bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Exodus 18
Exodus 18
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 17
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 19 →
1
Ɀino Jetero, muprista weMidiani, mukarabga waMosesi, wakanzwa ɀose ɀakaitira Jehova Mosesi naʋaIsraeri, ʋanhu ʋake, kuti Jehova wakaɓuɗisa ʋaIsraeri muEgipita.
2
Jetero, mukarabga waMosesi, akatora Zipora, mukadzi waMosesi, nokuti wakaŋga amudzosera kunaɓaɓa ʋake,
3
naʋanakomana ʋake ʋaʋiri — zita romumŋe rainzi Gershomi, nokuti wakati: Ndakaŋga ndiri mŋeni panyika yaʋamŋe;
4
nezita romumŋe rainzi Eriezeri, nokuti wakati: Mŋari waɓaɓa ʋaŋgu wakaŋga ari muɓatsiri waŋgu, akandirwira pamunondo waFarao —
5
Jetero, mukarabga waMosesi, akaʋuya naʋanakomana ʋaMosesi nomukadzi wake kunaMosesi murenje, pagomo raMŋari, paakaŋga aʋaka misasa;
6
akati kunaMosesi: Ini mukarabga wako, Jetero, ndaʋuya kwauri nomukadzi wako naʋanakomana ʋake ʋaʋiri ʋanaye.
7
Mosesi akandosoŋgana nomukarabga wake, akakotamira pasi pamberi pake, akamuȿeta; ʋakabvunzana mufaro, ʋakapinda mutente.
8
Ɀino Mosesi akaʋudza mukarabga wake ɀose ɀakaŋga ɀaitira Jehova Farao naʋaEgipita nokuɗa kwaʋaIsraeri, nokutambudzika kwose kwakaʋawira panzira nokurwirwa kwaʋo naJehova.
9
Jetero akafara pamsoro peɀose ɀakanaka ɀakaŋga ɀaitirwa ʋaIsraeri naJehova, kuti wakaʋarwira pamaʋoko aʋaEgipita.
10
Jetero akati: Jehova ŋgaakudzwe wakakurwirai pamaʋoko aʋaEgipita, napamaʋoko aFarao, iye wakarwira ʋanhu pamaʋoko aʋaEgipita.
11
Ɀino ndinoziʋa kuti Jehova mukuru kuʋamŋari ʋose pacinhu ico caʋakaɀikudza naco kwaʋari.
12
Ipapo Jetero, mukarabga waMosesi, wakaʋuya kunaMŋari necipiriso cokupisa ne ɀimŋe ɀiɓayiro; Aroni naʋakuru ʋose ʋaIsraeri ʋakaʋuya ʋakadya ɀokudya nomukarabga waMosesi pamberi paMŋari.
13
Ɀino fume maŋgwana Mosesi wakagara acitambira ʋanhu mhaka dzaʋo, ʋanhu ʋakamira pamberi paMosesi kubva maŋgwanani kuȿikira maɗekwana.
14
Ɀino mukarabga waMosesi wakati aciʋona ɀose ɀaakaŋga aciitira ʋanhu, akati: Unoitireiko ʋanhu ɀinhu iɀi? Unogarireiko uri woga, ʋanhu ʋacimira pamberi pako kubva maŋgwanani kuȿikira maɗekwana?
15
Mosesi akati kumukarabga wake: Nokuti ʋanhu ʋanoʋuya kwandiri kuzobvunza Mŋari;
16
kana ʋaneshoko ʋanosiʋuya kwandiri; ndinositamba mhaka dziri pakati pomunhu nowokwake, ndiciʋaziʋisa ɀakatemŋa naMŋari nemirairo yake.
17
Ɀino mukarabga waMosesi akati kwaari: Cinhu ici caunoita hacina‐kunaka.
18
Ɀirokwaɀo ucaneta kwaɀo, iwe naʋanhu ʋaunaʋo; nokuti cinhu ici cinokuremera; hauŋgagoni kuciita uri woga.
19
Terera ɀino inzwi raŋgu, ndikurairire, Mŋari agoʋa newe. Iwe umirire ʋanhu pamberi paMŋari, uise mashoko aʋo kunaMŋari;
20
uʋadzidzise ɀakatemŋa nemirairo, uʋaratidze nzira yaʋanofanira kufamba nayo, neɓasa raʋanofanira kuita.
21
Asi utȿake pakati paʋanhu ʋose ʋarume ʋakacenjera, ʋanotya Mŋari, ʋarume ʋeɀokwaɗi, ʋanoʋeŋga kufufurwa; uʋaite ʋaɓati ʋaʋo ʋeɀuru, naʋaɓati ʋamazana, naʋaɓati ʋamakumi mashanu, naʋaɓati ʋamakumi;
22
iʋo ŋgaʋatambire ʋanhu mhaka dzaʋo ŋguʋa dzose; ɀino kana paneshoko guru, ŋgaʋariise kwauri; asi kana ari mashoko maɗuku ŋgaʋaatambe ʋamene; naiɀoɀo iwe ucarerusirwa, naiʋo ʋacatakura mutoro pamŋe cete newe.
23
Kana ukaita cinhu ici, Mŋari akakuraira saiɀoɀo, iwe ucagona kutsuŋga, naʋanhu aʋa ʋose ʋacaenda ku dzimba dzaʋo norugare.
24
Mosesi akaterera inzwi romukarabga wake, akaita ɀose ɀaakaŋga aʋudzwa naye.
25
Mosesi akatsaura ʋarume ʋakacenjera pakati paʋaIsraeri ʋose, akaʋaita ʋakuru ʋaʋanhu, ʋaɓati ʋeɀuru, naʋaɓati ʋamazana, naʋaɓati ʋamakumi mashanu, naʋaɓati ʋamakumi.
26
Iʋo ʋakatamba mhaka dzaʋanhu ŋguʋa dzose; mashoko makuru ʋaisiʋuya nawo kunaMosesi, asi mashoko ose maɗuku ʋaiatamba ʋamene.
27
Ɀino Mosesi akatendera mukarabga wake kuenda hake; iye akaenda kunyika yake.
← Chapter 17
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 19 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40