bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
2 Samuel 19
2 Samuel 19
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 18
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 20 →
1
Ɀino Joabi akaʋudzwa, ɀicinzi: Tarira, mambo unocema nokuwuŋgudzira Absaromi.
2
Naiɀoɀo kukunda kwezuʋa iro kwakashandurwa kukaʋa kucema kwaʋanhu ʋose, nokuti ʋanhu ʋakanzwa zuʋa iro ɀicinzi: Mambo unocema mŋanakomana wake.
3
Ʋanhu ʋakapinda muguta zuʋa iro ʋaciʋereʋedza, saʋanhu ʋanonyara kana ʋacitiza kurwa.
4
Mambo akafukidza ciso cake, mambo akacema nenzwi guru, aciti: Haiwa, mŋana waŋgu Absaromi, Absaromi, mŋana waŋgu, mŋana waŋgu!
5
Ipapo Joabi akapinda mumba kunamambo, akati: Nhasi manyadza ɀiso ɀaʋaranda ʋenyu ʋose ʋakaponesa ʋupenyu bgenyu nhasi, noʋupenyu bgaʋanakomana naʋanasikana ʋenyu, noʋupenyu bgaʋakadzi ʋenyu, noʋupenyu bgaʋaroŋgo ʋenyu;
6
nokuti munoɗa iʋo ʋanokuʋeŋgai, muciʋeŋga ʋanokuɗai. Nokuti makatiratidza nhasi, kuti hamunehanya namacinda naʋaranda, nokuti nhasi ndaʋona, kuti ɗai Absaromi akaŋga aciri mupenyu, nesu tose takafa heɗu nhasi, maifarira iɀoɀo.
7
Naiɀoɀo ɀino simukai, muɓuɗe, mundotaura naʋaranda ʋenyu, muʋanyaradze; nokuti ndinokupikirai naJehova, kuti kana musiŋgaɓuɗi, hakunomunhu uŋgasara nemi ʋusiku bguno; iɀoɀo ɀiŋgaʋa ɀakaipa kwamuri kukunda ɀakaipa ɀose ɀakakuwirai kubva paʋuɗuku bgenyu kuȿikira ɀino.
8
Ipapo mambo akasimuka, akandogara pasuʋo. Ʋakaʋudza ʋanhu ʋose, ʋaciti: Tarirai, mambo ugere pasuʋo; ʋanhu ʋose ʋakaʋuya pamberi pamambo. Ɀino ʋaIsraeri ʋose ʋakaŋga ʋatizira mumŋe nomumŋe kutente rake.
9
Asi ʋanhu ʋose ʋakaŋga ʋaciita ɓope kumarudzi ose aʋaIsraeri, ʋaciti: Mambo wakatirwira pamaʋoko aʋaʋeŋgi ʋeɗu, akatiponesa pamaʋoko aʋaFiristia, ɀino wabva panyika acitiza Absaromi.
10
Asi Absaromi watakaŋga tazodza kuti aʋe mambo weɗu, wafa pakurwa. Ɀino munoregereiko kutaurirana kudzosa mambo?
11
Ɀino mambo Davidi wakatuma nhume kunaZadoki naAbiatari ʋaprista, akati: Taurai kuʋakuru ʋaJuda, muti: Imi munononokireiko kudzosa mambo kumba kwake? Nokuti mambo wakanzwa kuti ʋaIsraeri ʋose ʋanotaura kuti adzoswe kumba kwake.
12
Imi muri hama dzaŋgu, muri mafupa aŋgu nenyama yaŋgu: ɀino munononokirei kudzosa mambo?
13
Ɀino muti kunaAmasa: Iwe hauzi fupa raŋgu nenyama yaŋgu here? Mŋari ŋgaandiroʋe, arambe aciɗaro, kana iwe usiŋgazoʋi mukuru wehondo ŋguʋa yose pamberi paŋgu panɀimbo yaJoabi.
