bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Exodus 35
Exodus 35
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 34
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 36 →
1
Ɀino Mosesi wakaʋuŋganidza ʋuŋgano yose yaʋana ʋaIsraeri, akati kwaʋari: Ndiwo mashoko akarairwa naJehova kuti muaite:
2
Maɓasa ose ŋgaaɓatwe namazuʋa matanhatu, asi zuʋa recinomŋe rinofanira kuʋa kwamuri zuʋa dɀene, saɓata rokuzorora kwaɀo pamberi paJehova; aninani unoɓate‐ɓasa ripi neripi naro, ŋgaaʋurawe.
3
Regai kuʋesa mŋoto padzimba dzenyu dzose nezuʋa resaɓata.
4
Mosesi akataura neʋuŋgano yose yaʋana ʋaIsraeri, akati: Ndico cinhu cakarairwa naJehova, aciti:
5
Ripirai Jehova cipo paɀinhu ɀenyu; aninani unomŋoyo unoɗa, ŋgaaʋuye naco, ciʋe cipo caJehova, ɀinoti: Ndarama, nesirveri, nendarira,
6
ne ɀakarukwa ɀitema, neɀishaʋa, neɀitȿuku, nemiceka yakaiȿo‐naka, ne mʋere dzembudzi,
7
namatebge amakondobge akazodzwa ɀitȿuku, namatebge amatenhe, namatanda omuakasia,
8
namafuta omŋenje, neɀinonhuwira ɀamafuta okuzodza, noʋupfu ʋunonhuwira,
9
neɀibge ɀeoniksi, neɀibge ɀokuisa paefodi napahomboɗo yecifuʋa.
10
Ʋarume ʋose pakati penyu ʋanemŋoyo yakacenjera ŋgaʋaʋuye, ʋaite ɀose ɀakarairwa naJehova;
11
ɀinoti: Tabernakeri netente rayo, necifukidzo cayo, neɀikorekedzo ɀayo, namapuraŋga ayo, nembariro dzayo, nembiru dzayo, neɀigadziko ɀayo;
12
neareka, namatanda ayo, necifunhiro cokuyananisa, necidzitiro cinodzitira,
13
netafura, namatanda ayo, nenhumbi dzayo dzose, neciŋgwa cokuratidza,
14
necigadziko cemŋenje yokuveneka nayo, nenhumbi dzaco, nemŋenje yaco, namafuta okuvenekesa nawo,
15
neartari yeɀinonhuwira, namatanda ayo, namafuta okuzodza nawo, noʋupfu ʋunonhuwira, necidzitiro comukoʋa pamukoʋa wetabernakeri,
16
neartari yeɀipiriso ɀinopiswa, necakarukwa cayo cendarira, namatanda ayo, nenhumbi dzayo dzose, nomudziyo wokushambidzira, necigadziko cawo,
17
neɀidzitiro ɀoruʋazhe, nembiru dzaɀo, neɀigadziko ɀadzo, necidzitiro cesuʋo roruʋazhe,
18
nembambo dzetabernakeri, nembambo dzoruʋazhe, netambo dzadzo,
19
neŋguʋo dzakarukwa ɀakanaka dzokushumira nadzo panɀimbo tȿene, neŋguʋo tȿene dzaAroni muprista, neŋguʋo dzaʋanakomana ʋake dzokushumira nadzo paɓasa roʋuprista.
20
Ɀino ʋuŋgano yose yaʋana ʋaIsraeri yakabva kunaMosesi,
21
ʋakaʋuya, mumŋe nomumŋe wakamutswa nomŋoyo wake, nomumŋe nomumŋe wakatendiswa nomŋeya wake, ʋakaʋuya necipo caJehova, cokuɓate‐ɓasa retente rokusoŋgana namaɓasa aro ose, neŋguʋo tȿene.
22
Ʋakaʋuya ʋarume naʋakadzi, ʋose ʋaiʋa nemŋoyo yakaŋga iciɗa, ʋakaʋuya neɀikorekedzo, neɀindori ɀenzeʋe, neɀindori ɀokusimbisa, neɀishoŋgo ɀamaʋoko, neɀishoŋgo ɀose ɀendarama; mumŋe nomumŋe wakaʋigira Jehova cipo cendarama.
23
Murume mumŋe nomumŋe waiʋa ne ɀakarukwa ɀitema, neɀishaʋa, neɀitȿuku, nemiceka yakaiȿo‐naka, ne mʋere dzembudzi, namatebge amakondobge akazodzwa ɀitȿuku, namatebge amatenhe, wakaʋuya naɀo.
24
Mumŋe nomumŋe waigona kuripa cipo cesirveri necendarira wakaʋuya necipo caJehova; mumŋe nomumŋe waiʋa namatanda omuakasia, aʋaigona kuɓata nawo, wakaʋuya nawo.
25
Ʋakadzi ʋose ʋaiʋa nemŋoyo yakaŋgwara ʋakaruka namaʋoko aʋo, ʋakaʋuya neɀaʋakaruka, ɀaiti: Ɀakarukwa ɀitema, neɀishaʋa, neɀitȿuku, nemiceka yakaiȿo‐naka.
26
Ʋakadzi ʋose ʋakaŋga ʋamutswa nemŋoyo yaʋo kuʋa ʋakacenjera ʋakaruka mʋere dzembudzi.
27
Naʋakuru ʋakaʋuya neɀibge ɀeoniksi, neɀibge ɀokuisa paefodi, napahomboɗo yecifuʋa,
28
nemiti inonhuwira, namafuta okuvenekesa nawo, neɀokuzodza naɀo, noʋupfu ʋunonhuwira.
29
Ʋana ʋaIsraeri ʋakaʋuya nemŋoyo yaʋo neɀipo ɀokupa Jehova; murume mumŋe nomumŋe nomukadzi mumŋe nomumŋe waitendiswa nomŋoyo wake kuti aʋigire ɀokuɓata naɀo ɓasa rose rakaŋga rarairwa naJehova, kuti riitwe naMosesi.
30
Ɀino Mosesi akati kuʋana ʋaIsraeri: Tarirai, Jehova wakaɗana nezita rake Bezareri, mŋanakomana waUri, mŋanakomana waHuri, worudzi rwaJuda,
31
akamuzadza noMŋeya waMŋari aʋe nokucenjera, nokunzwisisa, nokuziʋa kwose, nokugona marudzi ose amaɓasa,
32
kuti afuŋge mano oʋumhizha, nokuɓata nendarama, nesirveri, nendarira,
33
nokuʋeza mabge anoiswa mukati, nokuʋeza matanda, nokugona kuɓata maɓasa ose oʋumhizha.
34
Akaisa mumŋoyo make ʋucenjeri bgokudzidzisa ʋamŋe, iye naOhoriabi, mŋanakomana waAhisamaki, worudzi rwaDani.
35
Akaʋazadza nokucenjera kwomŋoyo, kuti ʋagone kuɓata maɓasa ose omuʋezi wamabge, neemhizha, naaʋasoni ʋe ɀakarukwa ɀitema, neɀishaʋa, neɀitȿuku, nemiceka yakaiȿo‐naka, naaʋaruki ʋanoɓata maɓasa ose, naaʋose ʋanofuŋga mano amaɓasa oʋumhizha.
← Chapter 34
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 36 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40