bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Exodus 6
Exodus 6
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 5
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 7 →
1
Jehova akati kunaMosesi: Ɀino mucaʋona ɀandicaitira Farao, nokuti ucaʋatendera kuenda noruʋoko runesimba, ucaʋadziŋga munyika yake noruʋoko runesimba.
2
Mŋari akataura ʋo naMosesi, akati kwaari: Ndini JEHOVA.
3
Ndakaɀiratidza kunaAbrahama, nokunaIsaka, nokunaJakobo ndiri Mŋari wamasimba ose, asi ndakaŋga ndisiŋgazikanwi naʋo nezita raŋgu rinonzi JEHOVA.
4
Ɀino ndakasimbisa suŋgano yaŋgu naʋo kuti ndiʋape nyika yeKanani, nyika yoʋutorwa bgaʋo, maʋakaŋga ʋari ʋatorwa.
5
Ndakanzwa kugomba kwaʋana ʋaIsraeri ʋakasuŋgwa naʋaEgipita paʋuranda, ndikaraŋgarira suŋgano yaŋgu.
6
Naiɀoɀo muti kuʋana ʋaIsraeri: Ndini Jehova, ini ndicakuɓuɗisai pamirimo yaʋaEgipita, ndicakusunuŋgurai paʋuranda bgenyu, ndicakudzikinurai noruʋoko rwakatambanudzwa, ʋuye nokutoŋga kukuru.
7
Ndicakutorai imi kuti muʋe ʋanhu ʋaŋgu, ini ndicaʋa Mŋari wenyu; imi mucaziʋa kuti ndini Jehova, Mŋari wenyu, iye unokuɓuɗisai pamirimo yaʋaEgipita.
8
Ndicakuisai kunyika, yandakasimudzira ruʋoko rwaŋgu kuti ndiipe Abrahama, naIsaka, naJakobo; ndicakupai iyo iʋe nhaka yenyu; ndini Jehova.
9
Mosesi akataura saiɀoɀo kuʋana ʋaIsraeri, asi haʋana‐kuterera Mosesi nokuɗa kweshuŋgu dzomŋeya nedzoʋuranda bgakaŋga ʋucirema.
10
Ɀino Jehova akataura naMosesi, akati:
11
Pinda, undotaura naFarao mambo weEgipita, kuti atendere ʋana ʋaIsraeri kuɓuɗa munyika yake.
12
Mosesi akataura pamberi paJehova, akati: Tarirai, ʋana ʋaIsraeri haʋana‐kunditerera; ɀino Farao uŋganditerera seiko, ini munhu unemiromo isina‐kudziŋgiswa?
13
Ipapo Jehova akataura naMosesi naAroni, akaʋatuma neshoko kuʋana ʋaIsraeri nokunaFarao, mambo weEgipita, kuti ʋaɓuɗise ʋana ʋaIsraeri munyika yeEgipita.
14
Ndiyo misoro yedzimba dzamadziɓaɓa aʋo: Ʋanakomana ʋaRubeni, ɗaŋgwe raIsraeri, ʋaiʋa Hanoki, naParu, naHezroni, naKarmi; ndiʋo ʋedzimba dzaRubeni.
15
Ʋanakomana ʋaSimeoni ʋaiʋa Jemueri, naJamini, naOhadi, naJakini, naZohari, naShauri, mŋanakomana womukadzi muKanani; ndiʋo ʋedzimba dzaSimeoni.
16
Ndiwo mazita aʋanakomana ʋaRevi namarudzi aʋo: Gershoni, naKohati, naMerari; makore oʋupenyu bgaRevi aiʋa makore anezana namakumi matanhatu namanomŋe.
17
Ʋanakomana ʋaGershoni ʋaiʋa Ribni, naShimei, namarudzi aʋo.
18
Ʋanakomana ʋaKohati ʋaiʋa Amrami, naIzari, naHebroni, naUzieri; makore oʋupenyu bgaKohati aiʋa makore anezana namakumi matatu namatatu.
19
Ʋanakomana ʋaMerari ʋaiʋa Makri, naMushi. Ndiʋo ʋedzimba dzaʋaRevi pamarudzi aʋo.
20
Amrami akawana Jokebedi, hanɀadzi yaɓaɓa ʋake, iye akamuɓerekera Aroni naMosesi; makore oʋupenyu bgaAmrami aiʋa makore anezana namakumi matatu namanomŋe.
21
Ʋanakomana ʋaIzari ʋaiʋa Kora, naNefegi, naZikri.
22
Ʋanakomana ʋaUzieri ʋaiʋa Mishaeri, naErzafani, naSitri.
23
Aroni akawana Erisheba, mukunda waAminadabi, hanɀadzi yaNashoni, iye akamuɓerekera Nadabi naAbihu, naEreazari, naItamari.
24
Ʋanakomana ʋaKora ʋaiʋa Asiri, naErikana, naAbiasafi; ndiʋo ʋedzimba dzaʋaKora.
25
Ereazari, mŋanakomana waAroni, akawana mumŋe waʋakunda ʋaPutieri, iye akamuɓerekera Pinehasi. Ndiyo misoro yedzimba dzamadziɓaɓa aʋaRevi nemhuri dzaʋo.
26
Ndiʋo ʋaya ʋanaAroni naMosesi ʋakanzi naJehova: Ƃuɗisai ʋana ʋaIsraeri munyika yeEgipita nehondo dzaʋo.
27
Ndiʋo ʋakataura naFarao, mambo weEgipita, kuti ʋaɓuɗise ʋana ʋaIsraeri muEgipita; ndiʋo ʋaya ʋanaMosesi naAroni.
28
Nomusi iwoyo Jehova akataura naMosesi munyika yeEgipita,
29
Jehova akataura naMosesi, akati: Ndini Jehova; ʋudza Farao, mambo weEgipita, ɀinhu ɀose ɀandakakuʋudza.
30
Ipapo Mosesi akati pamberi paJehova: Tarirai, ndiri munhu unemiromo isina‐kudziŋgiswa, ɀino Farao ucanditerera seiko?
← Chapter 5
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 7 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40