bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
2 Samuel 14
2 Samuel 14
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 13
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 15 →
1
Ɀino Joabi mŋanakomana waZeruya, wakaʋona kuti mŋoyo wamambo wakaŋga uciɗa Absaromi.
2
Joabi akatumira Tekoa, akatora’ko mukadzi wakaŋga akaŋgwara, akati kwaari: Uɀiite hako somucemi, ufuke ŋguʋo dzokucema, usaɀizora mafuta, asi uɀiite somukadzi wakaŋguʋa acema wakafa;
3
ɀino upinde kunamambo, utaure naye ɀokuti neɀokuti. Naiɀoɀo Joabi akaisa mashoko mumuromo make.
4
Ɀino mukadzi weTekoa wakati acitaura namambo, akawira pasi neciso cake, akakotama, akati: Ndiɓatsirei, mambo waŋgu!
5
Mambo akati kwaari: Unonzweiko? Akapindura, akati: Ɀirokwaɀo, ndiri cirikadzi, murume waŋgu wakafa.
6
Murandakadzi wenyu wakaŋga anaʋanakomana ʋaʋiri, iʋo ʋaʋiri ʋakarwa kusaŋgo; kwakaŋga kusinomunhu wakaʋanunura, mumŋe akaroʋa mumŋe, akamuʋuraya.
7
Ɀino tarirai, imba yose yamukira murandakadzi wenyu, ʋakati: Tipei uyo wakaʋuraya munuŋuna wake, timuʋuraye pamsoro poʋupenyu bgomunuŋuna wake waakaʋuraya, tiʋuraye nomudyi wenhaka ʋo; naiɀoɀo ʋacadzima zimbe raŋgu rakasara, ʋakasasiyira murume waŋgu zita kana mumŋe wakasara panyika.
8
Mambo akati kumukadzi: Enda hako kumba kwako, ndicaraira shoko pamsoro pako.
9
Mukadzi weTekoa akati kunamambo: Ishe waŋgu mambo, mhoȿa ŋgaiʋe kwandiri nokuimba yaɓaɓa ʋaŋgu, asi mambo necigaro cake coʋushe ŋgaɀirege kuʋa nemhoȿa.
10
Mambo akati: Aninani unotaura cinhu kwauri, ʋuya naye kwandiri, haaŋgazokugunɀi ɀe.
11
Ipapo iye akati: Mambo ŋgaaraŋgarire Jehova Mŋari wenyu, kuti mutsiʋi weropa arege kuramba aciparadza, ʋarege kuzoparadza mŋanakomana waŋgu. Iye akati: NaJehova mupenyu, ruvudzi rumŋe rwomŋanakomana wako haruŋgawiri pasi.
12
Ɀino mukadzi akati: Murandakadzi wenyu ŋgaatenderwe hake kutaura shoko rimŋe kunashe waŋgu mambo. Iye akati: Taura hako.
13
Mukadzi akati: Ɀino makaraŋgarireiko kuitira ʋanhu ʋaIsraeri cinhu cakaɗai? Nokuti pakutaura kwenyu shoko rakaɗai, mambo wafanana nomunhu unemhoȿa, nokuti mambo haadzoseri ɀe kumusha kwake mŋanakomana wake waakadziŋga.
14
Nokuti tinofanira kufa, takafanana nemvura yakateʋurirwa pasi, isiŋgagoni kuworerwa ɀe; Mŋari haatoreri munhu ʋupenyu, asi unofuŋga mano kuti wakadziŋgwa arege kurashwa cose naye.
15
Naiɀoɀo ɀino, ndaʋuya ini kuzotaura shoko iri kunashe waŋgu mambo, nokuti ʋanhu ʋakandityisa; murandakadzi wenyu akati: Ndicataura ɀino namambo; ɀimŋe mambo ucatenda ɀinokumbirwa nomurandakadzi wake.
16
Nokuti mambo ucaterera hake, akarwira murandakadzi wake paruʋoko rwomunhu unoɗa kundiparadza ini pamŋe cete nomŋanakomana waŋgu, tirege kudya nhaka yaMŋari.
17
Ɀino murandakadzi wenyu akati: Ndinokumbira kuti shoko rashe waŋgu mambo riʋe rokunyaradza; nokuti ishe waŋgu mambo wakafanana nomutumŋa waMŋari pakuziʋa ɀakanaka neɀakaipa; Jehova Mŋari wenyu ŋgaaʋe nemi.
