bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
2 Samuel 2
2 Samuel 2
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 3 →
1
Ɀino shure kwaiɀoɀo Davidi wakabvunza Jehova, akati: Ndokwira kunerimŋe guta raJuda here? Jehova akati: Kwira. Davidi akati: Ndokwira kuneripi? Iye akati: Hebroni.
2
Naiɀoɀo Davidi akakwira’ko, naʋakadzi ʋake ʋaʋiri ʋo, ʋana‐Ahinoami muJezreeri, naAbigairi, mukadzi waNabari muKarmeri.
3
Davidi akakwira ʋo naʋanhu ʋake ʋaiʋa naye, mumŋe nomumŋe neimba yake, ʋakandogara pamaguta eHebroni.
4
Ʋarume ʋaJuda ʋakaʋuya ʋakazodza Davidi’po, kuti aʋe mambo weimba yaJuda. Ʋakaʋudza Davidi, ʋaciti: Ʋarume ʋeJabeshi‐gireadi ndiʋo ʋakaʋiga Sauro.
5
Davidi akatuma nhume kuʋarume ʋeJabeshi‐gireadi, akati kwaʋari: Muropafadzwe naJehova, ɀamakaitira ishe wenyu Sauro cinhu ici cakanaka, mukamuʋiga.
6
Ɀino Jehova ŋgaakuitirei ʋo ɀakanaka neɀokwaɗi; neni ʋo ndicakuitirai ɀakanaka, ɀamakaita iɀoɀi.
7
Naiɀoɀo ɀino, maʋoko enyu ŋgaaʋe nesimba, muʋe noʋumhare; nokuti Sauro ishe wenyu wakafa, ɀino ʋeimba yaJuda ʋakandizodza, kuti ndiʋe mambo waʋo.
8
Ɀino Abineri, mŋanakomana waNeri, mukuru wehondo yaSauro, wakaŋga atora Ishi‐bosheti, mŋanakomana waSauro, akamuisa Mahanaimi;
9
akamuita mambo weGireadi, nowaʋaAshuri, noweJezreeri, nowaEfraimi, nowaBenjamini, nowaʋaIsraeri ʋose.
10
(Ishi‐bosheti, mŋanakomana waSauro, wakaŋga aʋa namakore anamakumi manna ŋguʋa yokutaŋga kwake kuɓata ʋushe bgaIsraeri, akaɓata ʋushe makore maʋiri). Asi ʋeimba yaJuda ʋakateʋera Davidi.
11
Ŋguʋa yakaɓata Davidi ʋushe bgeimba yaJuda paHebroni aiʋa makore manomŋe nemŋedzi mitanhatu.
12
Ɀino Abineri, mŋanakomana waNeri, naʋaranda ʋaIshi‐bosheti, mŋanakomana waSauro, ʋakabva Mahanaimi, ʋakaenda Gibeoni.
13
NaJoabi, mŋanakomana waZeruya, naʋaranda ʋaDavidi ʋakaɓuɗa ʋo, ʋakasoŋgana naʋo padziʋa reGibeoni; ʋakagara pasi, ʋamŋe necoʋuno kwedziʋa, ʋamŋe necemhiri kwedziʋa.
14
Abineri akati kunaJoabi: Majaya ŋgaasimuke, atambe pamberi peɗu. Joabi akati: Ŋgaʋasimuke haʋo.
15
Ipapo ʋakasimuka, ʋakaenda namapoka; gumi naʋaʋiri kurutiʋi rwaBenjamini naIshi‐bosheti, mŋanakomana waSauro, ʋuye gumi naʋaʋiri ʋaʋaranda ʋaDavidi.
16
Mumŋe nomumŋe akaɓata musoro wowakatarisana naye, ʋakaɓayana neminondo kunhiʋi dzaʋo, naiɀoɀo ʋakawira pasi pamŋe cete; naiɀoɀo nɀimbo iyo yakanzi Herkati‐haruzimi, iri paGibeoni.
