bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
2 Samuel 6
2 Samuel 6
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 5
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 7 →
1
Ɀino Davidi wakaʋuŋganidza ɀe ʋarume ʋose ʋakaŋga ʋakatsaurwa ʋaʋaIsraeri, ʋakaŋga ʋaneɀuru ɀinamakumi matatu.
2
Davidi akasimuka, akaenda naʋanhu ʋose ʋaakaŋga anaʋo, ʋacibva Baari‐juda, kuti ʋatore’po areka yaMŋari, panoɗanwa Zita, iro Zita raJehova wehondo, ugere pamsoro pamakerubi.
3
Ʋakaisa areka yaMŋari pamsoro peŋgoro itȿa, ʋakaibvisa paimba yaAbinadabi, yakaŋga iri pacikomo, Uza naAhiyo, ʋanakomana ʋaAbinadabi, ʋakafambisa ŋgoro itȿa.
4
Ʋakaibvisa paimba yaAbinadabi, yakaŋga iri pacikomo, ineareka yaMŋari; Ahiyo akatuŋgamirira areka.
5
Davidi neimba yose yaIsraeri ʋakaridza pamberi paJehova ɀinoridzwa ɀamarudzi ose, ɀomusipresi, nembira, nemiteŋgeranwa, neŋgoma, namatare, anoridzwa, namakandira.
6
Ɀino ʋakati ʋaciȿika paɓuriro raNakoni, Uza ndokutambanudzira ruʋoko rwake kuareka yaMŋari, akaiɓata, nokuti nzombe dzakaŋga dzogumburwa.
7
Kutsamŋa kwaJehova kukamukira Uza, Mŋari akamuʋuraya ipapo nemhaka yokutadza kwake, iye akafira’po paareka yaMŋari.
8
Davidi akaʋora mŋoyo nokuti Jehova wakaŋga aroʋa Uza, akatumidza nɀimbo iyo Perezi‐uza kuȿikira zuʋa ranhasi.
9
Davidi akatya Jehova zuʋa iro, akati: Ɀino areka yaJehova icaȿika seiko kwandiri?
10
Naiɀoɀo Davidi akaramba kuisa areka yaJehova kwaari muguta raDavidi; asi Davidi wakaitsausira kumba kwaObedi‐edomi muGiti.
11
Areka yaJehova ikagara mumba maObedi‐edomi muGiti mŋedzi mitatu; Jehova akaropafadza Obedi‐edomi neimba yake yose.
12
Ɀino ʋakaʋudza mambo Davidi, ʋaciti: Jehova wakaropafadza imba yaObedi‐edomi neɀose ɀake nokuɗa kweareka yaMŋari. Ipapo Davidi akaenda akatora areka yaMŋari kumba kwaObedi‐edomi, akakwira nayo kuguta raDavidi nomufaro.
13
Ɀino ŋguʋa dzose kana iʋo, ʋakaŋga ʋakatakura areka ʋaciŋge ʋafamba nhambge nhanhatu, akaɓaya ŋombe nemhuru yakakora.
14
Davidi akatamba pamberi paJehova nesimba rake rose; Davidi akaŋga akafuka efodi yomuceka.
15
Naiɀoɀo Davidi neimba yose yaIsraeri ʋakakwira neareka yaJehova ʋacipururudza nokuridza hwamanda.
16
Ɀino areka yaJehova yakati iciȿika muguta raDavidi, Mikari mukunda waSauro akatarira napawindi, akaʋona mambo Davidi acipembera nokutamba pamberi paJehova, akamushoʋora mumŋoyo make.
17
Ʋakapinda neareka yaJehova, ʋakaiisa panɀimbo yayo pakati petente rayakaŋga yadzikirwa naDavidi; Davidi akaɓayira ɀipiriso ɀinopiswa neɀipiriso ɀokuyananisa pamberi paJehova.
18
Ɀino Davidi wakati apedza kuɓayira ɀipiriso ɀinopiswa neɀipiriso ɀokuyananisa, akaropafadza ʋanhu nezita raJehova wehondo.
19
Akagoʋera ʋanhu ʋose, iʋo ʋaIsraeri ʋazhinji ʋose, ʋarume naʋakadzi, mumŋe nomumŋe ɓundu reciŋgwa, nenhindi yenyama, nesumbu ramazambiriŋga akawomeswa. Ɀino ʋanhu ʋose ʋakabva, mumŋe nomumŋe akaenda kumba kwake.
20
Davidi akadzoka kuzoropafadza imba yake. Mikari mukunda waSauro akaɓuɗa kuzosoŋgana naDavidi, akati: Haiwa, mambo waIsraeri waɀikudza sei nhasi, ɀaakaɀifukura pamberi paʋarandakadzi ʋaʋaranda ʋake, sokuɀifukura kweɓenzi risiŋganyari!
21
Davidi akati kunaMikari: Ndakaɀiita pamberi paJehova, wakanditsaura pamsoro paɓaɓa ʋako, napamsoro peimba yake yose, kuti andiite muɓati waʋanhu ʋaJehova, iʋo ʋaIsraeri; naiɀoɀo ndicatamba haŋgu pamberi paJehova.
22
Ndicaɀiɗukupisa kupfuʋura iɀoɀo, ndicaɀininipisa pacaŋgu; asi kana ʋari ʋarandakadzi ʋawareʋa, ndicakudzwa naʋo.
23
Mikari mukunda waSauro, wakaŋga asinaʋana kuȿikira zuʋa rokufa kwake.
← Chapter 5
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 7 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24