bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Exodus 28
Exodus 28
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 27
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 29 →
1
Ɀino usweɗedze kwauri Aroni, mukuru wako, naʋanakomana ʋake pamŋe cete naye, ʋaɓuɗe pakati paʋana ʋaIsraeri, kuti andishumire paɓasa roʋuprista, ʋanoti, Aroni, naNadabi, naAbihu, naEreazari, naItamari, iʋo ʋanakomana ʋaAroni.
2
Uitire Aroni, mukuru wako, ŋguʋo tȿene, akudzwe nadzo, ʋuye bguʋe ʋukomba.
3
Utaure naʋose ʋanemŋoyo yakacenjera, ʋandakazadza nomŋeya woʋucenjeri, kuti ʋaitire Aroni ŋguʋo dzokumuita mutȿene nadzo, kuti andishumire paɓasa roʋuprista.
4
Ŋguʋo dzaʋanofanira kuita ndidzo: Homboɗo yecifuʋa, neefodi, nejasi, neŋguʋo yakarukwa, neŋgoani, nebanhire; ŋgaʋaitire Aroni, mukoma wako, naʋanakomana ʋake ŋguʋo tȿene, kuti andishumire paɓasa roʋuprista.
5
Ŋgaʋatore ndarama, ne ɀakarukwa ɀitema, neɀishaʋa, neɀitȿuku, nomuceka wakaiȿo‐naka.
6
Efodi ŋgaʋaiite nendarama, ne ɀakarukwa ɀitema, neɀishaʋa, neɀitȿuku, nomuceka wakaiȿo‐naka wakarukwa, riʋe ɓasa romuɓati wakacenjera.
7
Ŋgaiʋe namabande maʋiri pamafudzi akaɓatanidzwa pamiromo yayo miʋiri; kuti iɓatanidzwe saiɀoɀo.
8
Nebanhire rakarukwa nomuɓati wakacenjera, riri pamsoro payo, rokuisuŋga naro, ŋgariitwe saiyo, ʋuye ciʋe cinhu cimŋe cete nayo, iitwe nendarama, ne ɀakarukwa ɀitema, neɀishaʋa, neɀitȿuku, nomuceka wakaiȿo‐naka wakarukwa.
9
Utore ʋo mabge maʋiri eoniksi, ugonyora pamsoro pawo mazita aʋana ʋaIsraeri,
10
mazita matanhatu pabge rimŋe, namazita matanhatu akasara panerimŋe ibge ɀe, pakuɀarwa kwaʋo.
11
Unyore pamabge iwayo maʋiri, seɓasa romuʋezi wamabge, seɀinonyorwa ibge rokusimbisa, mazita aʋana ʋaIsraeri; uanyudze muɀiruʋa ɀendarama.
12
Ɀino uise mabge iwayo maʋiri pamabande apamafudzi eefodi, kuti aʋe mabge okuraŋgaridza ʋana ʋaIsraeri; Aroni ŋgaatakure mazita awo pamberi paJehova pamafudzi ake maʋiri, ciʋe cokuraŋgaridza.
13
Unofanira kuita ʋo ɀiruʋa ɀendarama,
14
neɀiketani ɀiʋiri ɀendarama yakaiȿo‐naka; uɀiite sorwonzi rwakakoshwa, ugoisa ɀiketani iɀo ɀakamoniwa paɀiruʋa iɀoɀo.
15
Unofanira kuita ʋo homboɗo yecifuʋa yokutoŋga, riʋe ɓasa romuɓati wakacenjera; uiite ifanane neefodi, uiite nendarama, ne ɀakarukwa ɀitema, neɀishaʋa, neɀitȿuku, nomuceka wakaiȿo‐naka wakarukwa.
16
Ŋgaiʋe nenhiʋi inna dzakaenzana, dzakaita mheto mbiri; kureɓa kwayo kuite sapanoȿika minwe, noʋupamhi bgayo sapanoȿika minwe ʋo.
17
Uise mukati mayo ɀiruʋa ɀinamabge, misara minna yamabge; mumŋe musara uʋe nesardio, netopasi, nekarbunkeri. Ndiwo musara wokutaŋga.
18
Pamusara wecipiri smaragdino, nesafiri, nedaimani;
19
pamusara wecitatu hiakinti, neagati, neametisi;
20
pamusara wecinna beriri neoniksi, nejaspiri; ŋgaapotedzwe nendarama muɀiruʋa ɀawo.
21
Mabge iwayo ŋgaaʋe namazita aʋana ʋaIsraeri anegumi namaʋiri, seɀinoita mazita aʋo; ŋgaaʋe namarudzi anegumi namaʋiri, rimŋe nerimŋe riʋe nezita raro, seɀinonyorwa ibge rokusimbisa.
22
Napahomboɗo yecifuʋa unofanira kuita ɀiketani ɀakafanana norwonzi, ɀendarama yakamoniwa yakaiȿo‐naka.
23
Uite ʋo pahomboɗo yecifuʋa ɀindori ɀiʋiri ɀendarama, ugoisa ɀindori iɀo ɀiʋiri pamiceto miʋiri yehomboɗo yecifuʋa.
