bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Exodus 36
Exodus 36
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 35
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 37 →
1
Ɀino Bezareri naOhoriabi ʋanofanira kuɓate‐ɓasa pamŋe cete naʋarume ʋose ʋanemŋoyo yakaŋgwara, ʋakapiwa naJehova kucenjera nokunzwisisa kuti ʋaziʋe kuɓata maɓasa ose okushuma panɀimbo tȿene, ɀose ɀakarairwa naJehova.
2
Ɀino Mosesi akaɗana Bezareri naOhoriabi, naʋarume ʋose ʋaiʋa nemŋoyo yakaŋgwara, ʋakapiwa kucenjera mumŋoyo yaʋo naJehova, ʋose ʋakaŋga ʋamutswa nemŋoyo yaʋo, kuti ʋaʋuye kuzoɓate‐ɓasa;
3
ʋakapiwa naMosesi ɀipo ɀose ɀakaŋga ɀaʋuyiswa naʋana ʋaIsraeri, ɀokuɓatisa naɀo ɓasa rokushuma panɀimbo tȿene. Asi iʋo ʋakaramba ʋaciʋuya nemŋoyo yaʋo kwaari maŋgwanani ose neɀipo ɀaʋo.
4
Ɀino ʋarume ʋose ʋakacenjera, ʋakaŋga ʋaciɓata maɓasa ose enɀimbo tȿene, ʋakabva mumŋe nomumŋe paɓasa rake raakaŋga aciita,
5
ʋakataura naMosesi, ʋaciti: Ʋanhu ʋanoʋuya neɀakawandisa kupfuʋura ɀinokwana kuite‐ɓasa rakarairwa naJehova kuti riitwe.
6
Mosesi akaraira kuti shoko riparidzwe kumisasa, rokuti: Kunyaŋge murume kana mukadzi ŋgaarege kuzoita ɀe ɓasa rimŋe reɀipo ɀokupa nɀimbo tȿene. Naiɀoɀo ʋanhu ʋakadziʋiswa kuzoʋuya neɀimŋe.
7
Nokuti ɀaʋakaŋga ʋanaɀo, ɀakakwanira maɓasa ose aʋaifanira kuita, ɀimŋe ɀikasara.
8
Ɀino ʋarume ʋose ʋaiʋa nemŋoyo yakaŋgwara pakati paʋaɓati ʋakaita tabernakeri namacira anegumi; ʋakaɀiita nemiceka yakarukwa yakaiȿo‐naka, ne ɀakarukwa ɀitema, neɀishaʋa, neɀitȿuku, ɀinamakerubi; raiʋa ɓasa romuɓati waigona kuɓata.
9
Kureɓa kwejira rimŋe kwaiʋa makubiti makumi maʋiri namasere, noʋupamhi bgejira rimŋe makubiti manna; macira ose akaŋga akaenzana.
10
Akaɓatanidza macira mashanu pamŋe cete, namamŋe macira akaaɓatanidza pamŋe cete ɀe.
11
Akaita ɀiswe ɀitema pamupendero wejira rokupedzisira panaakaɓatanidzwa pamŋe cete; akaita ʋo saiɀoɀo pamupendero wejira rokupedzisira panamamŋe akaɓatanidzwa pamŋe cete.
12
Akaita ʋo ɀiswe ɀinamakumi mashanu pajira rimŋe, neɀiswe ɀinamakumi mashanu ɀe pamupendero wejira ramamŋe akaɓatanidzwa pamŋe cete; ɀiswe ɀakaŋga ɀakatarisana.
13
Akaita ʋo ɀikorekedzo ɀendarama ɀinamakumi mashanu, akaɓatanidza macira neɀikorekedzo iɀoɀo; naiɀoɀo tabernakeri ikaʋa cinhu cimŋe cete.
14
Akaita ʋo macira e mʋere dzembudzi, rikaʋa tente pamsoro petabernakeri; akaita macira anegumi nerimŋe.
15
Kureɓa kwejira rimŋe nerimŋe kwaiʋa makubiti anamakumi matatu, noʋupamhi bgejira rimŋe nerimŋe makubiti manna; macira anegumi nerimŋe akaŋga akaenzana.
16
Akaɓatanidza macira mashanu pamŋe cete, namacira matanhatu pamŋe cete ɀe;
17
akaita ɀiswe ɀinamakumi mashanu pamupendero wejira rimŋe rokupedzisirapanaakaɓatanidzwa pamŋe cete, neɀimŋe ɀiswe ɀinamakumi mashanu ɀe pamupendero wejira rokupedzisira pana mamŋe akaɓatanidzwa pamŋe cete ɀe.
