bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Exodus 39
Exodus 39
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 38
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 40 →
1
Ʋakaita ʋo ŋguʋo dzakarukwa ɀakanaka neɀitema, neɀishaʋa, neɀitȿuku, dzokushumira nadzo panɀimbo tȿene; ʋakaita ŋguʋo tȿene dzaAroni, seɀakaŋga ɀarairwa Mosesi naJehova.
2
Akaita efodi nendarama, ne ɀakarukwa ɀitema, neɀishaʋa, neɀitȿuku, nomuceka wakaiȿo‐naka wakarukwa.
3
Ʋakapambadzira ndarama, ʋakaita maɓape matete, ʋakaiceka, ʋakaita nhare dzokusonisa nadzo ɀakarukwa ɀitema, neɀishaʋa, neɀitȿuku, nemiceka yakaiȿo‐naka yakarukwa, riri ɓasa romunhu unogona.
4
Ʋakaiitira mabande pamafudzi akaɓatanidzwa; akaŋga akaɓatanidzwa pamiromo yayo miʋiri.
5
Nebanhire rakarukwa nomuɓati wakacenjera, rakaŋga riri pamsoro payo, rokuisuŋga naro; cakaŋga ciri cinhu cimŋe cete nayo, rakaitwa saiyo; rendarama, ne ɀakarukwa ɀitema, neɀishaʋa, neɀitȿuku, nemiceka yakaiȿo‐naka yakarukwa, seɀakaŋga ɀarairwa Mosesi naJehova.
6
Ʋakagadzira mabge eoniksi, akanyudzwa mukati meɀiruʋa ɀendarama, mazita aʋana ʋaIsraeri akanyorwa’po, seɀinonyorwa ibge rokusimbisa.
7
Akaaisa pamabande apamafudzi eefodi, kuti aʋe mabge okuraŋgaridza ʋana ʋaIsraeri, seɀakaŋga ɀarairwa Mosesi naJehova.
8
Akaita ʋo homboɗo yecifuʋa, raiʋa ɓasa romuɓati wakacenjera, seɀakaitwa ʋo efodi; akaiita nendarama, ne ɀakarukwa ɀitema, neɀishaʋa, neɀitȿuku, nemiceka yakaiȿo‐naka yakarukwa.
9
Yakaŋga inenhiʋi inna dzakaenzana; ʋakaita homboɗo yecifuʋa inemheto mbiri; kureɓa kwayo kwakaŋga kwakaita sapanoȿika minwe, noʋupamhi bgayo sapanoȿika minwe ʋo, inemheto mbiri.
10
Ʋakaisa mukati mayo misara minna yamabge, mumŋe musara waiʋa nesardio, netopasi, nekarbunkeri. Ndiwo musara wokutaŋga.
11
Napamusara wecipiri smaragdino, nesafiri, nedaimani.
12
Napamusara wecitatu hiakinti, neagati, neametisi.
13
Napamusara wecinna beriri, neoniksi, nejaspiri; akaŋga akanyudzwa muɀiruʋa ɀendarama.
14
Mabge akaŋga akaita samazita aʋana ʋaIsraeri, anegumi namaʋiri, samazita aʋo; akaŋga akanyorwa seɀinonyorwa ibge rokusimbisa, rimŋe nerimŋe rinezita raro, mazita amarudzi anegumi namaʋiri.
15
Napahomboɗo akaita ɀiketani ɀakafanana norwonzi rwendarama yakamoniwa yakaiȿo‐naka.
16
Ʋakaita ʋo ɀiruʋa ɀiʋiri ɀendarama, neɀindori ɀiʋiri ɀendarama, akaisa ɀindori ɀiʋiri pamiceto miʋiri yehomboɗo yecifuʋa.
17
Ʋakaisa ʋo ɀiketani ɀiʋiri ɀendarama yakamoniwa paɀindori ɀiʋiri ɀaiʋa pamiceto yehomboɗo yecifuʋa.
18
Ne mimŋe miromo miʋiri yeɀiketani ɀiʋiri ɀakamoniwa ʋakaiisa paɀiruʋa ɀiʋiri, ʋakaiisa pamabande apacifuʋa ceefodi necemberi kwayo.
19
Ʋakaita ʋo ɀindori ɀiʋiri ɀendarama, ʋakaɀiisa pamiceto miʋiri yehomboɗo yecifuʋa pamupendero wayo, uri kurutiʋi rweefodi necomukati.
20
Ʋakaita ʋo ɀindori ɀiʋiri ɀendarama ʋakaɀiisa pamabande maʋiria pamafudzi eefodi zasi necemberi kwayo, pedyo napayakaɓatanidzwa napo, pamsoro pebanhire reefodi rakarukwa noʋucenjeri.
