bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Exodus 29
Exodus 29
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 28
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 30 →
1
Ɀino ndico cinhu caunofanira kuʋaitira kuti uʋaite ʋatȿene, ʋandishumire paɓasa roʋuprista: Utore nzombe imŋe ɗuku; namakondobge maʋiri asinemhoȿa,
2
neciŋgwa cisina‐kuʋiriswa, neɀiŋgwa ɀiɗuku ɀisina‐kuʋiriswa ɀakakanyiwa namafuta, neɀiŋgwa ɀitete ɀisina‐kuʋiriswa ɀakazodzwa mafuta; unofanira kuɀiita noʋupfu bgakatsetseka bgekoroni.
3
Uɀiise muɗeŋgu rimŋe, ugoʋuya naɀo ɀiri muɗeŋgu, pamŋe cete nenzombe ɗuku namakondobge maʋiri.
4
Ɀino uʋuye naAroni naʋanakomana ʋake kumukoʋa wetente rokusoŋgana, ugoʋashambidza nemvura;
5
utore ʋo hanzu, ugofukidza Aroni ŋguʋo nejasi reefodi, neefodi, nehomboɗo yecifuʋa; ʋuye umusuŋge ciʋuno cake nebanhire reefodi rakarukwa noʋucenjeri;
6
uise ʋo ŋgoani pamusoro wake, nokuisa ʋo korona tȿene paŋgoani.
7
Ɀino unofanira kutora mafuta ecizoro, uaɗire pamusoro wake, umuzodze.
8
Ɀino uʋuyise ʋo ʋanakomana ʋake, uʋafukidze majasi.
9
Uʋasuŋge ɀiʋuno ɀaʋo nebanhire, iye Aroni naʋanakomana ʋake, ugoʋaisa ŋgoani; ʋaʋe ʋaprista nomutemo usiŋgaperi; ugadze Aroni naʋanakomana ʋake.
10
Ɀino unofanira kuʋuyisa nzombe pamberi petente rokusoŋgana, Aroni naʋanakomana ʋake ʋagoisa maʋoko aʋo pamusoro wenzombe.
11
Ugoɓaya nzombe pamberi paJehova pamukoʋa wetente rokusoŋgana.
12
Ɀino utore ropa renzombe, ugoriisa panyaŋga dzeartari nomunwe wako, ndokuɗururira ropa rose mujiŋga meartari.
13
Ɀino utore ʋo mafuta ose anofukidza ʋura, namafuta ari pamsoro peciropa, netȿo mbiri, namafuta ari padziri, uɀipise pamsoro peartari.
14
Asi nyama yenzombe, neɗebge rayo, namaɀiɀi ayo, unofanira kuɀipisa nomŋoto kunze kwemisasa; cipiriso ceɀiʋi.
15
Unofanira kutora ʋo gondobge rimŋe, Aroni naʋanakomana ʋake ʋagoisa maʋoko aʋo pamusoro wegondobge;
16
ɀino uɓaye gondobge, utore ropa raro, urisase panhiʋi dzose dzeartari.
17
Ipapo ucekanye gondobge, nokusuka ʋura bgaro, namakumbo aro, uise iɀoɀo pamŋe cete nenhindi dzaro, nomusoro waro.
18
Ɀino unofanira kupisa gondobge rose paartari; cipiriso cinopisirwa Jehova, cipo cinonhuwira, cipiriso cakaitirwa Jehova pamŋoto.
19
Ɀino utore ʋo gondobge rimŋe, Aroni naʋanakomana ʋake ʋaise maʋoko aʋo pamusoro wegondobge.
20
Ipapo unofanira kuɓaya gondobge, ndokutora rimŋe ropa raro, ugoriisa pamuceto wezasi wenzeʋe yorudyi yaAroni, napamiceto yenzeʋe dzorudyi dzaʋanakomana ʋake napamagunwe amaʋoko orudyi, napamagunwe etsoka dzaʋo dzorudyi, nokusasa ʋo ropa panhiʋi dzose dzeartari.
21
Ɀino unofanira kutora rimŋe ropa, riri paartari, namamŋe mafuta okuzodza, uɀisase pamsoro paAroni napaŋguʋo dzake, napamsoro paʋanakomana ʋake, napaŋguʋo dzaʋanakomana ʋake, pamŋe cete naye, kuti aʋe mutȿene iye, neŋguʋo dzake, naʋanakomana ʋake, neŋguʋo dzaʋanakomana ʋake, pamŋe cete naye.
22
Ɀino utore ʋo mamŋe mafuta egondobge, neɓemhe raro, namafuta anofukidza ʋura, namafuta ari pamsoro peciropa, netȿo mbiri, namafuta ari padziri, neɓandauko rorudyi, (nokuti igondobge rokugadza naro),
23
neɓundu rimŋe reciŋgwa, neciŋgwa cimŋe ciɗuku cinamafuta, neciŋgwa cimŋe citete cinobva muɗeŋgu reɀiŋgwa ɀisina‐kuʋiriswa, ɀiri pamberi paJehova.
