bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Exodus 32
Exodus 32
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 31
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 33 →
1
Ɀino ʋanhu ʋakati ʋaciʋona kuti Mosesi wononoka kuɓuruka mugomo, ʋakaʋuŋgana kunaAroni, ʋakati kwaari: Simuka, utiitire ʋamŋari ʋaŋgatituŋgamirira, nokuti kana ari Mosesi uyu, uya munhu wakatiɓuɗisa munyika yeEgipita, hatiziʋi cakaitika naye.
2
Ɀino Aroni akati kwaʋari: Gurai ɀindori ɀendarama ɀiri panzeʋe dzaʋakadzi ʋenyu nedzaʋanakomana ʋenyu naʋanasikana ʋenyu, muʋuye naɀo kwandiri.
3
Ɀino ʋanhu ʋose ʋakagura ɀindori ɀendarama ɀakaŋga ɀiri panzeʋe dzaʋo, ʋakaʋuya naɀo kunaAroni.
4
Iye akaɀigamucira pamaʋoko aʋo, akaɀiʋeza nenhumbi yokuʋeza nayo, akaita naɀo mhuru yakaʋumbga. Iʋo ʋakati: Ndiʋo ʋamŋari ʋenyu, imi ʋaIsraeri, ʋakakuɓuɗisai munyika yeEgipita.
5
Ɀino Aroni wakati aciɀiʋona, akaʋaka artari pamberi payo, Aroni akaɗanidzira, akati: Maŋgwana mutambo ucaʋa’po kunaJehova.
6
Ʋakafumira maŋgwanani, ʋakapisira ɀipiriso ɀinopiswa, ʋakaʋuya ʋo neɀipiriso ɀokuyananisa, ʋanhu ʋakagara pasi, ʋakadya nokunwa, ʋakasimuka, ʋakatamba.
7
Ɀino Jehova akataura naMosesi, akati: Enda, ɓuruka, nokuti ʋanhu ʋako, ʋawaɓuɗisa munyika yeEgipita, ʋaɀitadzira.
8
Ʋakurumidza kutsauka panzira yandakaʋaraira, ʋakaɀiitira mhuru yakaʋumbga, ʋakainamata, ʋakaiɓayira ɀiɓayiro, ʋaciti: Ndiʋo ʋamŋari ʋenyu, imi ʋaIsraeri, ʋakakuɓuɗisai munyika yeEgipita.
9
Ɀino Jehova akati kunaMosesi: Ndatarira ʋanhu aʋa, ndaʋona kuti ʋanhu ʋanemitsipa mikukutu;
10
naiɀoɀo ɀino ndirege hako, kuti shuŋgu dzaŋgu dziʋamukire, ndiʋapedze, ndikuite iwe rudzi rukuru.
11
Ipapo Mosesi akakumbira kunaJehova Mŋari wake, akati: Haiwa, Jehova, shuŋgu dzenyu dziŋgagomukireiko ʋanhu ʋenyu, ʋamakaɓuɗisa munyika yeEgipita nesimba guru ʋuye noruʋoko runesimba:
12
ƲaEgipita ʋaŋgazoreʋa seiko ʋaciti: Wakaʋaɓuɗisira kuneɀakaipa, kuti aʋaʋuraye mumakomo, nokuʋaparadza panyika? Dzorai shuŋgu dzenyu huru, muɀiɗembe pamsoro pokuitira ʋanhu ʋenyu ɀakaipa ɀakaɗai.
13
Raŋgarirai henyu Abrahama, naIsaka, naIsraeri, ʋaranda ʋenyu, ʋamakaɀipikira mumene, mukati kwaʋari: Ndicawanza ʋana ʋenyu senyeredzi dzokuɗeŋga, nenyika yose iyi, yandakareʋa, ndicaipa ʋana ʋenyu, ʋaigare nhaka nokusiŋgaperi.
14
Ɀino Jehova akaɀiɗemba pamsoro peɀakaipa ɀaakaŋga acifuŋga kuitira ʋanhu ʋake.
15
Ɀino Mosesi akatendeʋuka, akaɓuruka pagomo, anamahwendefa maʋiri ecipupuriro muruʋoko rwake; mahwendefa akaŋga akanyorwa nhiʋi dzawo dzose, akaŋga akanyorwa seri neseri.
16
Mahwendefa iwayo rakaŋga riri ɓasa raMŋari, norunyoro rwakaŋga ruri runyoro rwaMŋari, rwakaŋga rwakatemŋa pamahwendefa.
