bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Exodus 26
Exodus 26
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 25
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 27 →
1
Uite tabernakeri namacira anegumi, uaite nomuceka wakaiȿo‐naka, wakarukwa, ne ɀakarukwa ɀitema, neɀishaʋa, neɀitȿuku, ɀinamakerubi, riʋe ɓasa romunhu unogona kuruka.
2
Kureɓa kwejira rimŋe nerimŋe ŋgakuʋe makubiti makumi maʋiri namasere, noʋupamhi bgejira rimŋe nerimŋe makubiti manna; macira ose aenzane.
3
Macira mashanu ŋgaaɓatanidzwe pamŋe cete, namamŋe macira mashanu ŋgaaɓatanidzwe pamŋe cete ɀe.
4
Uite ɀiswe ɀitema pamupendero wejira rimŋe rokupedzisira panaakaɓatanidzwa pamŋe cete; ugoita ʋo saiɀoɀo pamupendero wejira rokupedzisira panaakaɓatanidzwa ɀe pamŋe cete.
5
Uite ɀiswe ɀinamakumi mashanu pajira rimŋe, nokuita ʋo ɀiswe ɀinamakumi mashanu pamupendero wejira ramamŋe akaɓatanidzwa pamŋe cete, ɀiswe ɀitarisane.
6
Uite ʋo ɀikorekedzo ɀendarama ɀinamakumi mashanu, ugoɓatanidza macira neɀikorekedzo iɀoɀo, tabernakeri ciʋe cinhu cimŋe cete.
7
Uite macira emvere dzembudzi riʋe tente pamsoro petabernakeri; uiite namacira anegumi nerimŋe.
8
Kureɓa kwejira rimŋe ŋgakuʋe makubiti anamakumi matatu, noʋupamhi bgejira rimŋe makubiti manna; macira anegumi nerimŋe aenzane.
9
Uɓatanidze macira mashanu pamŋe cete, namacira matanhatu pamŋe cete, ugopeta jira recitanhatu, riite mheto mbiri kumuromo kwetente.
10
Uite ʋo ɀiswe ɀinamakumi mashanu pamupendero wejira rimŋe rokupedzisira panaakaɓatanidzwa pamŋe cete, neɀiswe ɀinamakumi mashanu pamupendero wejira rokupedzisira panamamŋe akaɓatanidzwa pamŋe cete.
11
Uite ʋo ɀikorekedzo ɀinamakumi mashanu ɀendarira, ugoisa ɀikorekedzo muɀiswe, uɓatanidze tente pamŋe cete, ciʋe cinhu cimŋe cete.
12
Rutiʋi rwakasara runorembera pamacira etente, hafu yejira rimŋe rakasara, ŋgarirembere neceshure kwetabernakeri.
13
Ʋuye kubiti rimŋe panorumŋe rutiʋi, nekubiti rimŋe panorumŋe rutiʋi ɀe, ɀakasara pakureɓa kwamacira etente, ŋgaɀirembere panhiʋi dzetabernakeri necoʋuno necokoko, kuifukidza.
14
Uitire ʋo tente cifukidzo camatebge amakondobge akazodzwa muti mutȿuku, necifukidzo camatebge amatenhe pamsoro paiɀoɀo.
15
Uitire ʋo tabernakeri mapuraŋga anomiswa omuakasia.
16
Kureɓa kwepuraŋga rimŋe nerimŋe ŋgakuʋe makubiti anegumi, noʋupamhi bgepuraŋga rimŋe nerimŋe kubiti rimŋe nehafu.
17
Puraŋga rimŋe nerimŋe ŋgariitirwe ɀiɓato ɀiʋiri, ɀakaɓatanidzwa; ndiɀo ɀaunofanira kuitira mapuraŋga ose etabernakeri.
18
Unofanira kuita mapuraŋga etabernakeri, mapuraŋga anamakumi maʋiri okurutiʋi rwezasi, anotarira zasi.