24
Ɀino uise ɀiketani ɀiʋiri ɀendarama yakamoniwa paɀindori ɀiʋiri ɀiri pamiceto yehomboɗo yecifuʋa.
25
Nemimŋe miromo miʋiri yeɀiketani ɀiʋiri ɀakamoniwa uɀiise paɀiruʋa ɀiʋiri; uɀiise pamabande apamafudzi eefodi necemberi kwayo.
26
Uite ʋo ɀindori ɀiʋiri ɀendarama, ugoɀiisa pamiceto miʋiri yehomboɗo yecifuʋa pamupendero wayo uri kurutiʋi rweefodi necomukati.
27
Unofanira kuita ʋo ɀindori ɀiʋiri ɀendarama, ugoɀiisa pamabande maʋiri apamafudzi eefodi zasi necemberi kwayo, pedyo payakaɓatanidzwa napo, pamsoro pebanhire reefodi rakarukwa noʋucenjeri.
28
Ɀino ŋgaʋasuŋganidze homboɗo yecifuʋa neɀindori ɀayo paɀindori ɀeefodi norwonzi rutema, kuti ruʋe pamsoro pebanhire reefodi rakarukwa noʋucenjeri, kuti homboɗo yecifuʋa irege kusunuŋguka paefodi.
29
Naiɀoɀo Aroni unofanira kutakura mazita aʋana ʋaIsraeri pahomboɗo yecifuʋa yokutoŋga pamŋoyo wake, kana acipinda panɀimbo tȿene, kuti ciʋe ciraŋgaridzo pamberi paJehova ŋguʋa dzose.
30
Unofanira kuisa ʋo muhomboɗo yecifuʋa yokutoŋga Urimi neTumimi, kuti ɀiʋe pamŋoyo waAroni kana acipinda pamberi paJehova; Aroni agotakura kutoŋgwa kwaʋana ʋaIsraeri pamŋoyo wake pamberi paJehova ŋguʋa dzose.
31
Unofanira kuita jasi reefodi rose romuceka mutema.
32
Ŋgariʋe neburi rokupinza musoro pakati paro, riʋe nomupendero wakarukwa unopotedza ɓuri raro, sapaɓuri reŋguʋo yokurwa, kuti irege kubvaruka.
33
Pamipendero yaro unofanira kuita matamba e ɀakarukwa ɀitema, neɀishaʋa, neɀitȿuku, anopotedza mupendero, neɀitare ɀinorira ɀendarama pakati pawo kunhiʋi dzose.
34
Ŋgapaʋe necitare cimŋe neɗamba rimŋe, citare cimŋe neɗamba rimŋe pamipendero yejasi kunhiʋi dzose.
35
Aroni ŋgaarifuke kana acishumira, kuti kurira kwaɀo kunzwike, kana acipinda panɀimbo tȿene pamberi paJehova, ʋuye kana aciɓuɗa, kuti arege kufa.
36
Unofanira kuita ʋo hwendefa rendarama yakaiȿo‐naka, ugonyora pamsoro paro seɀinonyorwa ibge rokusimbisa, uciti: MUTⱾENE KUNAJEHOVA.
37
Uriise parwonzi rutema, rigoiswa paŋgoani, riʋe necemberi kweŋgoani.
38
Ŋgariʋe pahuma yaAroni, Aroni atakure ɀakaipa ɀiŋgaʋa’po paɀinhu ɀitȿene, ɀicaitwa ɀitȿene naʋana ʋaIsraeri paɀipo ɀaʋo ɀitȿene ɀose; rinofanira kugara pahuma yake ŋguʋa dzose, kuti iʋo ʋagamucirwe pamberi paJehova.
39
Unofanira kuita ʋo ŋguʋo yakarukwa yomuceka wakaiȿo‐naka, ʋuye uite ŋgoani yomuceka wakaiȿo‐naka, ʋuye uite ʋo banhire, riʋe ɓasa romusoni unogona.
40
Naʋanakomana ʋaAroni unofanira kuʋaitira ŋguʋo, uʋaitire ʋo mabanhire, uʋaitire ʋo ŋgoani dzomusoro, ʋakudzwe nadzo, ʋuye bguʋe ʋukomba.
41
Udzifukidze Aroni, mukoma wako, pamŋe cete naʋanakomana ʋake; ʋuye uʋazodze, nokuʋagadza, nokuʋatsaura, kuti ʋandishumire paɓasa roʋuprista.
42
Unofanira kuʋaitira maburuku omuceka kuti ʋafukidze nyama yaʋo yakashama; ŋgaataŋge paɀiʋuno, aȿikire pacidɀa;
43
ŋgaafukwe naAroni naʋanakomana ʋake kana ʋacipinda mutente rokusoŋgana, ʋuye kana ʋacisweɗera paartari kushumira panɀimbo tȿene; kuti ʋarege kuɀitorera mhoȿa, ʋakafa; ŋgauʋe mutemo usiŋgaperi kwaari nokuʋana ʋake ʋanomuteʋera.
← Chapter 27
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 29 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40