bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
2 Samuel 24
2 Samuel 24
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 23
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
1
Ɀino Jehova wakatsamŋira ɀe ʋaIsraeri, akakurudzira Davidi pamsoro paʋo, akati: Enda uʋereŋge ʋaIsraeri naʋaJuda.
2
Ipapo mambo akati kunaJoabi mukuru wehondo wakaŋga anaye: Enda ɀino, upote namarudzi ose aIsraeri, kubva paDani kuȿikira paBeeri‐sheba, uʋereŋge ʋanhu, ndiziʋe kuwanda kwaʋo.
3
Joabi akati kunamambo: Jehova Mŋari wenyu ŋgaawedzere hake kuʋanhu, ʋapfuʋure aʋa runezana pakuwanda kwaʋo, nameso ashe waŋgu ŋgaaɀiʋone; asi ishe waŋgu mambo unotȿakireiko cinhu ici?
4
Kunyaŋge ɀakaɗaro shoko ramambo rakakurira Joabi naʋakuru ʋehondo. Joabi naʋakuru ʋakaɓuɗa pamberi pamambo kundoʋereŋga ʋanhu ʋaIsraeri.
5
Ʋakayambuka Joridani, ʋakadzika matente aʋo paAroeri, kurutiʋi rworudyi rweguta, pakati pomupata weGadi, kuȿikira paJazeri.
6
Ipapo ʋakaȿika Gireadi, nokunyika yeTatimihodsi; ʋakaȿika ʋo Dani‐jaani, nenyika yakapoteredza kuȿikira paZidoni,
7
ʋakaȿika ʋo kunhare yeTire, nokumaguta ose aʋaHivi, naʋaKanani; ʋakapedzisa kurutiʋi rwezasi rwaJuda paBeeri‐sheba.
8
Ɀino ʋakati ʋapota nenyika yose, ʋakaȿika Jerusarema, ʋapedza mŋedzi mipfumbamŋe namazuʋa anamakumi maʋiri.
9
Joabi akarondedzera kuwanda kwaʋanhu kunamambo; kuʋaIsraeri kwakaŋga kunemhare dzaiʋa neɀuru ɀinamazana masere ʋaigona kurwa nomunondo; ʋuye ʋarume ʋaJuda ʋaiʋa ʋarume ʋaneɀuru ɀinamazana mashanu.
10
Ɀino Davidi wakati apedza kuʋereŋga ʋanhu, hana yake ikamuroʋa. Davidi akati kunaJehova: Ndatadza kwaɀo ɀandaita cinhu ici; asi ɀino Jehova, bvisai henyu kuipa kwomuranda wenyu; nokuti ndaita seɓenzi kwaɀo.
11
Ɀino Davidi wakati acimuka maŋgwanani, shoko raJehova rikaȿika kumuprofita Gadi, muʋoni waDavidi, rikati:
12
Enda, undoʋudza Davidi, uti: Ɀanzi naJehova: Ndinokuisira ɀinhu ɀitatu, ciɀitsaurira cimŋe caɀo, ndikuitire ico.
13
Naiɀoɀo Gadi akaenda kunaDavidi, akamuʋudza, akati kwaari: Unoɗa kuti makore manomŋe enzara aʋe panyika yako here? Kana unoɗa kutiza pamberi paʋaʋeŋgi ʋako mŋedzi mitatu ʋacikuteʋerera here? Kana unoɗa kuti ɗenda riʋe panyika yako mazuʋa matatu here? Ɀino cifuŋga hako, uraŋgarire mhinduro yandiŋgadzosera kunaiye wakandituma.
14
Ipapo Davidi akati kunaGadi: Ndiri pakumanikidzwa kukuru; tiwire heɗu ɀino muruʋoko rwaJehova, nokuti nyasha dzake ihuru, asi ndirege haŋgu kuwira muruʋoko rwomunhu.
15
Ipapo Jehova akatuma ɗenda pakati paIsraeri kubva maŋgwanani kuȿikira paŋguʋa yakaŋga yatarwa, ʋarume ʋaneɀuru ɀinamakumi manomŋe ʋakafa pakati paʋanhu, kubva paDani kuȿikira paBeeri‐sheba.
16
Ɀino mutumŋa wakati acitambanudzira ruʋoko rwake kuJerusarema, kuti ariparadze, Jehova akaɀiɗemba pamsoro pecakaipa ico, akati kumutumŋa wakaŋga aciparadza ʋanhu: Ndiɀo, cidzosa ruʋoko rwako. Ɀino mutumŋa waJehova wakaŋga amire paɓuriro raArauna muJebusi.
17
Davidi wakati aciʋona mutumŋa wakaŋga aciʋuraya ʋanhu, akataura naJehova, akati: Tarirai, ndini ndatadza, ndini ndaita ɀakaipa; asi makwai awa akaiteiko? Ruʋoko rwenyu ŋgarundiroʋe harwo ini neimba yaɓaɓa ʋaŋgu.
18
Ɀino Gadi akaenda kunaDavidi zuʋa iro, akati kwaari: Enda, undoʋakira Jehova artari paɓuriro raArauna muJebusi.
19
Davidi akaenda seɀaakaʋudzwa naGadi, seɀaakarairwa naJehova.
20
Ɀino Arauna akatarira, akaʋona mambo naʋaranda ʋake ʋaciʋuya kwaari, Arauna akaɓuɗa, akakotamira pasi neciso cake pamberi pamambo.
21
Arauna akati: Ishe waŋgu mambo waʋuyireiko kumuranda wake? Davidi akati: Ndaʋuya kuzoteŋga ɓuriro kwauri, kuti ndiʋakire Jehova artari, kuti ɗenda ripere pakati paʋanhu.
22
Arauna akati kunaDavidi: Ishe waŋgu mambo ŋgaatore hake, aɓayire Jehova seɀaanoɗa; tarirai, hedzo nzombe dzokuɓayira cipiriso cinopiswa; ʋuye nhumbi dzokupura nadzo, namajoko enzombe, dziʋe huni;
23
iɀi ɀose, mambo, Arauna unopa mambo. Arauna akati kunamambo: Jehova Mŋari wenyu ŋgaakugamucirei hake.
24
Mambo akati kunaArauna: Kwete, ndicaɀiteŋga kwauri ɀirokwaɀo nomuteŋgo waɀo, ʋuye handiŋgaɓayiri Jehova Mŋari waŋgu ɀipiriso ɀinopiswa, ɀandisinakuteŋga. Naiɀoɀo Davidi akateŋga ɓuriro nenzombe namashekeri esirveri anamakumi mashanu.
25
Davidi akaʋakira’po Jehova artari, akaɓayira ɀipiriso ɀinopiswa neɀipiriso ɀokuyananisa. Naiɀoɀo Jehova akanzwira nyika tsitsi, ɗenda rikapera pakati paIsraeri.
← Chapter 23
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24