18
Akaita ʋo ɀikorekedzo ɀinamakumi mashanu ɀendarira ɀokuɓatanidza tente, kuti ciʋe cinhu cimŋe cete.
19
Akaitira ʋo tente cifukidzo camatebge amakondobge akazodzwa muti mutȿuku, necifukidzo camatebge amatenhe pamsoro paiɀoɀo.
20
Akaitira ʋo tabernakeri mapuraŋga omuakasia akamiswa.
21
Kureɓa kwepuraŋga rimŋe kwaiʋa makubiti anegumi, noʋupamhi bgepuraŋga rimŋe nerimŋe bgaiʋa kubiti rimŋe nehafu.
22
Puraŋga rimŋe nerimŋe rakaitirwa ɀiɓato ɀiʋiri ɀakaɓatanidzwa; akaita mapuraŋga ose etabernakeri saiɀoɀo.
23
Akaita mapuraŋga etabernakeri anamakumi maʋiri okurutiʋi rwezasi, akatarira zasi.
24
Akaita ʋo ɀigadziko ɀesirveri ɀinamakumi manna pasi pamapuraŋga anamakumi maʋiri, ɀigadziko ɀiʋiri pasi pepuraŋga rimŋe paɀiɓato ɀaro ɀiʋiri.
25
Akaita mapuraŋga anamakumi maʋiri kurutiʋi rwecipiri rwetabernakeri kurutiʋi rwokumsoro,
26
neɀigadziko ɀawo ɀesirveri ɀinamakumi manna, ɀigadziko ɀiʋiri pasi pepuraŋga rimŋe, neɀigadziko ɀiʋiri pasi perimŋe puraŋga ɀe.
27
Akaita ʋo mapuraŋga matanhatu kurutiʋi rwemberi rwetabernakeri kumaʋirazuʋa.
28
Akaita ʋo mapuraŋga maʋiri kumakona etabernakeri kurutiʋi rwemberi.
29
Akaŋga akaita maʋiri necenyasi; saiɀoɀo ɀe akaŋga akaita maʋiri akaɓatanidzwa kuȿikira kumsoro kucindori cokutaŋga; saiɀoɀo akaaitira ose maʋiri pamakona maʋiri.
30
Akaʋa mapuraŋga masere aneɀigadziko ɀawo ɀesirveri, ɀikaʋa ɀigadziko ɀinegumi neɀitanhatu, ɀigadziko ɀiʋiri pasi pepuraŋga rimŋe nerimŋe.
31
Akaita ʋo mbariro dzomuakasia, shanu dzamapuraŋga orumŋe rutiʋi rwetabernakeri,
32
nembariro shanu ɀe dzamapuraŋga etabernakeri kurutiʋi rwemberi kumaʋirazuʋa.
33
Akaita ʋo rumbariro rwapakati rwaiʋa pakati pamapuraŋga rwaibva kunorumŋe rutiʋi rukandoȿikira kunorumŋe rutiʋi.
34
Akafukidza mapuraŋga nendarama, akaita ɀindori ɀawo ɀendarama, kuti mbariro dzigare’po, akafukidza ʋo mbariro nendarama.
35
Akaita ʋo cidzitiro ne ɀakarukwa ɀitema, neɀishaʋa, neɀitȿuku, nomuceka wakaiȿo‐naka wakarukwa; akaciita namakerubi, rikaʋa ɓasa romunhu unogona.
36
Akaciitira mbiru inna dzomuakasia, akadzifukidza nendarama; ɀikorekedzo ɀadzo ɀakaŋga ɀiri ɀendarama, akadziʋumbira ʋo ɀigadziko ɀinna ɀesirveri.
37
Akaitira ʋo mukoʋa weTente cidzitiro ce ɀakarukwa ɀitema, neɀishaʋa, neɀitȿuku, nomuceka wakaiȿo‐naka wakarukwa; rakaŋga riri ɓasa romusoni unogona.
38
Ʋuye mbiru dzaco shanu neɀikorekedzo ɀadzo; akafukidza misoro yadzo neɀindori ɀadzo nendarama; neɀigadziko ɀadzo ɀakaŋga ɀiri ɀendarira.
← Chapter 35
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 37 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40