bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Exodus 12
Exodus 12
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 11
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 13 →
1
Ɀino Jehova wakataura naMosesi naAroni munyika yeEgipita, akati:
2
Mŋedzi uno unofanira kuʋa mŋedzi wokutaŋga kwamuri, unofanira kuʋa mŋedzi wokutaŋga wegore.
3
Taurai kuʋuŋgano yose yaʋaIsraeri, muti: Nomusi wegumi womŋedzi uno mumŋe nomumŋe ŋgaatore gwaiana, ʋaciʋereŋga dzimba dzamadziɓaɓa aʋo; mhuri imŋe neimŋe iʋe negwaiana rayo.
4
Kana mhuri iri ɗuku ʋasiŋgagoni kupedza gwaiana, iʋo naʋagere pedyo neimba yaʋo ŋgaʋatore rimŋe rinoriŋgana ʋanhu. Muriŋganise gwaiana pakudya kwomumŋe nomumŋe.
5
Gwaiana renyu ŋgarirege kuʋa necinhu cisakafanira, mukono wegore rimŋe; muritore pamakwai kana pambudzi;
6
ɀino muriceŋgete kuȿikira pazuʋa regumi namanna romŋedzi, ipapo ʋuŋgano yose yaʋanhu ʋose ʋaIsraeri ŋgaʋariʋuraye maɗekwana.
7
Ɀino ŋgaʋatore rimŋe ropa raro, ʋariise pamagwatidziro maʋiri egonhi, napaciʋiʋo cokumsoro, padzimba paʋacaridyira.
8
Ʋadye nyama yaro ʋusiku ubgo, yakagocwa pamŋoto, neciŋgwa cisina‐kuʋiriswa; ʋaidye nemiriʋo inoʋaʋa.
9
Regai kuidya isanhi yaibva, kana yakaɓikwa nemvura, asi yakagocwa pamŋoto; musoro waro namakumbo aro pamŋe cete noʋura bgaro.
10
Musasiya cimŋe caro kuȿikira maŋgwana; ɀose ɀaro ɀinosara kuȿikira maŋgwana muɀipise nomŋoto.
11
Muridye kuɗai: Makasuŋga ɀiʋuno ɀenyu, makapfeka shaŋgu dzenyu patsoka dzenyu, makaɓata tȿimbo dzenyu mumaʋoko enyu; muridye mucikurumidza; ipaseka yaJehova.
12
Nokuti noʋusiku ubgo ndicafamba napakati penyika yeEgipita, ndiciroʋa mataŋgwe ose aʋanhu panyika yeEgipita, naʋana ʋose ʋemhoŋgora dzeɀipfuwo; ndicatoŋga ʋamŋari ʋose ʋeEgipita; ndini Jehova.
13
Asi ropa ricaʋa ciratidzo kwamuri padzimba mamugere; kana ndiciʋona ropa ndicakupfuʋurai, kuti ɗambudziko rirege kukuwirai, rikuparadzei, kana ndiciroʋa nyika yeEgipita.
14
Zuʋa iri ricaʋa ciraŋgaridzo kwamuri, munofanira kutambira Jehova mutambo naro; munofanira kutamba mutambo naro pamarudzi enyu ose uʋe murairo nokusiŋgaperi.
15
Mudye ciŋgwa cisina‐kuʋiriswa mazuʋa manomŋe; nezuʋa rokutaŋga mubvise mbiriso yose padzimba dzenyu; nokuti munhu unodya ciŋgwa cakaʋiriswa kubva pazuʋa rokutaŋga kuȿikira pazuʋa recinomŋe ŋgaabviswe pakati paIsraeri.
16
Nezuʋa rokutaŋga munofanira kuita ungano tȿene, ʋuye nezuʋa recinomŋe ʋuŋgano tȿene ɀe; namazuʋa iwayo maɓasa ose ŋgaarege kuitwa, asi ɀinodyiwa nomunhu mumŋe nomumŋe ɀiŋgagadzirwa nemi, iɀoɀo ɓedzi.