19
Ita ʋo ɀigadziko ɀesirveri ɀinamakumi manna pasi pamapuraŋga anamakumi maʋiri, ɀigadziko ɀiʋiri pasi pepuraŋga rimŋe paɀiɓato ɀaro ɀiʋiri, neɀigadziko ɀiʋiri pasi perimŋe puraŋga paɀiɓato ɀaro ɀiʋiri;
20
ʋuye mapuraŋga makumi maʋiri kurutiʋi rwecipiri rwetabernakeri kurutiʋi rwokumsoro;
21
neɀigadziko ɀawo ɀesirveri ɀinamakumi manna, ɀigadziko ɀiʋiri pasi pepuraŋga rimŋe, neɀigadziko ɀiʋiri pasi perimŋe puraŋga.
22
Ita ʋo mapuraŋga matanhatu kurutiʋi rwemberi rwetabernakeri kumaʋirazuʋa.
23
Uite ʋo mapuraŋga maʋiri kumakona etabernakeri kurutiʋi rwemberi.
24
Ŋgaaite maʋiri necenyasi; saiɀoɀo ŋgaaʋe maʋiri akaɓatanidzwa kuȿikira kumsoro kucindori cokutaŋga; ŋgaaitwe saiɀoɀo ari maʋiri, aʋe’po pamakona maʋiri.
25
Aʋe mapuraŋga masere aneɀigadziko ɀawo ɀesirveri, ɀiʋe ɀigadziko ɀinegumi neɀitanhatu; ɀigadziko ɀiʋiri ɀiʋe pasi pepuraŋga rimŋe, neɀigadziko ɀiʋiri pasi perimŋe puraŋga.
26
Uite ʋo mbariro dzomuakasia, shanu dzamapuraŋga orumŋe rutiʋi rwetabernakeri;
27
nembariro shanu dzamapuraŋga orutiʋi rwecipiri rwetabernakeri, nembariro shanu dzamapuraŋga orutiʋi rwetabernakeri kurutiʋi rwemberi kumaʋirazuʋa.
28
Rumbariro rwapakati ŋgaruʋe pakati pamapuraŋga, rubve kunorumŋe rutiʋi rucindoȿikira kunorumŋe rutiʋi.
29
Ufukidze mapuraŋga nendarama; uite ʋo ɀindori ɀawo nendarama, paŋgagara mbariro: nembariro udzifukidze nendarama.
30
Uʋake tabernakeri nomufananidzo wayo wawakaratidzwa mugomo.
31
Uite ʋo cidzitiro ne ɀakarukwa ɀitema, neɀishaʋa, neɀitȿuku, nomuceka wakaiȿo‐naka wakarukwa; ŋgaciitwe cinamakerubi, riʋe ɓasa romunhu unogona kuruka.
32
Ucirembedze pambiru inna dzomuakasia dzakafukidzwa nendarama; ɀikorekedzo ɀadzo ɀiʋe ɀendarama, ʋuye dzinofanira kumira paɀigadziko ɀadzo ɀinna ɀesirveri.
33
Urembedze cidzitiro pasi peɀikorekedzo, ugoisa’mo areka yecipupuriro mukati mecidzitiro; cidzitiro cigoʋa kwamuri cinhu cinoparadzanisa pakati penɀimbo tȿene nenɀimbo tȿene‐tȿene.
34
Uise ʋo cifunhiro cokuyananisa pamsoro peareka yecipupuriro panɀimbo tȿene‐tȿene.
35
Tafura uiise kunze kwecidzitiro necigadziko cemŋenje cakatarisana netafura parutiʋi rwetabernakeri kurutiʋi rwenyasi; tafura uiise kurutiʋi rwokumsoro.
36
Unofanira kuitira ʋo mukoʋa wetente cidzitiro ce ɀakarukwa ɀitema, neɀishaʋa neɀitȿuku, nomuceka wakaiȿo‐naka wakarukwa, riʋe ɓasa romusoni unogona.
37
Uitire cidzitiro mbiru shanu dzomuakasia, ucidzifukidza nendarama; ɀikorekedzo ɀadzo ɀiʋe ɀendarama, ʋuye uɀiʋumbire ɀigadziko ɀishanu ɀendarira.
← Chapter 25
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 27 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40