17
Kurwa kukanyanya kwaɀo zuʋa iro; Abineri naʋarume ʋaIsraeri ʋakakundwa naʋaranda ʋaDavidi.
18
Ʋanakomana ʋatatu ʋaZeruya ʋakaŋga ʋari’po, ʋana‐Joabi, naAbishai, naAsaheri; Asaheri waigona kumhanya seceŋgu.
19
Asaheri akateʋerera Abineri; ɀino pakumhanya kwake haana‐kutsaukira kurudyi kana kuruɓoshwe pakuteʋerera Abineri.
20
Abineri akaceuka, akati: Ndiwe Asaheri here? Akapindura, akati: Ndini.
21
Abineri akati kwaari: Tsaukira hako kurudyi kana kuruɓoshwe, uɓate hako rimŋe ramajaya, utore nhumbi dzake dzokurwa nadzo. Asi Asaheri wakaramba kutsauka pakumuteʋerera.
22
Abineri akati ɀe kunaAsaheri: Tsauka hako pakunditeʋerera; ndicakuʋurayireiko? Ndiŋgazondoʋonana sei naJoabi mukuru wako?
23
Asi wakaramba kutsauka; naiɀoɀo Abineri wakamuɓaya nomuɗumbu necireya cepfumo, pfumo rikaɓuɗa neseri kwake; akawira pasi ipapo, akafira’po; ɀino ʋanhu ʋose ʋakati ʋaciȿika pakaŋga pawira Asaheri pasi pakufa kwake, ʋakamira.
24
Asi Joabi naAbishai ʋakateʋerera Abineri, zuʋa rikaʋira pakuȿika kwaʋo pacikomo ceAma, caiʋa pamberi peGiya panzira yerenje inoenda Gibeoni.
25
Ɀino ʋana ʋaBenjamini ʋakaʋuŋgana kuzoteʋera Abineri, ʋakaita ɓoka rimŋe, ʋakamira pamsoro pecikomo.
26
Abineri akasheʋedzera kunaJoabi, akati: Ko munondo ucaramba uciŋgoparadza nokusiŋgaperi here? Hauziʋi kuti ɀicaʋaʋa pakupedzisira here? Ucanonoka kuȿikira riniko kuraira ʋanhu kuti ʋadzoke pakuteʋerera hama dzaʋo?
27
Joabi akati: NaMŋari mupenyu, ɗai usina‐kutaura, ɀirokwaɀo ʋanhu ʋaŋgaɗai ʋarega maŋgwana kuteʋerera mumŋe nomumŋe hama yake.
28
Naiɀoɀo Joabi akaridza hwamanda, ʋanhu ʋose ʋakamira, ʋakarega kuzoteʋerera Israeri, ʋakasazorwa ɀe.
29
Abineri naʋanhu ʋake ʋakagura neAraba ʋusiku ubgo bgose, ʋakayambuka Joridani, ʋakagura neBitroni yose, ʋakaȿika Mahanaimi.
30
Ipapo Joabi akadzoka pakuteʋerera Abineri; ɀino wakati aʋuŋganidza ʋanhu ʋose, ʋarume ʋanegumi naʋapfumbamŋe naAsaheri ʋakashaikwa kuʋaranda ʋaDavidi.
31
Asi ʋaranda ʋaDavidi ʋakaŋga ʋaʋuraya ʋarume ʋanamazana matatu namakumi matatu ʋaʋaBenjamini naʋarume ʋaAbineri.
32
Ʋakasimudza Asaheri, ʋakandomuʋiga mubgiro bgaɓaɓa ʋake, bgaiʋa paBeti‐rehemi. Joabi naʋanhu ʋake ʋakafamba ʋusiku bgose, ʋutoŋga bgukatȿuka pakuȿika kwaʋo paHebroni.
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 3 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24