17
Ɀino Joshua wakati acinzwa mhere‐mhere yaʋanhu ʋanopururudza, akati kunaMosesi: Kunemhere‐mhere yokurwa kumisasa.
18
Iye akati: Haazi manzwi aʋanhu ʋanoɗanidzira pakukunda kwaʋo, kana manzwi aʋanhu ʋanoɗanidzira pakukundwa kwaʋo; asi ndinonzwa mhere‐mhere yaʋanhu ʋanoimba.
19
Ɀino wakati asweɗera kumisasa, akaʋona mhuru nokutamba. Ipapo shuŋgu dzaMosesi dzikamuka, akakanda mahwendefa aiʋa mumaʋoko ake pasi, akaaputsa mujiŋga megomo.
20
Akatora mhuru yaʋakaŋga ʋaita, akaipisa nomŋoto, akaikuya ikaita ʋupfu, akaikanda mumvura, ndokunwisa ʋaIsraeri iɀoɀo.
21
Mosesi akati kunaAroni: Ʋanhu aʋa ʋakakuitireiko, ɀawaʋuyisa ciʋi ici cikuru pamsoro paʋo?
22
Aroni akati: Shuŋgu dzashe waŋgu ŋgadzirege kumuka hadzo; munoziʋa ʋanhu aʋa, kuti ʋanoŋgoɗa kutadza.
23
Nokuti ʋakati kwandiri: Tiitirei ʋamŋari ʋaŋgatituŋgamirira, nokuti kana ari Mosesi uyu, munhu uya wakatiɓuɗisa munyika yeEgipita, hatiziʋi cakaitika naye.
24
Ndikati kwaʋari: Aninani unendarama, ŋgaaigure; ɀino ʋakandipa, ndikaikandira mumŋoto, mhuru iyi ikaɓuɗa’mo.
25
Ɀino Mosesi wakati aʋona kuti ʋanhu ʋarasha Jehoʋa, nokuti Aroni wakaŋga aʋarashisa, kuti ʋasekwe naʋaʋeŋgi ʋaʋo,
26
Mosesi akandomira musuʋo remisasa, akati: Aninani uri kurutiʋi rwaJehova, ŋgaaʋuye kwandiri. Ʋana ʋaRevi ʋose ʋakaʋuŋgana kwaari.
27
Akati kwaʋari: Ɀanzi naJehova Mŋari waʋaIsraeri: Mumŋe nomumŋe wenyu ŋgaasuŋgire munondo wake pacidɀa cake, mufambe‐fambe mucibva panerimŋe suʋo mucienda kunerimŋe suʋo pakati pemisasa, mumŋe nomumŋe aʋuraye hama yake, nomumŋe nomumŋe shamŋari yake, nomumŋe nomumŋe munhu wokwake.
28
Ʋana ʋaRevi ʋakaita seɀakaŋga ɀarebga naMosesi; nomusi iwoyo ʋakafa pakati paʋanhu ʋaneŋge ʋaneɀuru ɀitatu.
29
Ɀino Mosesi akati: Ɀiparadzanisei nhasi kunaJehova, kuti munhu mumŋe nomumŋe arwe nomŋanakomana wake ʋuye nehama yake, kuti akuropafadzei nhasi.
30
Ɀino fume maŋgwana Mosesi akati kuʋanhu: Imi makatadza nokutadza kukuru, asi ɀino ini ndicakwira kunaJehova, ɀimŋe ndiŋgayananisira ɀiʋi ɀenyu.
31
Mosesi akadzokera kunaJehova, akati: Haiwa, ʋanhu aʋa ʋakatadza nokutadza kukuru, ʋakaɀiitira ʋamŋari ʋendarama;
32
ɀino ɗai muciʋakaŋganwira henyu ɀiʋi ɀaʋo; asi kana musiŋgaɗi henyu, ndidzimei pabuku yenyu yamakanyora.
33
Jehova akati kunaMosesi: Uyo wakanditadzira, ndiye wandicadzima pabuku yaŋgu.
34
Ɀino cienda, uperekedze ʋanhu ʋaende kwandakaʋaʋudza; tarira, mutumŋa waŋgu ucakutuŋgamirira; asi nomusi wandicaroʋa nawo, ndicaʋaroʋa nokuɗa kweɀiʋi ɀaʋo.
35
Jehova akaroʋa ʋanhu, nokuti ʋakaŋga ʋaita mhuru yakaitwa naAroni.
← Chapter 31
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 33 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40