17
Munofanira kutamba mutambo weɀiŋgwa ɀisina‐kuʋiriswa, nokuti ndiro zuʋa randakabvisa naro hondo dzenyu dzose panyika yeEgipita; naiɀoɀo ceŋgetai zuʋa iro kuȿikira kumarudzi enyu ose, uʋe murairo nokusiŋgaperi.
18
Nomŋedzi wokutaŋga nezuʋa regumi namanna romŋedzi, maɗekwana, munofanira kudya ɀingwa ɀisina‐kuʋiriswa kuȿikira pazuʋa ramakumi maʋiri nerimŋe romŋedzi maɗekwana.
19
Mazuʋa manomŋe mbiriso irege kuwanikwa mudzimba dzenyu, nokuti aninani unodya ɀakaʋiriswa unofanira kubviswa paʋuŋgano yaʋaIsraeri, kana ari mutorwa, kana ari munhu wakaɓerekerwa munyika.
20
Regai kudya cinhu cakaʋiriswa; padzimba dzenyu dzose mudye ɀiŋgwa ɀisina‐kuʋiriswa.
21
Ɀino Mosesi akaɗana ʋakuru ʋose ʋaʋaIsraeri, akati kwaʋari: Endai mundotora makwaiana anoriŋgana mhuri dzenyu, muɓaye paseka.
22
Mutore sumbu rehisopi, murinyike muropa riri mumudziyo, muzodze ciʋiʋo cokumsoro, namagwatidziro maʋiri egonhi neropa riri mumudziyo; kurege kuʋa nomumŋe wenyu unoɓuɗa pamukoʋa weimba yake kuȿikira maŋgwana.
23
Nokuti Jehova ucapfuʋura napakati penyika kuti aroʋe ʋaEgipita; kana akaʋona ropa paciʋiʋo cokumsoro, namagwatidziro maʋiri, Jehova ucaɗarika mukoʋa uyo, haaŋgatenderi muparadzi kupinda mudzimba dzenyu akuroʋei.
24
Ceŋgeta cinhu ico, uʋe murairo kwauri nokuʋana ʋako nokusiŋgaperi.
25
Ɀino kana mucizoȿika panyika yamucapiwa naJehova, seɀaakakupikirai, muceŋgete ɓasa iri.
26
Ɀino kana ʋana ʋenyu ʋakati kwamuri: Ƃasa iri rinoti kuɗiniko?
27
Muti kwaʋari: Ndico ciɓayiro cepaseka yaJehova, wakaɗarika dzimba dzaʋana ʋaIsraeri paEgipita nomusi waakaroʋa ʋaEgipita, akaponesa dzimba dzeɗu. Ipapo ʋanhu ʋakakotamisa misoro yaʋo, ʋakanamata.
28
Ʋana ʋaIsraeri ʋakaita saiɀoɀo; Mosesi naAroni seɀaʋakaŋga ʋarairwa naJehova, ndiɀo ɀaʋakaita.
29
Ɀino pakati poʋusiku Jehova wakaroʋa mataŋgwe ose panyika yeEgipita, kubva paɗaŋgwe raFarao waizogara pacigaro cake coʋushe, kuȿikira paɗaŋgwe romusuŋgwa wakaŋga ari mutoroŋgo, naʋana ʋose ʋemhoŋgora dzeɀipfuwo.
30
Ɀino Farao akamuka ʋusiku, iye naʋaranda ʋake naʋaEgipita ʋose, kukaʋa nokucema kukuru paEgipita, nokuti kwakaŋga kusineimba musinawakafa;
31
akaɗana Mosesi naAroni ʋusiku, akati: Simukai, ibvai pakati paʋanhu ʋaŋgu, imi naʋana ʋaIsraeri: endai mundonamata Jehova seɀamakataura.
32
Torai makwai enyu neŋombe dzenyu, seɀamakataura, endai, neni mundiropafadze ʋo.
