bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Exodus 14
Exodus 14
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 13
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 15 →
1
Ɀino Jehova akataura naMosesi, akati:
2
Ʋudza ʋana ʋaIsraeri kuti ʋadzoke, ʋaʋake misasa yaʋo pamberi paPihahiroti, pakati peMigdori neguŋgwa, pamberi peBaari‐zefoni; muʋake misasa yenyu paguŋgwa pakatarisana napo.
3
Ɀino Farao ucati pamsoro paʋana ʋaIsraeri: Ʋarasha nzira panyika, renje raʋadziʋirira.
4
Ndicawomesa mŋoyo waFarao kuti aʋateʋerere; ini ndicakudzwa pamsoro paFarao napahondo yake yose; ʋaEgipita ʋacaziʋa kuti ndini Jehova. Ʋakaita saiɀoɀo.
5
Ɀino mambo weEgipita wakaʋudzwa kuti ʋanhu ʋatiza; mŋoyo waFarao nowaʋaranda ʋake ukashandukira ʋanhu, ʋakati: Taita seiko ɀatatendera ʋaIsraeri ʋakaŋga ʋacitiɓatira kuti ʋaende?
6
Ɀino akagadzira ŋgoro yake, akaenda naʋanhu ʋake;
7
akatora ŋgoro dzakatsaurwa dzinamazana matanhatu, neŋgoro dzose dzeEgipita, dzinaʋatariri ʋadzo dzose.
8
Jehova akawomesa mŋoyo waFarao, mambo weEgipita, akateʋerera ʋana ʋaIsraeri, nokuti ʋana ʋaIsraeri ʋakaŋga ʋaɓuɗa noruʋoko runesimba.
9
ƲaEgipita ʋakaʋateʋerera namabiza ose neŋgoro dzaFarao, naʋataȿi ʋake ʋamabiza, nehondo yake, ʋakaʋaɓata ʋaciri pamisasa paguŋgwa, paPihahiroti pamberi peBaari‐zefoni.
10
Ɀino Farao wakati aȿika pedyo, ʋana ʋaIsraeri ʋakasimudza meso aʋo, ʋakaʋona ʋaEgipita ʋaciʋateʋerera, ʋakatya kwaɀo; ʋana ʋaIsraeri ʋakacema kunaJehova.
11
Ʋakati kunaMosesi: Makaŋga muciti hamunamabgiro paEgipita, mukatibvisa’ko kuti tifire murenje here? Makatiitireiko ɀamatiɓuɗisa paEgipita?
12
Ko harizi shoko iro ratakakuʋudzai paEgipita here, ticiti: Tiregei, tiɓatire heɗu ʋaEgipita? Nokuti ɀiri nani kuti tiɓatire ʋaEgipita, pakuti tifire murenje.
13
Ɀino Mosesi akati kuʋanhu: Musatya henyu, mirai, mugoʋona sunuŋguro yaJehova, yaacakuitirai nhasi, nokuti ʋaEgipita ʋamaʋona nhasi, hamuŋgazoʋaʋoni ɀe nokusiŋgaperi.
14
Jehova ucakurwirai, imi munofanira kunyarara henyu.
15
Ɀino Jehova akati kunaMosesi: Unoɗanidzireiko kwandiri? Ʋudza ʋana ʋaIsraeri kuti ʋapfuʋurire mberi.
16
Iwe simudza tȿimbo yako, utambanudzire ruʋoko rwako pamsoro peguŋgwa, uritsemure napakati, kuti ʋana ʋaIsraeri ʋafambe pakawoma mukati meguŋgwa.
17
Tarira, ndicawomesa mŋoyo yaʋaEgipita, kuti ʋapinde ʋo ʋaciʋateʋerera, ini ndizokudzwa pamsoro paFarao napamsoro pehondo yake yose, napamsoro peŋgoro dzake, napamsoro paʋataȿi ʋake ʋamabiza.
18
Ipapo ʋaEgipita ʋacaziʋa kuti ndini Jehova, kana ndakudzwa pamsoro paFarao, napamsoro peŋgoro dzake, napamsoro paʋataȿi ʋake ʋamabiza.
19
Ɀino mutumŋa waMŋari, wakaŋga akatuŋgamirira hondo yaʋaIsraeri, wakabva’po, akaenda shure kwaʋo; shoŋgwe yegore ikabva mberi kwaʋo, ikandomira shure kwaʋo.
20
Ikapinda pakati pemisasa yaʋaEgipita nemisasa yaʋaIsraeri; gore nerima, ɀikaʋa’po asi rakavenekera ʋusiku; haʋana‐kusweɗerana ʋusiku bgose.
21
Ɀino Mosesi akatambanudzira ruʋoko rwake pamsoro peguŋgwa, Jehova akadziŋga guŋgwa nemhepo inesimba, yakabva mabvazuʋa ʋusiku bgose, akashandura guŋgwa, rikaita ivu rakawoma, mvura ikatsemuka.
22
Ɀino ʋana ʋaIsraeri ʋakapinda nomukati meguŋgwa pakawoma, mvura ikaʋaitira madziro kurudyi rwaʋo nokuruɓoshwe rwaʋo.
23
ƲaEgipita ʋakaʋateʋerera, ʋakapinda shure kwaʋo mukati meguŋgwa namabiza aFarao ose, neŋgoro dzake naʋataȿi ʋake ʋamabiza.
24
Maŋgwanani Jehova akatarira hondo yaʋaEgipita, ari mushoŋgwe yomŋoto neyegore, akavundusa hondo yaʋaEgipita.
25
Akanyudza makumbo eŋgoro dzaʋo, dzikatambudzika pakufamba; ʋaEgipita ʋakazoti: Ŋgatitize pamberi paʋaIsraeri, nokuti Jehova unoʋarwira iʋo, asi unorwa naʋaEgipita.
26
Ɀino Jehova akati kunaMosesi: Tambanudzira ruʋoko rwako pamsoro peguŋgwa, kuti mvura idzokere pamsoro paʋaEgipita, napamsoro peŋgoro dzaʋo, napamsoro paʋataȿi ʋaʋo ʋamabiza.
27
Mosesi akatambanudzira ruʋoko rwake pamsoro peguŋgwa, guŋgwa rikadzokera kwakare kwoedza; ʋaEgipita ʋakatizira mukati maro; Jehova akaparadza ʋaEgipita mukati meguŋgwa;
28
mvura ikadzoka, ikafukidza ŋgoro, naʋataȿi ʋamabiza, nehondo yose yaFarao yakaŋga yapinda muguŋgwa iciʋateʋerera; hakuna‐kusara kunyaŋge nomumŋe waʋo.
29
Asi ʋana ʋaIsraeri ʋakafamba pakawoma mukati meguŋgwa; mvura ikaʋaitira madziro kurudyi rwaʋo nokuruɓoshwe rwaʋo.
30
Jehova akarwira ʋaIsraeri saiɀoɀo nomusi iwoyo pamaʋoko aʋaEgipita; ʋaIsraeri ʋakaʋona ʋaEgipita ʋakaŋga ʋafa pamhenderekedzo dzeguŋgwa.
31
Ipapo ʋana ʋaIsraeri ʋakaʋona ɓasa guru rakaŋga raitirwa ʋaEgipita naJehova, ʋanhu ʋakatya Jehova, ʋakatenda Jehova naMosesi muranda wake.
← Chapter 13
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 15 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40