14
Akarereʋudza mŋoyo yaʋanhu ʋose ʋaJuda somŋoyo womunhu mumŋe; naiɀoɀo ʋakatuma shoko kunamambo, ʋakati: Dzokai, imi naʋaranda ʋenyu ʋose.
15
Naiɀoɀo mambo akadzoka, akaȿika paJoridani. ƲaJuda ʋakaȿika paGirgari, ʋakasoŋgana namambo, ʋakayambusa mambo Joridani.
16
Ɀino Shimei mŋanakomana waGera, muBenjamini, wakaŋga agere Bahurimi, wakakurumidza akaɓuruka naʋarume ʋaJuda kundosoŋgana namambo Davidi.
17
Iye waiʋa naʋarume ʋaBenjamini ʋanecuru cimŋe, naZiba, muranda weimba yaSauro, naʋanakomana ʋake ʋanegumi naʋashanu, naʋaranda ʋake ʋanamakumi maʋiri; iʋo ʋakayambuka Joridani pamberi pamambo.
18
Igwa rikaenda kundoyambusa ʋeimba yamambo, nokuita seɀaʋaiɗa. Ipapo Shimei mŋanakomana waGera akaɀiwisira pasi pamberi pamambo, iye akayambuka Joridani.
19
Akati kunamambo: Ishe waŋgu ŋgaarege kundipa mhaka; regai henyu kuraŋgarira kutadza kwomuranda wenyu zuʋa riya rokuɓuɗa kwashe waŋgu paJerusarema; mambo ŋgaarege hake kuraŋgarira iɀoɀo pamŋoyo pake.
20
Nokuti muranda wenyu unoziʋa kuti ndakatadza; naiɀoɀo tarirai, nhasi ndaʋuya ndicitaŋgira ʋose ʋeimba yaJosefa, ndakaɓuruka kuzosoŋgana nashe waŋgu mambo.
21
Asi Abishai mŋanakomana waZeruya, akapindura, akati: Shimei haafaniri here kuʋurawa pamsoro pecinhu ici, nokuti wakatuka muzodzwa waJehova?
22
Davidi akati: Ndinemhoȿa yeiko nemi, imi ʋanakomana ʋaZeruya, ɀamunoɗa kuʋa ʋaʋeŋgi ʋaŋgu nhasi? Kuŋgaʋurawa munhu mumŋe waIsraeri nhasi here? Munoti handiziʋi here kuti ndiri mambo waIsraeri nhasi?
23
Mambo akati kunaShimei: Hauŋgafi. Mambo akapika kwaari.
24
Ɀino Mefibosheti mŋanakomana waSauro wakaɓuruka kuzosoŋgana namambo; asi iye wakaŋga asinakushambidza tsoka dzake, kana kupetura ndebvu dzake, kana kusuka ŋguʋo dzake, kubva pazuʋa rakaenda mambo kuȿikira zuʋa raakadzoka naro norugare.
25
Ɀino wakati aȿika Jerusarema kuzosoŋgana namambo, mambo akati kwaari: Wakaregereiko kuenda neni, Mefibosheti?
26
Iye akapindura, akati: Ishe waŋgu mambo, muranda waŋgu wakandinyeŋgera; nokuti muranda wenyu wakati: Ndicaɀiisira cigaro pamboŋgoro, ndiitaȿe, ndiende namambo, nokuti muranda wenyu cirema;
27
iye akandocera muranda wenyu kunashe waŋgu mambo; asi ishe waŋgu mambo wakafanana nomutumŋa waMŋari; naiɀoɀo itai henyu seɀamunoɗa.
28
Nokuti ʋose ʋeimba yaɓaɓa ʋaŋgu ʋaifanira kuʋurawa nashe waŋgu mambo; kunyaŋge ɀakaɗaro makagadza muranda wenyu pakati paʋaidya patafura yenyu. Ini ndicinesimba reiko rokucema naro kunamambo?