24
Ɀino uɀiise ɀose pamaʋoko aAroni napamaʋoko aʋanakomana ʋake, ʋagoɀizuŋguzira, ciʋe cipo cinozuŋguzirwa pamberi paJehova.
25
Ɀino uɀibvise pamaʋoko aʋo, uɀipise paartari pamsoro pecipiriso cinopiswa, kuti ciʋe cipo cinonhuwira pamberi paJehova; cipiriso cakaitirwa Jehova pamŋoto.
26
Utore ʋo cityu cegondobge rokugadza naro raAroni, urizuŋguzire pamberi paJehova, kuti ciʋe cipo cinozuŋguzirwa; ndiwo mugoʋe wako.
27
Ɀino cityu cinozuŋguzirwa ucitsaure, neɓandauko recipiriso cinosimudzwa, cinozuŋguzirwa nokusimudzwa, ɀegondobge rokugadza naro, kuti ɀiʋe ɀaAroni neɀaʋanakomana ʋake.
28
Iɀoɀo ɀinofanira kupiwa Aroni naʋanakomana ʋake naʋana ʋaIsraeri nokusiŋgaperi, nokuti cipiriso cinosimudzwa; cinofanira kuʋa cipiriso cinosimudzwa, cinobva kuʋana ʋaIsraeri paɀiɓayiro ɀeɀipiriso ɀaʋo ɀokuyananisa, ciʋe cipiriso caʋo cinosimudzirwa Jehova.
29
Ŋguʋo dzaAroni dzicaʋa dzaʋanakomana ʋake ʋanomuteʋera, kuti ʋazodzwe ʋakadzifuka, ʋagadzwe ʋakadzifuka.
30
Mŋanakomana wake unopinda paʋuprista panɀimbo yake, unofanira kudzifuka mazuʋa manomŋe, kana acipinda mutente rokusoŋgana kushumira panɀimbo tȿene.
31
Ɀino unofanira kutora gondobge rokugadza naro, uɓike nyama yaro panɀimbo tȿene.
32
Aroni naʋanakomana ʋake ŋgaʋadye nyama yegondobge, neciŋgwa ciri muɗeŋgu pamukoʋa wetente rokusoŋgana.
33
Ʋanofanira kudya iɀoɀo ɀaiyananiswa naɀo, pakugadzwa nokutsaurwa kwaʋo; asi mŋeni ŋgaarege kuɀidya, nokuti ɀitȿene.
34
Kana imŋe nyama yokugadza nayo ikasara, kana cimŋe ciŋgwa, kuȿikira maŋgwana, unofanira kupisa ɀasara nomŋoto; haɀifaniri kudyiwa, nokuti ɀitȿene.
35
Unofanira kuitira Aroni naʋanakomana ʋake saiɀoɀo, ɀose seɀandakakuraira; uite mazuʋa manomŋe uciʋagadza.
36
Zuʋa rimŋe nerimŋe unofanira kuɓayira nzombe yecipiriso ceɀiʋi, cokuyananisa naco; unofanira kunatsa artari, kana uciiyananisira; uizodze kuti uitsaure.
37
Unofanira kuita mazuʋa manomŋe pakuyananisira artari, nokuitsaura; kuti artari iʋe tȿene kwaɀo, ʋuye ɀose ɀinoɓata paartari ɀinofanira kuʋa ɀitȿene.
38
Ɀino ndiɀo ɀaunofanira kuɓayira paartari: Zuʋa rimŋe nerimŋe ŋguʋa dzose makwaiana maʋiri.
39
Rimŋe gwaiana unofanira kuriɓayira maŋgwanani, rimŋe gwaiana unofanira kuriɓayira maɗekwana.
40
Pamŋe cete negwaiana rimŋe unofanira kuisa cipiriso coʋupfu bgakatsetseka bgakaȿika pacegumi ceefa bgakakanyiwa nececinna cehini yamafuta akaȿinhiwa nececinna cehini yewaini, ciʋe cipiriso cinoɗururwa.
41
Rimŋe gwaiana uriɓayire maɗekwana, uriitire seɀawakaitira cipiriso coʋupfu camaŋgwanani, neɀawakaitira cipiriso caro cinonwiwa, kuti ciʋe cipiriso cinonhuwira, cipiriso cakaitirwa Jehova pamŋoto.
42
Cinofanira kuʋa cipiriso cinopiswa ŋguʋa dzose pamarudzi enyu ose, pamukoʋa wetente rokusoŋgana pamberi paJehova, pandicasoŋgana nemi, nditaure’po newe.
43
Ndi’po pandicasoŋgana naʋana ʋaIsraeri, ʋuye tente ricatsaurwa nokubginya kwaŋgu.
44
Tente rokusoŋgana neartari ndicaɀitsaura; ʋuye Aroni naʋanakomana ʋake ndicaʋatsaura, kuti ʋandishumire paɓasa roʋuprista.
45
Ndicagara pakati paʋana ʋaIsraeri, kuti ndiʋe Mŋari waʋo.
46
Ʋacaziʋa kuti ndini Jehova waʋo, wakaʋaɓuɗisa panyika yeEgipita, kuti ndigare pakati paʋo; ndini Jehova Mŋari waʋo.
← Chapter 28
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 30 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40