bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Exodus 37
Exodus 37
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 36
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 38 →
1
Ɀino Bezareri akaita areka yamatanda omuakasia; kureɓa kwayo kwaiʋa makubiti maʋiri nehafu, noʋupamhi bgayo kubiti rimŋe nehafu, nokukwirira kwayo kubiti rimŋe nehafu;
2
akaifukidza nendarama yakaiȿo‐naka necomukati necokunze, akaita pamsoro payo hata yendarama yakaipotedza.
3
Akaiʋumbira ɀindori ɀinna ɀendarama, akaɀiisa pamakumbo ayo manna; ɀindori ɀiʋiri ɀaiʋa parutiʋi rumŋe, neɀindori ɀiʋiri panorumŋe rutiʋi ɀe.
4
Akaʋeza matanda omuakasia, akaafukidza nendarama,
5
akapinza matanda iwayo muɀindori ɀaiʋa panhiʋi dzeareka, kuti areka itakurwe nawo.
6
Akaita ʋo cifunhiro cokuyananisa nendarama yakaiȿo‐naka; kureɓa kwaco kwaiʋa makubiti maʋiri nehafu, noʋupamhi bgaco kubiti rimŋe nehafu;
7
akaita makerubi maʋiri endarama, akaaita nendarama yakapambadzirwa pamiromo miʋiri yecifunhiro cokuyananisa,
8
kerubi rimŋe pamuromo mumŋe, nerimŋe kerubi panomumŋe muromo; akaita makerubi pamiromo yaco miʋiri, ɀikaʋa cinhu cimŋe cete necifunhiro cokuyananisa.
9
Makerubi akaŋga akatambanudzira mapapiro awo kumsoro, akafukidza cifunhiro cokuyananisa namapapiro awo, ɀiso ɀawo ɀakatarisana; ɀiso ɀamakerubi ɀakaŋga ɀakatarira kucifunhiro cokuyananisa.
10
Akaita ʋo tafura yamatanda omuakasia; kureɓa kwayo kwaiʋa makubiti maʋiri, noʋupamhi bgayo kubiti rimŋe, nokukwirira kwayo kubiti rimŋe nehafu.
11
Akaifukidza nendarama yakaiȿo‐naka, akaiitira ʋo hata yendarama yakaŋga iciipotedza;
12
akaiitira ʋo ʋukomba bgakaŋga ʋuciipotedza, ʋupamhi bgabgo secanza; akaiitira ʋo hata yendarama yaipotedza ʋukomba bgayo.
13
Akaiitira ɀindori ɀinna ɀendarama, akaisa ɀindori pamakona manna aiʋa pamakumbo ayo manna.
14
Ɀindori ɀaiʋa pedyo noʋukomba, paiʋa pokutakura tafura napo namatanda.
15
Akaita matanda omuakasia, akaafukidza nendarama, kuti tafura itakurwe nawo.
16
Akaita ʋo midziyo yaigara pamsoro petafura, ndiro dzayo, nembiya dzayo, nemikombe yayo, neɀiroŋgo ɀayo ɀokuɗira naɀo, ɀose ɀendarama yakaiȿo‐naka.
17
Akaita ʋo cigadziko cemŋenje cendarama yakaiȿo‐naka; akaita cigadziko nendarama yakapambadzirwa, cigadziko caco, nehunde yaco, notumbiya twaco, namafundo aco, namaruʋa aco; ɀose ɀikaʋa cinhu cimŋe cete naco;
18
kumatiʋi aco kukaɓuɗa mataʋi matanhatu, mataʋi matatu ecigadziko kunorumŋe rutiʋi rwaco, namataʋi matatu ecigadziko kunorumŋe rutiʋi rwaco.
19
Tumbiya tutatu twakaʋumbga samaruʋa omuamanda paɗaʋi rimŋe, nefundo neruʋa, notumbiya tutatu ɀe twakaʋumbga samaruʋa omuamanda panerimŋe ɗaʋi, nefundo neruʋa; saiɀoɀo mataʋi matanhatu akaɓuɗa pacigadziko.
20
Ʋuye pacigadziko pakaŋga panotumbiya tunna twakaŋga twakaʋumbga samaruʋa omuamanda, namafundo atwo, namaruʋa atwo;
21
nefundo panyasi pamataʋi maʋiri akaŋga akaʋumbga pamŋe cete naco; nefundo ɀe panyasi pamataʋi maʋiri akaʋumbga pamŋe cete naco, akafanana namataʋi matanhatu akaɓuɗa pacigadziko.
22
Mafundo aɀo namataʋi aɀo akaŋga akaʋumbga pamŋe cete naɀo, ɀose ɀikaʋa cinhu cimŋe cakaŋga cakaʋumbga nendarama yakaiȿo‐naka, yakapambadzirwa.
23
Akaita mŋenje yaco minomŋe, nembato dzaco, nendiro dzaco, ɀose nendarama yakaiȿo‐naka.
24
Akaciʋumba netarenta rendarama yakaiȿo‐naka, pamŋe cete nemidziyo yayo yose.
25
Akaita ʋo artari yeɀinonhuwira nomuakasia; kureɓa kwayo kwakaŋga kuri kubiti rimŋe, noʋupamhi bgayo kubiti rimŋe ɀe; nhiʋi dzose inna dzakaŋga dzakaenzana; kukwirira kwayo kwaiʋa makubiti maʋiri, nenyaŋga dzayo dzakaŋga dziri cinhu cimŋe cete nayo.
26
Akaifukidza nendarama yakaiȿo‐naka, kumsoro kwayo, nenhiʋi dzayo dzose, nenyaŋga dzayo; akaiitira ʋo hata yendarama yakaŋga yakaipotedza.
27
Akaiitira ʋo ɀindori ɀiʋiri ɀendarama pasi pehata yayo, pakona dzayo mbiri, panhiʋi dzayo mbiri, pakaʋa pokuitakura napo namatanda.
28
Akaita ʋo matanda omuakasia, akaafukidza nendarama.
29
Akaita ʋo mafuta matȿene okuzodza nawo, neɀinonhuwira ɀakaiȿo‐naka ɀemiti inonaka, ɀikaʋa ɀakaveŋganiswa noʋucenjeri bgomuveŋganisi weɀinonhuwira.
← Chapter 36
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 38 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40