bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Exodus 22
Exodus 22
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 21
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 23 →
1
Kana munhu akaɓa nzombe kana gwai, akaɀiʋuraya, kana akaɀiteŋgesa, unofanira kuripa nenzombe shanu panzombe imŋe, namakwai manna pagwai rimŋe.
2
Kana mbava ikaɓatwa icipaza, ikarobga, ikafa, wamuʋuraya haaŋgaʋi nemhoȿa paropa rake.
3
Asi kana zuʋa rakaŋga ramuɓuɗira, ucaʋa nemhoȿa paropa rake, unofanira kuripa; kana asinecinhu unofanira kuteŋgeswa nokuɗa kwokuɓa kwake.
4
Kana caakaŋga aɓa cikawanikwa muruʋoko rwake ciciri cipenyu, kana iri nzombe, kana mboŋgoro, kana gwai, unofanira kuripa kaʋiri.
5
Kana munhu akadyisa munda, kana munda wemizambiriŋga, akasundira cipfuwo cake, cikandodya munda womumŋe, unofanira kuripa neɀakaiȿo‐naka ɀomunda wake, neɀakaiȿo‐naka ɀomunda wake wemizambiriŋga.
6
Kana mŋoto ukaɗarikira, ukaɓata minzwa, ukapisa murwi weɀiyo, kana ɀiyo ɀiciri mumunda, kana munda umene, iye wakatuŋgidza mŋoto unofanira kuripa.
7
Kana munhu aciŋge apa wokwake mari kana nhumbi kuti aɀiceŋgete, ɀikaɓiwa mumba momunhu uyo, mbava, kana ikawanikwa, inofanira kuripa kaʋiri.
8
Kana mbava ikasawanikwa, muridzi weimba unofanira kusweɗera kunaMŋari, kuti ɀiʋonekwe kana iye asina‐kuisa ruʋoko rwake panhumbi dzowokwake,
9
pamhaka dzose dzokuɗarika, kana iri yenzombe, kana yemboŋgoro, kana yegwai, kana yecokufuka, kana yecinhu cipi necipi cakarashika, kana ɀikanzi, Ndico! mhaka yaʋose ʋaʋiri inofanira kuʋuya pamberi paMŋari; uyo unopiwa mhoȿa naMŋari unofanira kuripira wokwake kaʋiri.
10
Kana munhu akapa wokwake mboŋgoro, kana nzombe, kana gwai, kana cimŋe cipfuwo, kuti aciceŋgete, cikafa, kana kukuʋara, kana kutinhwa asinakuɀiʋona;
11
iʋo ʋaʋiri ŋgaʋapikirane pamberi paJehova, kuti ɀiʋonekwe kana akaisa ruʋoko rwake panhumbi dzowokwake; muridzi waɀo ŋgaatende naɀo, iye arege kuripa.
12
Asi kana ɀikaɓiwa ɀiri kwaari, unofanira kuripira muridzi waɀo
13
Kana ɀikabvamburwa necikara, ŋgaaʋuye naɀo ciʋe capupu; haafaniri kuripa ɀabvamburwa.
14
Kana munhu aciŋge akumbira cinhu kunowokwake, cikakuʋara, kana kufa, muridzi waco asisi’po, ɀirokwaɀo unofanira kuciripa.
15
Kana muridzi waco ari’po, haafaniri kuripa; kana ciri cinhu cairipirwa, muripo waco waʋuya panɀimbo yaco.
16
Kana munhu aciŋge anyeŋgedzera musikana usina‐kunyeŋgwa, akaʋata naye, ɀirokwaɀo unofanira kumuroʋora, aʋe mukadzi wake.
17
Kana ɓaɓa ʋake ʋakaramba cose kumupa iye, unofanira kuripa mari yakaenzana neroʋoro yaʋasikana.
18
Usarega muroyi ari mupenyu.
19
Aninani unoʋata necipfuwo, ɀirokwaɀo unofanira kuʋurawa.
20
Unoɓayira mumŋe mŋari, asi Jehova cete, unofanira kuparadzwa cose.
21
Usaitira mutorwa ɀakaipa, kana kumumanikidza, nokuti nemi ʋo maiʋa ʋatorwa munyika yeEgipita.
22
Usatambudza cirikadzi kana nherera.
23
Kana ukatoŋgoʋatambudza, ʋakaɗana kwandiri, ndicaterera kuɗana kwaʋo;
24
kutsamŋa kwaŋgu kucamuka, ndikakuʋurayai nomunondo: ʋakadzi ʋenyu ʋacaʋa cirikadzi, naʋana ʋenyu nherera.
25
Kana ukapa mumŋe waʋanhu ʋaŋgu ʋaunaʋo cikwerete cemari, ari murombo, usaita kwaari somupi wecikwerete; usareʋa mhindu kwaari.
26
Kana ukatoŋgotora ŋguʋo yowokwako ruʋe ruɓatso, unofanira kuidzosera kwaari zuʋa roʋira;
27
nokuti ndico cokufuka cake coga, iŋguʋo yake yaanofukidza nayo ganda rake; ucaʋata neiko? Kana iye akaɗana kwandiri, ndicamunzwa, nokuti ndinetsitsi.
28
Usatuka Mŋari, kana kushuridzira muɓati pakati paʋanhu ʋako.
29
Usanonoka kupa Mŋari ɀimŋe kuneɀizhinji ɀeɀiyo ɀako neɀinonwiwa. Undipe ɗaŋgwe raʋana ʋako ʋaʋakomana.
30
Uite ʋo saiɀoɀo nenzombe dzako namakwai ako; rigare mazuʋa manomŋe namai ʋaro, ugondipa iro nezuʋa rorusere.
31
Imi munofanira kuʋa ʋanhu ʋatȿene kwandiri; naiɀoɀo hamufaniri kudya nyama yakabvamburwa neɀikara kusaŋgo, muikandire imbga.
← Chapter 21
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 23 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40