bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Exodus 8
Exodus 8
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 7
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 9 →
1
Ɀino Jehova wakati kunaMosesi: Pinda kunaFarao, uti kwaari: Ɀanzi naJehova: Tendera ʋanhu ʋaŋgu kuenda ʋandondinamata.
2
Kana ukaramba kuʋatendera, tarira, ndicaroʋa nyika yako yose namataca;
3
rwizi rucazara kwaɀo namataca; acakwira, acipinda mumba mako, nomuimba yako yokuʋata, napanhoʋo dzako, nomudzimba dzaʋaranda ʋako, napamsoro paʋanhu ʋako, nomuɀoto ɀako, nomumidziyo yako momunokanyira ɀokudya;
4
mataca acakwira pamsoro pako napamsoro paʋanhu ʋako, napamsoro paʋaranda ʋako ʋose.
5
Jehova akati kunaMosesi: Iti kunaAroni: Tambanudzira ruʋoko rwako rwakaɓata tȿimbo yako pamsoro penzizi, napamsoro pehoʋa, napamsoro pamadziʋa, uraire mataca kuti akwire panyika yeEgipita.
6
Ipapo Aroni akatambanudzira ruʋoko rwake pamsoro pemvura yeEgipita, mataca akakwira, akafukidza nyika yeEgipita.
7
Ŋaŋga dzikaita saiɀoɀo noʋuroyi bgadzo dzikaraira mataca, kuti akwire panyika yeEgipita.
8
Ɀino Farao akaɗana Mosesi naAroni, akati: Nyeŋgeterai kunaJehova kuti abvise mataca kwandiri nokuʋanhu ʋaŋgu, nditendere ʋanhu kuenda kundoɓayira Jehova.
9
Mosesi akati kunaFarao: Imi mukudzwe kupfuʋure’ni! Ndokunyeŋgetererai ŋguʋa ipi, imi naʋaranda ʋenyu, naʋanhu ʋenyu, kuti mataca aparadzwe kwamuri, nomudzimba dzenyu, asare murwizi ɓedzi?
10
Iye akati: Maŋgwana. Akati: Ɀicaitwa seɀamareʋa; kuti muziʋe kuti hakunomumŋe wakafanana naJehova, Mŋari weɗu.
11
Mataca acabva kwamuri, nomudzimba dzenyu, nokuʋaranda ʋenyu, nokuʋanhu ʋenyu; acasara murwizi ɓedzi.
12
Mosesi naAroni ʋakaɓuɗa munaFarao, Mosesi akaɗana kunaJehova nokuɗa kwamataca aakaŋga atuma kunaFarao.
13
Jehova akaita seɀakaŋga ɀarebga naMosesi, mataca akafa mudzimba nomuʋazhe nokuruwa.
14
Ʋakaaʋuŋganidza, ʋakaaita mirwi, nyika ikanhuwa.
15
Ɀino Farao wakati aciʋona kuti ɀaʋa ɀirinani, akawomesa mŋoyo wake, akasaʋaterera; seɀakaŋga ɀarebga naJehova.
16
Ɀino Jehova akati kunaMosesi: Iti kunaAroni: Tambanudza tȿimbo yako, uroʋe guruʋa rapasi, rishanduke ʋutuŋga panyika yose yeEgipita.
17
Ʋakaita saiɀoɀo; Aroni akatambanudza ruʋoko rwake rwakaɓata tȿimbo yake, akaroʋa guruʋa rapasi, ʋutuŋga ʋukaʋa’po paʋanhu napaɀipfuwo; guruʋa rose rapasi rikashanduka ʋutuŋga panyika yose yeEgipita.
18
Ŋaŋga dzikaita saiɀoɀo noʋuroyi bgadzo kuti dziɓuɗise ʋutuŋga, asi hadzina‐kugona; ʋutuŋga bgakaŋga ʋuri paʋanhu napaɀipfuwo.
19
Ɀino ŋaŋga dzakati kunaFarao: Munwe waMŋari; asi mŋoyo waFarao wakawomeswa, akasaʋaterera, seɀakaŋga ɀarebga naJehova.
20
Ɀino Jehova wakati kunaMosesi: Fumira maŋgwanani, undomira pamberi paFarao; tarira, ucaɓuɗa acienda kumvura; uti kwaari: Ɀanzi naJehova: Tendera ʋanhu ʋaŋgu kuenda ʋandinamate.
21
Nokuti kana ukaramba kutendera ʋanhu ʋaŋgu, tarira ndicatuma ɓute renhunzi pamsoro pako, napamsoro paʋaranda ʋako, napamsoro paʋanhu ʋako, nomudzimba dzako; dzimba dzaʋaEgipita dzicazara namapute enhunzi, kunyaŋge nevu padzimire.
22
Nomusi iwoyo ndicatsaura nyika yeGosheni pagere ʋanhu ʋaŋgu, kuti ipapo mapute enhunzi arege kuʋa’po; kuti uziʋe kuti ndini Jehova pakati penyika dzose.
23
Ndicaparadzanisa ʋanhu ʋaŋgu naʋanhu ʋako; ciratidzo ici cicaʋa’po maŋgwana.
24
Ɀino Jehova akaita saiɀoɀo, mapute makuru‐kuru enhunzi akapinda mumba maFarao, nomudzimba dzaʋaranda ʋake, nomunyika yose yeEgipita; nyika ikaʋodzwa namapute enhunzi.
25
Ɀino Farao akaɗana Mosesi naAroni, akati: Endai, mundoɓayira Mŋari wenyu munyika ino.
26
Mosesi akati: Haɀina‐kunaka kuita saiɀoɀo, nokuti ticaɓayira Jehova, Mŋari weɗu, ɀiɓayiro ɀinonyaŋgadza ʋaEgipita; tarirai, kana tikaɓayira ɀinonyaŋgadza ʋaEgipita haʋaŋgatitaki namabge here?
27
Ticaenda rwendo rwamazuʋa matatu murenje, tigoɓayira Jehova Mŋari weɗu seɀaanotiraira.
28
Farao akati: Ndicakutenderai kuenda mundoɓayira Jehova Mŋari wenyu murenje, asi musaenda kure‐kure. Ndinyeŋgetererei.
29
Mosesi akati: Tarirai, ndinoɓuɗa kwamuri, ndicandonyeŋgetera kunaJehova kuti mapute enhunzi abve kunaFarao, nokuʋaranda ʋake, nokuʋanhu ʋake maŋgwana; asi Farao ŋgaarege kuzonyeŋgera ɀe, aciramba kutendera ʋanhu kuenda kundoɓayira Jehova.
30
Ipapo Mosesi akaɓuɗa kunaFarao, akandonyeŋgetera kunaJehova.
31
Jehova akaita seɀakakumbira Mosesi, akabvisa mapute enhunzi kunaFarao, nokuʋaranda ʋake, nokuʋanhu ʋake; haina‐kusara kunyaŋge neimŋe.
32
Asi Farao wakawomesa mŋoyo wake neŋguʋa iyo ʋo, akasatendera ʋanhu kuenda.
← Chapter 7
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 9 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40