29
Mambo akati kwaari: Ucaramba ucitaurireiko? Ndinoti: Iwe naZiba goʋanai nyika.
30
Mefibosheti akati kunamambo: Iye ŋgaatore hake ɀose, ishe waŋgu mambo ɀaakadzokera kumba kwake norugare.
31
NaBarzirai muGireadi wakaɓuruka ʋo acibva Rogerimi, akayambuka Joridani namambo, kuzomuperekedzera mhiri kwaJoridani.
32
Ɀino Barzirai wakaŋga ari mutana kwaɀo, wakaŋga aȿika makore anamakumi masere; wakaŋga aʋigira mambo ɀokudya paŋguʋa yokugara kwake paMahanaimi, nokuti wakaŋga akafuma kwaɀo.
33
Mambo akati kunaBarzirai: Hendei, tiyambuke tose, ini ndicakuraramisa kwandiri paJerusarema.
34
Barzirai akati kunamambo: Makore oʋupenyu bgaŋgu acaʋa maŋganiko, kuti ndikwire Jerusarema namambo?
35
Nhasi ndaʋa namakore makumi masere; ini ndicagona kutsaura ɀakanaka kuneɀakaipa here? Muranda wenyu ucagona kuraʋira ɀakanaka ɀaanodya kana ɀaanonwa here? Ndicagona kunzwa manzwi aʋarume naʋakadzi kana ʋaciimba here? Muranda wenyu ucaremedzereiko ishe waŋgu mambo?
36
Muranda wenyu wakaŋga aciŋgoɗa hake kuyambuka Joridani namambo; ɀino mambo ucandiripira iɀoɀo nomuɓairo wakaɗai seiko?
37
Regai, muranda wenyu adzoke hake, ndindofira haŋgu muguta raŋgu, pamarinda aɓaɓa ʋaŋgu namai ʋaŋgu; asi hoyo muranda wenyu Kimhami, iye ŋgaayambuke nashe waŋgu mambo, mugomuitira iye seɀamunoɗa.
38
Mambo akapindura, akati: Kimhami ucayambuka neni, ini ndicamuitira iye seɀaunoɗa iwe; ɀose ɀaunoreʋa kwandiri ndicakuitira iɀo.
39
Ʋanhu ʋose ʋakayambuka Joridani, naiye mambo akayambuka ʋo; mambo akaȿeta Barzirai akamuropafadza, iye akadzokera kumusha kwake.
40
Naiɀoɀo mambo akayambukira Girgari, Kimhami akayambuka naye, naʋanhu ʋose ʋaJuda ʋakayambusa mambo, ʋuye ʋo hafu yaʋanhu ʋaIsraeri.
41
Ɀino ʋarume ʋose ʋaIsraeri ʋakaʋuya kunamambo, ʋakati kunamambo: Hama dzeɗu, ʋarume ʋaJuda, ʋakakuɓireiko, ʋakayambusa mambo naʋeimba yake Joridani, pamŋe cete naʋarume ʋose ʋaDavidi?
42
Ʋarume ʋose ʋaJuda ʋakapindura ʋarume ʋaIsraeri, ʋakati: Nokuti mambo ihama yeɗu yomumba; matsamŋireiko nemhaka iyi? Ko isu takatoŋgodya ɀamambo here? Iye wakatoŋgotipa cipo here?
43
Ʋarume ʋaIsraeri ʋakapindura ʋarume ʋaJuda, ʋakati: Isu tinemigoʋe inegumi kunamambo, naDavidi ndoweɗu kukunda imi; ɀino imi makatiɀidzireiko, ɀamusina‐kutaŋga kuraŋgana nesu pamsoro pokudzosa mambo weɗu? Asi mashoko aʋarume ʋaJuda akaŋga acityisa kukunda mashoko aʋarume ʋaIsraeri.
← Chapter 18
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 20 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24