21
Ʋakasuŋganidza homboɗo yecifuʋa neɀindori ɀayo paɀindori ɀeefodi norwonzi rutema, kuti ruʋe pamsoro pebanhire reefodi rakarukwa noʋucenjeri, kuti homboɗo yecifuʋa irege kusunuŋguka paefodi, seɀakaŋga ɀarairwa Mosesi naJehova.
22
Akaita ʋo jasi reefodi rakarukwa; rose rakaŋga riri romuceka mutema.
23
Akaita ɓuri rejasi pakati paro, seɓuri reŋguʋo yokurwa, rakaŋga rinomupendero wakapotedza ɓuri raro, kuti rirege kubvaruka.
24
Pamipendero yejasi ʋakaita matamba eɀakarukwa ɀitema, neɀishaʋa, neɀitȿuku, nomuceka wakarukwa.
25
Ʋakaita ʋo ɀitare ɀinorira ɀendarama yakaiȿo‐naka; ʋakaisa ɀitare pakati pamatamba pamipendero yejasi, kunhiʋi dzose, pakati pamatamba;
26
pakaʋa necitare cimŋe neɗamba rimŋe, necitare cimŋe ɀe neɗamba rimŋe ɀe, pamipendero yejasi kunhiʋi dzose, rikaʋa jasi rokushumira naro, seɀakaŋga ɀarairwa Mosesi naJehova.
27
Ʋakaitira Aroni naʋanakomana ʋake ŋguʋo dzakarukwa nomuceka wakaiȿo‐naka,
28
neŋgoani yomuceka wakaiȿo‐naka, nedzimŋe ŋgoani dzakanaka dzomuceka wakaiȿo‐naka, namaburuku omuceka wakarukwa wakaiȿo‐naka,
29
nebanhire romuceka wakaiȿo‐naka wakarukwa, ne ɀakarukwa ɀitema, neɀishaʋa, neɀitȿuku, rikaʋa ɓasa romusoni unogona, seɀakaŋga ɀarairwa Mosesi naJehova.
30
Ʋakaita ʋo hwendefa rekorona tȿene nendarama yakaiȿo‐naka, ʋakanyora pamsoro paro seɀinonyorwa ibge rokusimbisa, ʋaciti: MUTⱾENE KUNAJEHOVA.
31
Ʋakasuŋgira pariri rwonzi rutema, kuti ʋariɓatanidze naro paŋgoani kumsoro, seɀakaŋga ɀarairwa Mosesi naJehova.
32
Naiɀoɀo ɓasa rose retabernakeri yetente rokusoŋgana rakapera; ʋana ʋaIsraeri ʋakaita ɀose ɀakaŋga ɀarairwa Mosesi naJehova, ʋakaita saiɀoɀo.
33
Ɀino ʋakaʋuya netabernakeri kunaMosesi, ɀaiti: Tente nenhumbi dzaro dzose, neɀikorekedzo ɀaro, namatanda aro, nembariro dzaro, nembiru dzaro, neɀigadziko ɀaro;
34
necifukidzo camatebge amakondobge akazodzwa muti mutȿuku, necifukidzo camatebge amatenhe, necidzitiro cokudzitira naco;
35
neareka yecipupuriro, namatanda okutakura nawo, necifunhiro cokuyananisa;
36
netafura, nenhumbi dzayo dzose, neciŋgwa cokuratidza;
37
necigadziko cakaiȿo‐naka, nemŋenje yaco, mŋenje yokugadzirira’po, nenhumbi dzaco dzose, namafuta okuvenekesa nawo;
38
neartari yendarama, namafuta okuzodza nawo, neɀinonhuwira ɀakanaka, necidzitiro comukoʋa weTente;
39
neartari yendarira, necakarukwa cayo cendarira, namatanda, nenhumbi dzayo dzose, nomudziyo wokushambidzira, necigadziko cawo;
40
neɀirembedzwa ɀaparuʋazhe, nembiru dzaɀo, neɀigadziko ɀadzo, necidzitiro cesuʋo roruʋazhe, norwonzi rwaco, nembambo dzaco, nenhumbi dzose dzokuɓata nadzo patabernakeri, patente rokusoŋgana;
41
neŋguʋo dzakarukwa ɀakanaka noʋucenjeri dzokushumira nadzo panɀimbo tȿene, neŋguʋo tȿene dzaAroni muprista, neŋguʋo dzaʋanakomana ʋake, dzokushumira nadzo paɓasa roʋuprista.
42
Ɀose seɀakaŋga ɀarairwa Mosesi naJehova, saiɀoɀo ʋana ʋaIsraeri ʋakaita maɓasa ose.
43
Mosesi akatarira maɓasa ose, akaʋona kuti ʋakaŋga ʋaaita seɀakaŋga ɀarairwa naJehova, ndiɀo ɀaʋakaita; Mosesi akaʋaropafadza.
← Chapter 38
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 40 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40