bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Exodus 4
Exodus 4
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 5 →
1
Ɀino Mosesi akapindura, akati: Asi tarirai, haʋaŋganditendi, kana kuterera inzwi raŋgu, nokuti ʋacati: Jehova haana‐kuɀiratidza kwauri.
2
Jehova akati kwaari: Cinyiko ico ciri muruʋoko rwako? Akati: Itȿimbo.
3
Akati: Ikandire pasi. Akaikandira pasi, ikashanduka nyoka, Mosesi akaitiza.
4
Ɀino Jehova akati kunaMosesi: Tambanudza ruʋoko rwako, uiɓate parumhinda; (iye akatambanudza ruʋoko rwake, akaiɓata, ikashanduka tȿimbo muruʋoko rwake);
5
kuti ʋatende kuti ndini Jehova, Mŋari wamadziɓaɓa aʋo, Mŋari waAbrahama, naMŋari waIsaka, naMŋari waJakobo, wakaɀiratidza kwauri.
6
Jehova akati ʋo kwaari: Isa ruʋoko rwako mucifuʋa cako: akaisa ruʋoko rwake mucifuʋa cake; ɀino wakati acirubvisa, ʋonei ruʋoko rwake rwaʋa namaperembudzi, rwati mbembe secando.
7
Akati: Isa ruʋoko rwako mucifuʋa cako ɀe. (Iye akaisa ruʋoko rwake mucifuʋa cake ɀe; ɀino wakati acirubvisa mucifuʋa cake, ʋonei rwashanduka ɀe senyama yake.)
8
Ɀino kana ʋaciramba kukutenda, kana kuterera inzwi reciratidzo cokutaŋga, ʋacatenda inzwi reciratidzo cecipiri.
9
Ɀino kana ʋaciramba kutenda ɀiratidzo iɀo ɀiʋiri, kana kutenda inzwi rako, ucere mvura yomurwizi, uiɗururire pakawoma, ipapo mvura yawacera icashanduka ropa ipapo pakawoma.
10
Ɀino Mosesi akati kunaJehova: Haiwa, Jehova, handizi munhu unogona kutaura ɀakanaka, kunyaŋge zuro, kana zuroriya, kana kubva paŋguʋa yamakataura nomuranda wenyu; nokuti ndiri munhu unomuromo usiŋgagoni norurimi rusiŋgagoni.
11
Jehova akati kwaari: Ndianiko wakaita muromo womunhu, ndianiko unoita mbeʋeʋe kana matsi, kana unoʋona, kana ɓofu? Ko handizini Jehova here?
12
Naiɀoɀo ɀino cienda, ini ndicaʋa muromo wako, ndikudzidzise ɀaunofanira kutaura.
13
Iye akati: Haiwa, Ishe, tumai henyu wamunoɗa kutuma naye.
14
Ɀino kutsamŋa kwaJehova kwakamukira Mosesi, akati: Ko Aroni, mukoma wako, muRevi, haazi’po here? Ndinoziʋa kuti iye unogona kutaura kwaɀo. Ɀino tarira, wotoɓuɗa kusoŋgana newe; kana acikuʋona ucafara mumŋoyo make.
15
Utaure naye, ugoisa mashoko mumuromo make; ini ndicaʋa nomuromo wako, ʋuye nomuromo wake, ndikudzidzisei ɀamunofanira kuita.
16
Iye ucataura naʋanhu panɀimbo yako, agoʋa muromo wako, iwe ucaʋa saMŋari kwaari.
17
Ɀino tora tȿimbo iyi muruʋoko rwako, ugoita ɀiratidzo nayo.
18
Ɀino Mosesi wakaenda, akadzokera kunaJetero, mukarabga wake, akati kwaari: Ƌonditenderai henyu kuenda, ndidzokere kuhama dzaŋgu Egipita, ndindoʋona kana ʋaciri ʋapenyu. Jetero akati kunaMosesi: Enda hako norugare.
19
Ɀino Jehova akati kunaMosesi paMidiani: Enda, udzokere Egipita, nokuti ʋanhu ʋose ʋaitȿaka kukuʋuraya ʋakafa.
20
Ipapo Mosesi akatora mukadzi wake naʋana ʋake ʋaʋakomana, akaʋataȿisa pamboŋgoro, akadzokera kunyika yeEgipita; Mosesi akatora tȿimbo yaMŋari muruʋoko rwake.
21
Jehova akati kunaMosesi: Kana wodzokera Egipita, cenjera kuti uite pamberi paFarao ɀishamiso ɀose ɀandaisa muruʋoko rwako; asi ndicawomesa mŋoyo wake, kuti arege kutendera ʋanhu kuenda.
22
Ɀino undoti kunaFarao: Ɀanzi naJehova: Israeri, mŋanakomana waŋgu, iɗaŋgwe raŋgu;
23
ndakati kwauri: Tendera mŋanakomana waŋgu kuenda andinamate; iwe ukaramba kumutendera; ɀino tarira ndicaʋuraya mŋanakomana wako weɗaŋgwe.
24
Ɀino ʋaciri panzira, paʋakaŋga ʋaʋata, Jehova akasoŋgana naye, akatȿaka kumuʋuraya.
25
Ipapo Zipora akatora ibge rinopinza, akaceka rukanda rwapamberi rwomŋanakomana wake, akarukanda patsoka dzake, akati: Ɀirokwaɀo, uri cikomba ceropa kwandiri.
26
Naiɀoɀo wakamurega. Ipapo akati: Uri cikomba ceropa nokuɗa kwokudziŋgiswa.
27
Ɀino Jehova wakati kunaAroni: Enda kurenje undosoŋgana naMosesi. Iye akaenda, akandosoŋgana naye pagomo raMŋari, akamuȿeta.
28
Ipapo Mosesi akaʋudza Aroni mashoko ose aJehova, aakaŋga amutuma nawo, neɀiratidzo ɀose ɀaakaŋga amuraira.
29
Mosesi naAroni ʋakaenda, ʋakaʋuŋganidza ʋakuru ʋose ʋaʋana ʋaIsraeri.
30
Aroni akataura mashoko ose akataurwa naJehova kunaMosesi, akaita ɀiratidzo pamberi pameso aʋanhu.
31
Ʋanhu ʋakatenda; ɀino ʋakati ʋanzwa kuti Jehova washanyira ʋana ʋaIsraeri, akaʋona kunetswa kwaʋo, ʋakakotamisa misoro yaʋo, ʋakanamata Jehova.
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 5 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40