18
Ipapo mambo akapindura, akati kumukadzi: Usandiȿisira hako shoko randinokubvunza. Mukadzi akati: Ishe waŋgu ŋgaataure hake ɀino.
19
Mambo akati: Joabi wakaɓatsirana newe paɀinhu iɀi ɀose here? Mukadzi akapindura, akati: Noʋupenyu bgomŋeya waŋgu, ishe waŋgu mambo, hakunomunhu uŋgatsauka kurudyi kana kuruɓoshwe pashoko rimŋe rakataurwa nashe waŋgu mambo; nokuti muranda wenyu Joabi ndiye wakandiraira, ndiye wakaisa mashoko awa ose mumuromo womurandakadzi wenyu.
20
Muranda wenyu Joabi wakandiraira kushandura shoko iri kuɗai; asi ishe waŋgu wakaŋgwara, nokuŋgwara kwakafanana nokwomutumŋa waMŋari, nokuti munoziʋa ɀose ɀiri panyika.
21
Ipapo mambo akati kunaJoabi: Tarira ɀino, ndatenda haŋgu cinhu ici; naiɀoɀo cienda undotora jaya Absaromi.
22
Joabi akawira pasi neciso cake, akakotama, akaʋoŋga mambo. Joabi akati: Nhasi muranda wenyu unoziʋa kuti ndanzwirwa nyasha nemi, ishe waŋgu mambo; nokuti mambo wakaita ɀakumbirwa nomuranda wake.
23
Naiɀoɀo Joabi akasimuka, akaenda Geshuri, akadzosera Absaromi Jerusarema.
24
Mambo akati: Ŋgaatsaukire kumba kwake, asi ŋgaarege kuʋona ciso caŋgu. Naiɀoɀo Absaromi akatsaukira kumba kwake, akasaʋona ciso camambo.
25
Ɀino pakati paʋaIsraeri ʋose kwakaŋga kusinomunhu wairumbidzwa kwaɀo saAbsaromi pamsoro pokunaka kwake; kubva patsoka dzake kuȿikira kumusoro wake kwakaŋga kusinecinhu cakaremara kwaari.
26
Ŋguʋa yaaigurira vudzi rake, (ɀino wairigurira pakupera kwegore rimŋe nerimŋe, nokuti ʋudzi rake raimuremera, naiɀoɀo wairigurira), waiyera vudzi romusoro wake, rikaȿika mashekeri anamazana maʋiri, acienzanisa neciyero camambo.
27
Absaromi akaɓerekerwa ʋanakomana ʋatatu nomŋanasikana mumŋe, wainzi Tamari; iye waiʋa mukadzi wakaŋga aneciso cakanaka.
28
Ɀino Absaromi akagara makore maʋiri paJerusarema asiŋgaʋoni ciso camambo.
29
Ipapo Absaromi akaɗana Joabi, kuti amutumire kunamambo; asi wakaramba kuʋuya kwaari; akatuma ɀe rwecipiri, asi wakaramba ɀe kuʋuya.
30
Ɀino akati kuʋaranda ʋake: Tarirai munda waJoabi uri pedyo nowaŋgu, ʋuye unebari’po; endai mundoupisa. Ʋaranda ʋaAbsaromi ʋakandopisa munda.
31
Joabi akasimuka, akaenda kunaAbsaromi kumba kwake, akati kwaari: Ʋaranda ʋako ʋapisireiko munda waŋgu?
32
Absaromi akapindura Joabi, akati: Tarira, ndakatuma shoko kwauri, ndiciti: Ʋuya pano, ndikutume kunamambo, undoti: Ndakabvireiko Geshuri? Ɀaiʋa ɀirinani kuti ndiʋe’po naɀino; naiɀoɀo ɀino nditendere ndiʋone ciso camambo; kana ndinemhoȿa, ŋgaandiʋuraye hake.
33
Naiɀoɀo Joabi akaenda kunamambo, akamuʋudza; iʋo ʋakaɗana Absaromi, akaȿika kunamambo, akakotamira pasi neciso cake pamberi pamambo, mambo akaȿeta Absaromi.
← Chapter 13
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 15 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24