋoko rumŋe norumŋe, neɀigunwe ɀitanhatu parutsoka rumŋe norumŋe, ɀaiȿika makumi maʋiri neɀinna pakuʋereŋgwa kwaɀo; naiye ʋo wakaŋga akaɓerekerwa Rafa.
21
Ɀino wakati acishoʋora ʋaIsraeri, Jonatani mŋanakomana waShimei, munuŋuna waDavidi akamuʋuraya.
22
Aʋa ʋanna ʋakaŋga ʋakaɓerekerwa Rafa paGati; ʋakaʋurawa naDavidi, ʋuye naʋaranda ʋake.
← Chapter 20
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 22 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24