33
ƲaEgipita ʋakakurudzira ʋanhu kwaɀo, kuti ʋakurumidze kuʋaɓuɗisa panyika, nokuti ʋakati: Isu tofa tose!
34
Ʋanhu ʋakatora mukanyiwa waʋo, usati waʋiriswa, nemidziyo yaʋo yokukanyira yakaputirwa muŋguʋo dzaʋo pamafudzi aʋo.
35
Ʋana ʋaIsraeri ʋakaita seɀaʋakaʋudzwa naMosesi, ʋakakumbira kunaʋaEgipita ɀishoŋgo ɀesirveri, neɀishoŋgo ɀendarama, neŋguʋo.
36
Jehova akapa ʋanhu nyasha pamberi paʋaEgipita, ʋakaʋapa iɀoɀo ɀaʋakakumbira; ʋakapedzera ʋaEgipita.
37
Ɀino ʋana ʋaIsraeri ʋakabva Ramesesi, ʋakaenda Sukoti, ʋakaŋga ʋari ʋarume ʋanofamba netsoka ʋaneɀuru ɀamazana ɀitanhatu, ʋana ʋasiŋgaʋereŋgwi.
38
Naʋanhu ʋazhinji ʋakaŋga ʋakaveŋgana ʋakaenda naʋo, namakwai neŋombe, ɀiri ɀipfuwo ɀizhinji‐zhinji.
39
Ʋakaɓika ɀiŋgwa ɀisina‐kuʋiriswa nomukanyiwa waʋakaŋga ʋaɓuɗa nawo paEgipita, nokuti wakaŋga usinakuʋiriswa; nokuti ʋakadziŋgwa muEgipita, ʋakasagona kunonoka, ʋakasaɀigadzirira mbuʋa.
40
Ɀino ŋguʋa yakagara ʋana ʋaIsraeri muEgipita akaŋga ari makore anamazana manna namakumi matatu.
41
Pakupera kwamakore anamazana manna namakumi matatu, nomusi iwoyo, hondo dzose dzaJehova dzakaɓuɗa munyika yeEgipita.
42
Ʋusiku ubgo ʋunofanira kuraŋgarirwa Jehova, nokuti wakaʋaɓuɗisa panyika yeEgipita nabgo. Ndibgo ʋusiku bgaJehova, ʋunofanira kuraŋgarirwa kwaɀo naʋana ʋaIsraeri ʋose namarudzi aʋo ose.
43
Jehova akati ʋo kunaMosesi naAroni: Murairo wepaseka ndiwo: Mutorwa ŋgaarege kuidya.
44
Asi muranda womunhu mumŋe nomumŋe wakateŋgwa nemari, uŋgaidya kana mamudziŋgisa.
45
Mutorwa kana muranda unoripirwa ŋgaarege kuidya.
46
Inofanira kudyirwa mumba mumŋe; haufaniri kutora imŋe nyama ukaenda nayo kunze kweimba; ʋuye musavuna fupa raro.
47
Ʋuŋgano yose yaʋaIsraeri inofanira kuiita.
48
Kana mutorwa ugere newe aciɗa kuitira Jehova paseka, ʋanhurume ʋose ʋari kwaari ŋgaʋadziŋgiswe, ipapo ŋgaasweɗere hake kuiita; ɀino wafanana nomunhu wakaɓerekerwa panyika; asi usina‐kudziŋgiswa ŋgaarege kuidya.
49
Murairo ŋgauʋe mumŋe kunowakaɓerekerwa mumusha nokumutorwa ugere pakati penyu.
50
Ɀino ʋana ʋaIsraeri ʋakaita saiɀoɀo; Mosesi naAroni seɀaʋakaŋga ʋarairwa naJehova, ndiɀo ɀaʋakaita.
51
Nezuʋa iro Jehova akaɓuɗisa ʋana ʋaIsraeri panyika yeEgipita nehondo dzaʋo.
← Chapter 11
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 13 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40