bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Exodus 17
Exodus 17
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 16
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 18 →
1
Ɀino ʋuŋgano yose yaʋana ʋaIsraeri yakabva murenje reSini, ʋakafamba ʋaciita nzendonzendo, seɀaʋakaŋga ʋarairwa naJehova, ʋakaʋaka misasa yaʋo paRefidimi; ɀino ipapo pakaŋga pasinemvura iŋganwiwa naʋanhu.
2
Ʋanhu ʋakarwa naMosesi, ʋakati: Tipe mvura tinwe. Mosesi akati kwaʋari: Munorwireiko neni? Munoidzireiko Jehova?
3
Ʋanhu ɀino ʋakaŋga ʋanenyota yemvura ipapo, ʋanhu ʋakapopotera Mosesi, ʋakati: Watiɓuɗisireiko Egipita, kuti utiʋuraye nenyota, isu naʋana ʋeɗu, neɀipfuwo ɀeɗu?
4
Mosesi akacema kunaJehova, akati: Ndicaiteiko naʋanhu aʋa? Ʋoɗa kunditaka namabge.
5
Jehova akati kunaMosesi: Tuŋgamira pamberi paʋanhu, uende naʋakuru ʋaIsraeri, utore tȿimbo yako yawakamboroʋa rwizi nayo muruʋoko rwako uende.
6
Tarira ndicamira pamberi pako paɗombo riri paHorebi, uroʋe ɗombo iro, mvura icaɓuɗa pariri, ʋanhu ʋagonwa. Mosesi akaita saiɀoɀo pamberi paʋakuru ʋaIsraeri.
7
Akatumidza nɀimbo iyo zita rinonzi Masa neMeriba nokuɗa kwokurwa kwaʋana ʋaIsraeri; ʋuye nokuti ʋakaidza Jehova, ʋaciti: Jehova uri pakati peɗu here, kana kwete?
8
Ɀino Amareki wakaʋuya kuzorwa naʋaIsraeri paRefidimi.
9
Mosesi akati kunaJoshua: Utitsaurire ʋarume, ugondorwa naAmareki; maŋgwana ini ndicamira pamsoro pecikomo, ndakaɓata tȿimbo yaMŋari muruʋoko rwaŋgu.
10
Joshua akaita seɀaakaŋga aʋudzwa naMosesi, akandorwa naAmareki; Mosesi naAroni naHuri ʋakakwira pamsoro pecikomo.
11
Ɀino ɀakati kana Mosesi osimudza ruʋoko rwake, ʋaIsraeri ʋokunda, kana oregera ruʋoko rwake pasi, Amareki wokunda.
12
Asi maʋoko aMosesi akazoneta, ɀino ʋakatora ibge, ʋakariisa pasi pake, akagara pamsoro paro, Aroni naHuri ʋakatsigira maʋoko ake, mumŋe kunorumŋe rutiʋi, mumŋe kunorumŋe rutiʋi; maʋoko ake akaʋa nesimba kuȿikira pakuʋira kwezuʋa.
13
Joshua akakunda Amareki naʋanhu ʋake neminondo inopinza.
14
Ɀino Jehova akati kunaMosesi: Nyora iɀi mubuku, ʋaɀiraŋgarire, uɀirondedzere ʋo munzeʋe dzaJoshua, kuti ini ndicabvisa cose pasi pokuɗeŋga ɀose ɀinoraŋgaridza Amareki.
15
Ipapo Mosesi akaʋaka artari, akaitumidza zita rinonzi: Jehova‐nisi;
16
akati: Noruʋoko pacigaro coʋushe caJehova, ndinopika ndiciti: Jehova ucarwa naAmareki kuȿikira kumarudzi namarudzi.
← Chapter 16
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 18 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40