bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Exodus 3
Exodus 3
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 4 →
1
Ɀino Mosesi wakaŋga acifudza makwai aJetero, mukarabga wake, muprista weMidiani; akaisa makwai mberi murenje, akaȿika kugomo raMŋari rinonzi Horebi.
2
Ipapo mutumŋa waJehova akaɀiratidza kwaari mumuraɀo womŋoto pakati pegwenzi; akatarira, akaʋona gwenzi ricipfuta nomŋoto, asi rakaŋga risiŋgatȿi.
3
Mosesi akati: Regai, nditsaukire ndiʋone cishamiso ico cikuru, kuti gwenzi haritȿi neiko.
4
Ɀino Jehova wakati aciʋona kuti wotsaukira kuti aʋone, Mŋari akaɗana ari mukati megwenzi, akati: Mosesi, Mosesi! Iye akati: Ndiri pano haŋgu.
5
Akati: Usasweɗera pano; bvisa shaŋgu dzako patsoka dzako, nokuti paumire patȿene.
6
Akati ʋo: Ndini Mŋari waɓaɓa ʋako, naMŋari waAbrahama, naMŋari waIsaka, naMŋari waJakobo. Mosesi akaʋanza ciso cake, nokuti wakatya kutarira Mŋari.
7
Ɀino Mŋari akati: Ɀirokwaɀo, ndakaʋona kunetswa kwaʋanhu ʋaŋgu ʋari muEgipita, ndikanzwa kuɗanidzira kwaʋo nokuɗa kwaʋatariri ʋaʋo ʋamaɓasa; nokuti ndinoziʋa kucema kwaʋo;
8
ndaɓuruka kuti ndiʋarwire mumaʋoko aʋaEgipita nokuʋaɓuɗisa munyika iyo, ndindoʋaisa kunyika yakanaka huru, kunyika inoyerera mukaka noʋuci; uko kunogara ʋaKanani, naʋaHeti, naʋaAmori, naʋaPerezi, naʋaHivi, naʋaJebusi.
9
Ɀino tarira, kucema kwaʋana ʋaIsraeri kwakaȿika kwandiri, ndaʋona kutambudzwa kwaʋanotambudzwa nako naʋaEgipita.
10
Naiɀoɀo ɀino ʋuya ndikutume kunaFarao, kuti undoɓuɗisa ʋanhu ʋaŋgu, ʋana ʋaIsraeri muEgipita.
11
Ɀino Mosesi akati kunaMŋari: Ini ndini aniko, kuti ndiende kunaFarao, ndiɓuɗise ʋana ʋaIsraeri muEgipita here?
12
Akati: Ɀirokwaɀo ndicaʋa newe; heci ciratidzo cokuti ndakutuma: Kana maɓuɗisa ʋanhu ʋaŋgu muEgipita, mucanamata Mŋari pagomo rino.
13
Ipapo Mosesi akati kunaMŋari: Tarirai, kana ndikaȿika kuʋana ʋaIsraeri, ndikati kwaʋari: Mŋari wamadziɓaɓa enyu wakandituma kwamuri, iʋo ʋakati kwandiri: Ko zita rake ndiani? ndicatiyi kwaʋari?
14
Mŋari akati kunaMosesi: NDICAƲA IYE WANDICAƲA. Akati: Undoti kuʋana ʋaIsraeri: NDICAƲA ndiye wakandituma kwamuri.
15
Mŋari akati ʋo kunaMosesi: Undoti kuʋana ʋaIsraeri: Jehova, Mŋari wamadziɓaɓa enyu, Mŋari waAbrahama, naMŋari waIsaka, naMŋari waJakobo, wakandituma kwamuri; ndiro zita raŋgu nokusiŋgaperi, ndiro zita raʋacandiraŋgarira naro kuȿikira kumarudzi ose.
16
Enda, undoʋuŋganidza ʋakuru ʋaIsraeri, uti kwaʋari: Jehova, Mŋari wamadziɓaɓa enyu, Mŋari waAbrahama, nowaIsaka, nowaJakobo, wakaɀiratidza kwandiri, akati: Ndakakushanyirai ɀirokwaɀo, ndikaʋona iɀo ɀamakaitirwa Egipita;
17
ndikati: Ndicakuɓuɗisai pakunetswa kwenyu paEgipita, ndimuise kunyika yaʋaKanani, neyaʋaHeti, neyaʋaAmori, neyaʋaPerezi, neyaʋaHivi, neyaʋaJebusi, kunyika inoyerera mukaka noʋuci.
18
Ʋacaterera inzwi rako; uende, iwe naʋakuru ʋaIsraeri, kunamambo weEgipita, muti kwaari: Jehova, Mŋari waʋaHeberu, wakasoŋgana nesu; ɀino titendere kuenda rwendo rwamazuʋa matatu murenje, tindoɓayira Jehova, Mŋari weɗu.
19
Ndinoziʋa kuti mambo weEgipita haaŋgakutenderiyi kuenda, kwete, kunyaŋge noruʋoko runesimba.
20
Ndicatambanudza ruʋoko rwaŋgu, ndiroʋe Egipita neɀishamiso ɀaŋgu ɀose, ɀandicaita’mo; pashure ucakutenderai kuenda.
21
Ndicapa ʋanhu aʋa nyasha pamberi paʋaEgipita, kuti kana mucizoenda, murege kuenda musinecinhu.
22
Asi mukadzi mumŋe nomumŋe unofanira kukumbira kunowaanogara naye, nokumutorwa unogara mumba make, ʋukomba bgesirveri nobgendarama, neŋguʋo, kuti mufukidze ʋanakomana ʋenyu naʋanasikana ʋenyu; munofanira kutorera ʋaEgipita nhumbi dzaʋo.
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 4 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40